Magwaro Matsvene
Moronai 10


Chitsauko 10

Uchapupu hweBhuku raMormoni hunouya nesimba roMweya Mutsvene—Zvipo zvoMweya zvinopiwa kune vanotenda—Zvipo zvoMweya zvinofambidzana nokutenda—Mazwi aMoronai anotaura achibva muguruva—Uyai kuna Kristu, muitwe vakarurama maari, nokuita kuti mweya yenyu ive mitsvene. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Zvino ini Moronai, ndinonyora zvimwe zvandinoona sezvakanaka; zve ndinonyora kuhama dzangu; maRamani; ndinoita kuti vazive kuti makore anopfuura mazana mana nemakumi maviri apfuura kubvira chiratidzo chokuuya kwaKristu chakapiwa.

2 Uye ndinonama zvinyorwa izvi, shure kwekutaura mazwi mashoma maererano nokukurudzira kwamuri.

3 Tarisai, ndinokukurudzirai kuti kana muchinge maverenga zvinhu izvi, kana huri uchenjeri munaMwari kuti muzviverenge, kuti murangarire kuti Ishe vakaita tsitsi dzakaita sei kuvana vevanhu, kubvira kusika kwaakaita Adama kusvikira panguva iyo muchagamuchira zvinhu izvi, uye mugozvifungisisa mumwoyo yenyu.

4 Uye pamuchange magamuchira zvinhu izvi, ndinokukurudzirai kuti mubvunze Mwari Baba Vokusingaperi, muzita raKristu, kana zvinhu izvi zvisiri zvechokwadi; kana muchinge makumbira nomwoyo wose, nechido chaicho, mune kutenda muna Kristu, achakuburitsirai chokwadi chazvo, nesimba roMweya Mutsvene.

5 Uye nesimba roMweya Mutsvene muchaziva chokwadi chezvinhu zvose.

6 Zve chinhu chose chakanaka chakarurama uye chiripachokwadi; nokudaro, chakanaka hachingarambe Kristu, asi chinotenda kuti ndiye.

7 Uye munozoziva kuti ndiye; nesimba roMweya Mutsvene; nokudaro ndinokukurudzirai kuti musarambe simba raMwari; nokuti anoshanda nesimba, maererano nokutenda kwevana vevanhu, zvimwechete nhasi, mangwana, nokusingaperi.

8 Uye zvakare, ndinokukurudzirai, hama dzangu, kuti musarambe zvipo zvaMwari, nokuti zvakawanda; zve zvinobva kuna Mwari vamwechete. Uye kune nzira dzakasiyana dzinopiwa nadzo zvipo izvi; asi ndiMwari vamwechete vanoshanda madziri dzose; zvinopiwa nezviratidzo zveMweya waMwari kuvanhu, kuti zviwedzerwe kwavari.

9 Nokuti tarisai, kune mumwe anopihwa noMweya waMwari, kuti agodzidzisa shoko roungwaru.

10 Uye kune mumwe, kuti adzidzise shoko roruzivo noMweya mumwecheteyo.

11 Uye kune mumwe, kutenda kukuru; kune mumwe, zvipo zvokuporesa noMweya mumwecheteyo;

12 Uye zvakare, kune mumwe, kuti ashande zvishamiso zvikuru;

13 Uye zvakare, kune mumwe, kuti aporofite pamusana pezvinhu zvose;

14 Uye zvakare, kune mumwe, kuona ngirozi nokuparidza kwomweya;

15 Uye zvakare, kune mumwe, marudzi ose endimi.

16 Uye zvakare, kune mumwe, kududzira kwemitauro yakasiyana yendimi dzose.

17 Uye zvose zvipo izvi zvinouya noMweya waKristu; zvinouya kune mumwe nemumwe, maererano nokuda kwake.

18 Uye ndinokukurudzirai, hama dzangu dzinodiwa, kuti murangarire kuti chipo chose chakanaka chinobva kuna Kristu.

19 Uye ndinokukurudzirai, hama dzangu dzinodiwa, kuti murangarire kuti ndiye mumwecheteyo zuro, nanhasi, nokusingaperi, uye kuti zvipo zvose izvi zvandataura, izvo zvomweya, hazvizobviswi, kana nyika ichimire, chete nokusatenda kwevana vevanhu.

20 Nokudaro, kunofanirwa kuve nokutenda; uye kana pane kutenda panofanirwa kunge pane tariro; kana pane tariro panofanirwa kunge pane rudo rwakadzama zvakare.

21 Uye kunze kwokunge une rudo rwakadzama hakuna imwe nzira yaungaponeswa nayo muumambo hwaMwari; kana kuti haungaponeswe muumambo hwaMwari usina kutenda; kana kuponeswa usina tariro.

22 Uye kana musina tariro munenge makarasa mwoyo; kurasa mwoyo kunouya nokuda kwezvitadzo.

23 Uye Kristu akati zvechokwadi kumadzibaba edu; kana mune kutenda munokwanisa kuita zvinhu zvose zvinofadza kwandiri.

24 Uye zvino ndinotaura kumagumo enyika—kuti kana zuva rasvika kuti simba nezvipo zvaMwari hazvichazoitika pakati penyu, zvinozoitika pamusana pokusatenda kwenyu.

25 Uye vane nhamo vana vevanhu kana zvikadaro; nokuti panenge pasina kana mumwechete achaita zvakanaka pakati penyu, kunyange mumwe zvake. Nokuti kana pane mumwe pakati penyu anoita zvakanaka, achashanda nesimba nezvipo zvaMwari.

26 Uye vane nhamo avo vachaita zvinhu izvi zvibve, nokuti vachafira muzvivi zvavo, havazoponiswi muumambo hwaMwari; ndinozvitaura maererano nemazwi aKristu; uye handinyepi kwete.

27 Uye ndinokukurudzirai kuti murangarire zvinhu izvi; kuti nguva ichasvika nokukurumidza apo muchaziva kuti handinyepi, nokuti muchandiona pachigaro chekutonga chaMwari; Ishe Mwari vachati kwamuri: Handina kutaura here mazwi angu kwamuri, ayo akanyorwa nemurume uyu, achichema somunhu akafa, hongu, kunyange somunhu ari kutaura kubva muguruva?

28 Ndinotaura zvinhu izvi kwamuri mukuzadzikisa huporofita. Uye tarisai, zvichabuda kubva mumuromo waMwari vasingaperi; shoko ravo richashinyira kubva kuzvizvarwa kuenda kuzvizvarwa.

29 Uye Mwari vachakuratidzai, kuti zvandakanyora ndezvechokwadi.

30 Uye zvakare ndinokukurudzirai kuti muuye kuna Kristu, muve munobatirira kune zvipo zvose zvakanaka, musabate zvipo zvakaipa, kana zvinhu zvine tsvina.

31 Uye mukai, musimuke kubva muguruva, Jerusarema; hongu, upfeke hanzu dzako dzakanaka, mwanasikana weZioni; simbisa mbambo dzako uye pamhidzira miganhu yako nokusingaperi, kuti urege kuzokanganiswa, kuti zvivimbiso zvaBaba Vokusingaperi zvaakaita kwauri, imba yaIsraeri, zvigozadzikiswa.

32 Hongu, uyai kuna Kristu, munatswe maari, uye rambai kusarurama kwose; asi mukaramba kusarurama kwose, moda Mwari nekugwinya kwenyu kwose, nepfungwa dzenyu dzose, nesimba renyu rose nokudaro nyasha dzavo dzinokwanirana nemi, kuti nenyasha dzavo mugova vakakwana muna Kristu, kana nenyasha dzaMwari makakwana muna Kristu, hamuna nzira yamungagoni kuramba nayo simba raMwari.

33 Uye zvakare, kana makanaka nenyasha dzaMwari muna Kristu, musingarambe simba rake, naizvozvo munoitwa kuti muve vatsvene muna Kristu nenyasha dzaMwari, kuburikidza nokudeurwa kweropa raKristu, riri muchibvumirano chaBaba chokuti muregererwe zvitema zvenyu, kuti mugova vatsvene, vasina kavara.

34 Uye zvino kwamuri mose, ndinokuwonekai. Ndichaenda muchinguvana kundozorora muparadiso raMwari, kudzamara mweya wangu nomuviri zvazosanganiswa zvakare, ndichizounzwa nokukunda nomumhepo, kuzosangana nemi pamberi pechigaro chinofadza chaJehova vakuru, Mutongi Vokusingaperi wavose vapenyu novakafa. Ameni.

Magumo