Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, VaGaratia 3


DJS, VaGaratia 3:19–20 (enzanisa VaGaratia 3:19–20)

(Kristu munyai wechibvumirano chitsva. Mutemo waMosesi [chibvumirano chakare] nevhangeri risingapere [chibvumirano chitsva] zvinoenzaniswa].)

19 Nokudaro ipapa, mutemo wakapamhidzirwa nepamusana pezvitadzo, kudakara mbeu yauya kune uyo akaitirwa chivimbiso mumutemo waMosesi, uyo akagadzwa nemaoko engirozi kuti ave munyai wechibvumirano chekutanga ichi, (mutemo.)

20 Zvino munyai uyu akanga asiri munyai wechibvumirano chitsva; asi pane munyai mumwechete wechibvumirano chitsva, uyo ari Kristu; sekunyora kwazvakaitwa mumutemo maererano nezvivimbiso zvakaitwa kuna Abrahama nembeu yake. Zvino Kristu ndiye munyai weupenyu; nokuti ichi ndicho chivimbiso chakaitwa naMwari kuna Abrahama.