2013
Kukurudzirwa neRutendo
Chikunguru 2013


Vechidiki

Kukurudzirwa neRutendo

Munyori anogara kuNorth Carolina, USA.

Handimbofa ndakakanganwa ndichifamba munzvimbo yemuWinter Quarters, Nebraska, USA, umo vaparuri mavakanga vagere makore mazhinji akapfuura. Pasi pandaitsika painzikwa kuti panoyera, sekunge ndaishanyira tembere yepanze.

Maziso angu akazara nemisodzi, zvokuti ndakatadza kuona. Ndakaona chivezwa asi handina kukwanisa kunyatsoona chimiro chemifananidzo yacho. Pandakapukuta misodzi yangu, ndakaona murume nemukadzi avo vaiva nezviso zvakazara nokusuwa kukuru. Apo pandakanyatsotarisa ndiri pedyo, ndakaona chimiro chemwana mucheche akanga akarara muguva patsoka dzavo.

Mufananidzo uyu wakandizadza nemanzwiro akawanda: kusuwa, kushatirwa, kutenda, nerufaro. Ndaida kubvisa kurwadziwa kwainzikwa neVatendi ivavo, asi ndaitenda panguva imwecheteyo nezvavakanga vazvipira kuitira vhangeri.

Chiitiko changu ichi paWinter Quarters chakandibatsira kunyatsoziva kuti Baba Vokudenga vanopa vhangeri kuvana Vavo uye vovabvumira rusununguko rwekuita zvavanoda naro. Vabereki vemwana mucheche iyeye vaikwanisa kusarudza kutora nzira iri nyore. Kutevera muporofita nokurarama vhangeri kwaida kuti vaparuri ava vaenderere mberi kunyangwe zvaireva kuti vaiviga mwana wavo. Asi vakasarudza kutora vhangeri muupenyu hwavo nokutambira zvinetso zvavo. Ndakadzidza kuti kuzvipira kuvhangeri kweVatendi nekushingirira kwavo kuenderera mberi zvaiva zvinhu zvaikurudzirwa nerutendo netariro—tariro kuupenyu hwemagwana hwakanaka uye rutendo kuti Ishe vaivaziva uye vaikwanisa kurerutsa marwadzo avo.