2010–2019
Nemugore uye neMuchiedza cheZuva, Ishe, Garai Neni!
Musangano mukuru waGumiguru 2019


Nemugore uye neMuchiedza cheZuva, Ishe, Garai Neni!

Ndinopupura kuti “nemugore uye nemuchiedza chezuva” Ishe vanozogara nesu, uye kuti “matambudziko edu [anokwanisa] kumedzwa mumufaro waKristu.”

Imwe yenziyo dzedu dzinodiwa inotaura chiteterero chokuti “nemugore uye nemuchiedza chezuva, Ishe, garai neni!”1 Pane imwe nguva ndakanga ndiri mundege apo payaiswedera pedyo nedutu guru. Ndichitarisa kunze nepahwindo, ndaikwanisa kuona makore makobvu pazasi pedu. Mirazvu yezuva rainge rava kunyura yaitaima kubva pamakore, ichiikonzera kuti ipenye norujeko rukurusa. Nenguva dikidiki, ndege yakadzika nemumakore makobvu acho, uye pakarepo takakomberedzwa nerima gobvu iro rakatipofomadza zvachose kuchiedza chikuru chatakanga taona chinguva chipfupi-pfupi chaiva chapfuura.2

Mufananidzo
Mirazvu yezuva riri kunyura
Mufananidzo
Makore matema

Makore matema anogonawo kuumbika muupenyu hwedu, izvo zvinokwanisa kutipofomadza kuchiedza chaMwari uye kunyangwe kutikonzera kuti tibvunze kana chiedza ichocho chichiripo kwatiri. Mamwe emakore iwayo ndeerusuruvaro rukuru, kushushikana, uye namamwe marudzi ekutambura kwepapfungwa nepamwoyo. Anokwanisa kukanganisa nzira dzatinozviona nadzo isu pachedu, vamwe, uye kunyangwe Mwari. Anobata madzimai uye nevarume vemazera ese mumativi ese enyika.

Rinokanganisawo saizvozvo igore rinoshayisa hanya rokusava nechokwadi iro rinokwanisa kubata vamwe avo vasina kusangana nezvinetso izvi. Seupi zvawo mutezo wemuviri, uropi hwunobatwa nezvirwere, kushungurudzika, uye kusaenzana kwemakemikari. Apo pfungwa dzedu padzinotambura, zvakafanira kutsvaga rubatsiro kubva kuna Mwari, kubva kuna avo vakatikomberedza, uye kubva kunyanzvi dzezveutano hwemuviri nepfungwa.

“Vanhu vese—vanhurume nevanhukadzi—vakasikwa nemufananidzo waMwari. Mumwe nemumwe mwanakomana kana mwanasikana anodiwa wemweya wavabereki vekudenga, uye … mumwe nemumwe ane hunhu hwehumwari uye ane ramagwana raakatarirwa.”3 Savabereki vedu Vekudenga uye neMuponesi wedu, isu tine muviri wenyama4 uye tinobatwa pamwoyo namanzwiro.5

Masisita angu anodikanwa, chinhu chinoitika mazuva ose kunzwa kusuwa kana kunetsekana nguva nenguva. Kusuruvara uye kushungurudzika manzwiro emusikirwo wevanhu.6 Asi zvisinei, kana tichigara takasuwa nguva dzose uye kana marwadzo edu achivhara kwaniso yedu yokunzwa rudo rwaBaba vedu Vokudenga neMwanakomana Wavo uye nekurudziro yeMweya Mutsvene, zvino tinogona kunge tichitambura nerusuruvaro rukuru, kushushikana, kana mamwewo manzwiro.

Mwanasikana wangu akambonyora kuti: “Paiva nenguva … [apo] ndaigara ndakasuruvara zvikurusa nguva dzese. Ndaigarofunga kuti kusuruvara chaiva chinhu chokunyara nacho, uye kuti chaiva chiratidzo choutera. Saka handina munhu wandakaudza. … Ndainzwa sendisingakoshi zvachose.”7

Shamwari yakazvitsanangura nenzira iyi: “Kubvira ndichiri mudiki, ndairwisana nguva dzose nemanzwiro ekushaya tariro, kusviba moyo, kusurukirwa, uye kutya uye pfungwa yekuti ndakatyoka kana kuti ndakaremara. Ndakaita zvese zvandaigona kuti ndivige marwadzo angu uye kuti ndisambopa imwe pfungwa kunze kwekuti ndaiva ndichifara zvikuru uye ndakasimba.”8

Shamwari dzangu dzinodiwa, zvinokwanisa kuitika kunaani zvake wedu—kunyanya apo, sevatendi muchirongwa cherufaro, patinoisa mitoro isina basa patiri nekufunga kuti tinofanira kuva takarurama izvozvi. Pfungwa dzakadaro dzinogona kutiremera. Kuwana ururami chiitiko chinozotora nzvimbo nemuupenyu hwedu hwenyama hwuno hwese uye kupfuura—uye chete kuburikidza nenyasha dzaJesu Kristu.9

Mukusiyana, apo patinotaura pamusoro pematambudziko edu emanzwiro emupfungwa, tichibvuma kuti hatina kururama, tinopa vamwe mvumo yekuti vagoverewo zvinetso zvavo. Pamwechete tinoziva kuti kune tariro uye kuti hatifaniri kutambura tiri toga.10

Mufananidzo
Tariro muKuuya kweChipiri

Sevadzidzi vaJesu Kristu, takaita chibvumirano naMwari chekuti “tine chido chokutakurirana mitoro” uye “kuchema neavo vanochema.”11 Izvi zvinogona kusanganisira kuve neruzivo nezvehurwere hwepfungwa, kuwana zvirongwa zvinokwanisa kubatsira kugadzirisa zvinetso izvi, uye pakupedzisira kuzviunza isu pachedu uye nevamwe kuna Kristu, uyo anova ndiye Muporesi Mukuru.12 Kunyangwe kana isu tisingazive kuti tinganzwisisa sei zviri kusanganwa nazvo nevamwe, kutsinhira kuti marwadzo avo ndeechokwadi kunokwanisa kuve nhanho yekutanga yakakosha mukuwana nzwisiso uye nokupora.13

Mune mamwe mamiriro ezvinhu, chikonzero cherusuvaro rukuru kana kushushikana chinogona kuzivikanwa, apo dzimwe nguva zvingave zvakaoma kuziva.14 Uropi hwedu hwungangotambura nekuda kwekunetseka15 kana kuneta kwakanyanyisa,16 izvo dzimwe nguva zvinokwanisa kugadziriswa kuburikidza neshanduro muzvokudya, kurara, uye nokugwinyisa muviri. Dzimwe nguva, kurapwa kana mushonga pasi pehutungamiri hwenyanzvi kungangodiwawo.

Uhwere hwepfungwa kana hwemanzwiro anoita munhu hwusina kurapwa hwunogona kutungamira kukuzviparadzanisa kwakawedzera, kusanzwisisana, kuputsika kwehukama, kuzvikuvadza, uye kunyangwe kuzviuraya. Ndinozviziva izvi ini pachangu, sezvo baba vangu vakazviuraya makore mazhinji akapfuura ayo. Rufu rwavo rwakavhundutsa uye rwakashungurudza ini nemhuri yangu. Zvakanditorera makore akawanda kukunda marwadzo angu, uye ndakatozozviziva munguva pfupi ichangopfuura iyo kuti kutaura pamusoro pokuzviuraya nenzira dzakakodzera kunotobatsira kudzivirira kuzviuraya pane kukukurudzira.17 Iyezvino ndakakurukura pachena nevana vangu pamusoro pekufa kwababa vangu uye ndikaona ruporeso urwo Muponesi rwaanokwanisa kupa kumativi ose echidzitiro.18

Zvinosuwisa kuti, vazhinji vanotambura nerusuruvaro rukurusa vanozviparadzanisa kubva kunevamwe vavo Vatendi nekuti vanonzwa kuti havachakwanirani nehumwe hunhu hwekufungidzira. Tinogona kuvabatsira kuti vazive uye vanzwe kuti zvechokwadi ndevedu. Zvakakosha kucherechedza kuti rusuruvaro rukuru harusi mhedzisiro youtera, kana kuti mhedzisiro yechivi.19 “Runowedzera apo patinoruchengeta muchivande asi runoderera apo patinotambira tsitsi kubva kuna vamwe.”20 Pamwechete, tinogona kubuda mumakore ekuzviparadzanisa uye ekunzwa nyadzi zvoita kuti mutoro wekunyara usimudzwe uye zvishamiso zvoruporeso zvinogona kuitika.

Munguva yehushumiri Hwake hwepanyika, Jesu Kristu akaporesa vanorwara nevanotambudzika, asi munhu mumwe nemumwe aifanira kushandisa rutendo maAri uye nekuita chinhu kuti agamuchire ruporeso Rwake. Vamwe vakafamba nzendo refu, vamwe vakatambanudza ruoko rwavo kuti vabate nguwo Yake, uye vamwe vakafanira kutakurwa kuendeswa kwaAiva kuitira kuti vaporeswe.21 Apo pazvinoreva ruporeso, hatisi tinoMuda zvikurusa tose here? “Hatisi vapemhi tese here?”22

Ngatiteverei nzira yeMuponesi uye tiwedzere tsitsi dzedu, tideredze maitiro edu ekutonga, uye tirege kuve vaongorori vezvepamweya zvevamwe. Kuteerera norudo ndicho chimwe chezvipo zvikurusa zvatinogona kupa, uye isu tingangokwanisa kutakura kana kusimudza makore anorema ayo anopfumbira vadiwa vedu neshamwari dzedu23 kuitira kuti, kuburikidza nerudo rwedu, vanogona zvakare kunzwa Mweya Mutsvene uye kuona chiedza chinobva kuna Jesu Kristu.

Kana uchigara wakakomberedzwa nguva dzose “nemhute yerima,”24 tendeukira kuna Baba Vokudenga. Hapana zvawakasangana nazvo zvinokwanisa kushandura chokwadi chekusingaperi chekuti uri mwana Wavo uye kuti Ivo vanokuda.25 Rangarira kuti Kristu ndiye Muponesi neMununuri wako, uye Mwari ndivo Baba vako. Vanonzwisisa. Fungidzira vari pedyo newe, vachiteerera uye vachipa rutsigiro.26 “[Ivo] vanozokunyaradza mumatambudziko ako.”27 Ita zvese zvaunokwanisa, uye vimba munyasha dzorudzikinuro rwaIshe.

Matambudziko ako haatsananguri hunhu hwako, asi anokwanisa kukunatsa iwe.28 Nekuda “kwemunzwa munyama,”29 unogona kuva nekwaniso yokunzwa tsitsi zhinji kuna vamwe. Sokutungamirirwa kwaunoitwa neMweya Mutsvene, govera nyaya yako kuitira kuti “ubatsire vane utera, usimudze mavoko asinesimba, uye utsigire mabvi anodedera.”30

Kune avo vedu parizvino vari kutambura kana kutsigira mumwe munhu ari kutambura, ngativei nechido chokutevera mirairo yaMwari kuitira kuti nguva dzose tigova neMweya Wavo uinesu.31 Ngatiitei “zvinhu zvidiki uye zviri nyore”32 izvo zvinozotipa simba remweya. Sekutaura kwakaita Mutungamiri Russell M. Nelson, “Hapana chinovhura matenga zvakafanana nemubatanidzwa weururami hwakawedzerwa, kuteerera nomazvo, kutsvaka nemwoyo wese, kudya mazuva ese pamashoko aKristu muBhuku raMormoni, uye nguva yakatarirwa basa remutemberi uye renhoroondo yemhuri.”33

Mufananidzo
Muponesi achiporesa

Ngatirangarirei tose kuti Muponesi wedu, Jesu Kristu, “[akatora] paari undonda [hwedu] kuitira kuti ura hwake hwuzadzwe nengoni, maererano nenyama, kuitira kuti agoziva … mabatsiriro okutiita maererano noundonda [hwedu].”34 Akauya “kuti arape vane mwoyo yakaputsika, … kunyaradza vose vanochema; … kuti uvape runako panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya.”35

Mufananidzo
Kuuya Kwechipiri

Ndinopupura kwamuri kuti “nemugore uye nemuchiedza chezuva” Ishe vanozogara nesu, “matambudziko edu [anokwanisa] kumedzwa mumufaro waKristu,”36 uye “kuburukidza nenyasha ndiko kunoita kuti tiponeswe, mushure mezvose zvatinokwanisa kuita.”37 Ndinopupura kuti Jesu Kristu anozodzoka panyika “aine ruporeso mumapapiro ake.”38 Pakupedzisira, Iye “achapisika misodzi yose pameso [edu]; uye hakuchazovizve … nerusuwo.”39 Nokuti vose “vanozouya kuna Kristu, uye voruramiswa maari,”40 “zuva harichazoviri; … nokuti Ishe achava chiedza [chedu] chisingaperi, uye mazuva [edu] ekuchema achaguma.”41 Muzita raJesu Kristu, ameni.

Manotsi

  1. “Abide with Me!” Hymns, nhamba 166.

  2. Apo patakanga tiri pamusoro pemakore, takanga tisingakwanise kuona rima raive mamita mashomanana pazasi pedu, uye apo patakafukidzwa nerima nemuzasi, zvaive zvakaoma kuona rujeko rwezuva raipenya mamita mashomanana kumusoro kwedu.

  3. The Family: A Proclamation to the World,Liahona, Mbudzi 2017, 145.

  4. “Mweya nemuviri ndizvo mweya wemunhu.” (Dzidziso Nezvibvumirano 88:15). “Muviri wako itembere yemweya wako. Uye mashandisiro aunoita muviri wako anoshandura mweya wako” (Russell M. Nelson, “Decisions for Eternity,” Liahona, Mbudzi 2013, 107).

  5. Ona, semuenzaniso, Muporofita Isaya 65:19; Ruka 7:13; 3 Nifai 17:6–7; Mosesi 7:28. Kudzidza kuziva uye nekukoshesa manzwiro edu kunogona kutibatsira kuashandisa nenzira inovaka kuitira kuti tive seMuponesi wedu, Jesu Kristu.

  6. Ona “Sadness and Depression,” kidshealth.org/en/kids/depression.html.

  7. Hermana Elena Aburto Blog, hermanaelenaaburto.blogspot.com/2015/08. Akanyorawo kuti:

    “Chiedzo ichocho chakandipa mukana wekushandisa pachokwadi rutendo rwangu muchirongwa cheruponeso. Nekuti ndaiziva kuti Baba vangu Vokudenga vaindida, uye kuti Vakanga vaine chirongwa changu in chete, uye kuti Kristu ainzwisisa chaizvo zvandaive ndiri kutambura nazvo.”

    “Mwari havakunyadzisi paunenge usina unyanzvi. Vanofara kukubatsira kuti uzvinatsurudze uye utendeuke. Havatarisiri kuti ugadzirise zvese panguva imwechete. Haufaniri kuita izvi wega” (iwillhealthee.blogspot.com/2018/09).

  8. Chinyorwa chake pachake. Akanyorawo kuti: “Bhasami rinoporesa reRudzikinuro rweMuponesi wangu rwanga rwuri manyuko aivapo nguva dzose erunyararo neutiziro nemurwendo rwangu rwese. Apo pandinonzwa ndiri ndega mukutambura kwangu, ndinoyeuchidzwa kuti Iye atotambura neizvo chaizvo zvandiri kutambura nazvo akandimiririra. … Mune tariro yakawanda zvikuru mukuziva kuti muviri wangu wamangwana wakaruramiswa uye wakamutswa kuvakafa hauzotambudzwa [nedambudziko] iri reupenyu hunofa.”

  9. Ona Russell M. Nelson, “Perfection Pending,” Ensign, Mbudzi 1995, 86–88; Jeffrey R. Holland, “Be Ye Therefore Perfect—Eventually,” Liahona, Mbudzi. 2017, 40–42; J. Devn Cornish, “Am I Good Enough? Will I Make It?Liahona, Mbudzi 2016, 32–34; Cecil O. Samuelson, “What Does It Mean to Be Perfect?New Era, Ndira 2006, 10–13.

  10. Zvakakosha kutaura pamusoro pezvinhu izvi nevana vedu, mhuri dzedu, uye neshamwari dzedu mudzimba dzedu, mawadhi edu, uye nemunzanga dzedu.

  11. Mosaya 18:8–9.

  12. Ona Russell M. Nelson, “Jesus Christ—the Master Healer,” Liahona, Mbudzi 2005, 85–88; Carole M. Stephens, “The Master Healer,” Liahona, Mbudzi 2016, 9–12.

  13. Kuziva maoenero atingaita zviratidzo nezviratidzo matiri isu pachedu uye nemune vamwe kunokwanisa kubatsira. Tinogonawo kudzidza kuona mitoo yemafungiro asiri kwawo kana asina utano uye kuti tinoatsiva sei neakanyanya kururama uye ane utano.

  14. Rusuruvaro rukuru runogonawo kukonzerwa neshanduko yakanaka muupenyu—sezvakaita kuzvarwa kwemwana kana basa idzva—uye kunogona kuitika apo zvinhu pazvinenge zvakanaka muhupenyu hwemunhu.

  15. Ona “Understanding Stress,” Adjusting to Missionary Life (2013), 5–10.

  16. Ona Jeffrey R. Holland, “Like a Broken Vessel,” Liahona, Mbudzi 2013, 40.

  17. Ona Dale G. Renlund, “Understanding Suicide” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org; “Talking about Suicide” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org; Kenishi Shimokawa, “Understanding Suicide: Warning Signs and Prevention,Liahona, Gumiguru 2016, 35–39.

  18. “Kutanga kwekuporeswa kunoda rutendo rwakafanana nerwemwana muchokwadi chisingashanduki chekuti Baba vari Kudenga vanokuda uye vakapa nzira yekuti upore. Mwanakomana Wavo Anodikanwa, Jesu Kristu, akapira upenyu Hwake kuitira kuti ape ruporeso irworwo. Asi hakuna mhinduro yesimba rezvishamiso , hapana bhasami iri nyore inopa ruporeso, uye hapana nzira iri nyore yokuruporeso ruzere. Kurapwa kwacho kunoda rutendo rukurusa muna Jesu Kristu uye mukwaniso yake isina mugumo yokuporesa” (Richard G. Scott, “To Heal the Shattering Consequences of Abuse,” Liahona, Chivabvu 2008, 42). Kana paine dambudziko, maitiro edu ndeekurigadzirisa. Asi zvisinei, isu hatifanire kuve isu chete vagadzirisi vedu kana vavamwe. Hatifanire kuita zvinhu zvese isu pachedu. Panguva dzinopfuura kamwe chete muhupenyu hwangu, ndakatsvaga varapi kuti vandibatsire kukunda munguva dzakaoma.

  19. Ona Johane 9:1–7.

  20. Jane Clayson Johnson, Silent Souls Weeping (2018), 197.

  21. Ona Mateo 9:2–7, 20–22; 14:35–36; Marko 1:40–42; 2:3–5; 3 Nifai 17:6–7.

  22. Mosaya 4:19; onawo Jeffrey R. Holland, “Are We Not All Beggars?Liahona, Mbudzi 2014, 40–42.

  23. Ona VaRoma 2:19; 13:12; onawo Jeffrey R. Holland, “Come unto Me” (Brigham Young University devotional, Kurume 2, 1997), speeches.byu.edu.

  24. 1 Nifai 8:23; onawo 1 Nifai 12:4, 17; 3 Nifai 8:22.

  25. Ona Pisarema 82:6; VaRoma 8:16–18; Dzidziso neZvibvumirano 24:1; 76:24; Mosesi 1:1–39.

  26. Ona Adjusting to Missionary Life, 20; onawo Muporofita Mika 7:8; Mateo 4:16; Ruka 1:78–79; Johane 8:12.

  27. Jakobo 3:1; onawo VaEfeso 5:8; VaKorose 1:10–14; Mosaya 24:13–14; Aruma 38:5. Verenga ropafadzo rako remadzitateguru kana kuti kumbira ropafadzo rehupirisita kuti ukwanise kunzwa nekurangarira kuti Baba Vokudenga vanokuda zvakadii uye kuti vanoda kukuropafadza.

  28. Ona 2 VaKorinte 4:16–18; Dzidziso neZvibvumirano 121:7–8, 33; 122:5–9.

  29. 2 VaKorinte 12:7.

  30. Dzidziso neZvibvumirano 81:5; onawo Isaya 35:3.

  31. Ona Moroni 4:3; Dzidziso neZvibvumirano 20:77.

  32. Aruma 37:6.

  33. Russell M. Nelson, “, Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu,” Liahona, Chivabvu 2018, 95.

  34. Aruma 7:12; onawo Muporofita Isaya 53:4; 2 Nifai 9:21; Mosaya 14:4.

  35. Muporofita Isaya 61:1–3; onawo Ruka 4:18.

  36. Aruma 31:38; onawo Aruma 32:43; 33:23.

  37. 2 Nifai 25:23.

  38. Maraki 4:2; 3 Nifai 25:2.

  39. Zvakazarurwa 21:4.

  40. Moroni 10:32.

  41. Muporofita Isaya 60:20.