2013
Kudzidzisa neKudzidza Vhangeri
Chikunguru 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chikunguru 2013

Kudzidzisa noKudzidza Vhangeri

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu. Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Rutendo • Mhuri • Rubatsiro

Jesu Kristu akanga ari mudzidzisi mukuru. Akamisa muenzaniso kwatiri apo paAka “dzidzisa madzimai vari mugungano uye vari mumwe nemumwe, panzira uye pamahombe kombe egungwa, patsime uye mudzimba dzavo. Akaratidza tsitsi dzerudo kwavari uye akavarapa ivo nenhengo dzemhuri dzavo.”1

Akadzidzisa Marta naMaria uye “Akavakoka kuti vave vadzidzi Vake uye vawane ruponeso, ‘mugove wakanaka’ [Ruka 10:42] wavasingazotorerwi.”2

Mumagwaro matsvene edu emazuva ekupedzisira, Ishe vakatiraira kuti “mudzidzisane dzidziso dzeumambo.” (D&Z 88:77). Panezve kudzidzisa nokudzidza dzidziso, Cherly A. Esplin, mutevedzeri wechipiri muhutungamiri hukuru hweBoka reVana Vadiki, akati, “Kudzidza kwekuti unyatsonzwisisa dzidziso dzevhangeri chiitiko chohupenyu hwese uye chinouya ‘mutsara pamusoro pemutsara, murairo pamusoro pemurairo, pano zvishoma, apo zvishoma. (2 Nifai 28:30).”3

Apo patinodzidza, nokuverenga, nokunamata, tinozodzidzisa nesimba reMweya Mutsvene, uyo anozotakura shoko redu “kumwoyo yavana vavanhu.” (2 Nifai 33:1).

Kubva muMagwaro Matsvene

Aruma 17:2–3; 31:5; Dzidziso neZvibvumirano 42:12–13; 84:85

Kubva muNhoroondo Yedu

Vaporofita vedu vakare vakatiyeuchidza isu semadzimai kuti tine basa rakakosha sevadzidzisi mumba nemuChechi. Muna Gunyana 1979, Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985) vakatikumbira kuti tive “masisita emagwaro.” Vakati: “Ivai vadzidzi vakuru vemagwaro matsvene—kwete kuti muderedzere vamwe pasi, asi kuti muvasimudzire kumusoro! Zvisinei nokudaro, ndiyani ane kudikanwa kukurusa kweku ‘chengetedza’ zvokwadi zvevhangeri (kuitira kuti vagokwanisa kuzvirangarira zviri nyore munguva dzazvinenge zvodikanwa) kupinda madzimai navana mai vanorera nekudzidzisa zvakawanda kudaro?”4

Tose tiri vadzidzisi nevadzidzi. Apo patinodzidzisa kubva mumagwaro matsvene nemumashoko evaporofita vedu vapenyu, tinokwanisa kubatsira vamwe kuuya kuna Kristu. Apo tinotora chinhanho mukudzidza kuburikidza nekubvunza mibvunzo inemusoro zvino toteerera, tinokwanisa kuwana mhinduro dzinozadzikisa zvidikanwi zvedu pachedu.

Chii Chandingaite?

  1. Ndiri kugadzirira sei kuva mudzidzisi arinani?

  2. Ndinogoverana here uchapupu hwangu nemasisita andinotaririra?

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 3.

  2. Daughters in My Kingdom, 4.

  3. Cheryl A. Esplin, “Teaching Our Children to Understand,” Liahona ne Ensign, Kubvumbi 2012, 12.

  4. Spencer W. Kimball, muDaughters in My Kingdom, 50.