Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Marko 16


DJS, Marko 16:3–6 (enzanisa Marko 16:4–7; zvakafana nezvakashandurwa muna Mateo 28:2–8; enzanisa Ruka 24:2–4)

(Ngirozi mbiri dzakakwazisa madzimai aive paguva reMuponesi.)

3 Asi pavakatarisa, vakaona kuti dombo rakanga rakungurutswa richibviswa, (nokuti rakanga riri guru chaizvo,) uye ngirozi mbiri dzakanga dzakagara pariri, dzakapfeka nguwo refu chena; uye vakatyiswa.

4 Asi ngirozi dzakati kwavari, Musatye; muri kutsvaka Jesu weNazareta, uyo akaroverwa pamuchinjikwa; amuka; haasi pano; tarisai panzvimbo pavakamuradzika;

5 Uye endai zvenyu, taurirai vadzidzi vake naPetro, kuti arikuenda mberi kwenyu kuGarirea; ikoko ndiko kwamuchamuona sekutaura kwaakaita kwamuri.

6 Uye ivo vachipinda muguva vakaona nzvimbo iyo yavakanga varadzika Jesu.