2013
Mhuri neShamwari Dzekusingaperi
Zvita 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Zvita 2012

Mhuri neShamwari Dzekusingaperi

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Kupi nekupi zvako kwaunogara, uneshamwari dzirikutsvaga rufaro rukuru-kuru rwawakawana mukararama vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu. Vangangova vasingakwanise kutsanangura rufaro irworwu mumazwi, asi vanokwanisa kurwuziva apo pavanorwuona muupenyu hwako. Vanozodisisa kuziva kunobva rufaro irworwo. kunyanya apo pavanoona kuti unosangana nematambudziko sezvavanongoitawo.

Wakanzwa rufaro apo pawakachengeta mirairo yaMwari. Ndiro ropafadzo rinovimbiswa (kwauri) rekurarama mumaererano nevhangeri (ona Mosaya 2:41). Hauteerere zvakatendeka mirairo yaIshe kuitira kuti uonekwe nevamwe vanhu, asi avo vanoona rufaro rwako vari kugadzirirwa naIshe kuti vanzwe nhau dzakanaka dzeKudzorerwa kwevhangeri.

Maropafadzo awakapihwa akakuitira sungiro nemikana inoshamisa. Nokuti uri mudzidzi akaita chisungo naJesu Kristu, unosungirwa kupa kune vamwe mukana wekuwana rufaro rwakawedzerwa, kunyanya kushamwari dzako nenhengo dzemhuri yako.

Ishe vakaona mukana wako uye vakatsanangura sungiro yako nemurairo uyu: “Zviri kumunhu wose ayambirwa kuti ayambire muvakidzani wake” (D&Z 88:81).

Ishe vanoita kuti murairo iwoyo uvenyore kuuteerera kuburikidza neshanduko inoitika mumwoyo mako apo paunogashira nekurarama vhangeri raJesu Kristu. Nokudaro, rudo rwako kune vamwe rwunokura, uyewo nechido chako chekuti vave nerufaro rwumwecheterwo rwawakawana.

Mumwe muenzaniso weshanduko iyoyo ndewemagashiriro aunoita mukana wekubatsira mubasa reushumiri raIshe. Vashumiri vazere vanokurumidza kuziva kuti vanokwanisa kutarisira kugashira kubva kumunhu akatendeutswa zvechokwadi mhinduro yakanaka, inechido apo pavano mukumbira zita remunhu wekudzidzisa vhangeri. Mutendeuki anoda chaizvo kuti shamwari nenhengo dzemhuri dziwanewo rufaro rwake.

Apo mutungamiri wewadhi yako kana vashumiri pavanokukumbira mazita emunhu wekudzidzisa, irumbidzo huru kwauri. Vanoziva kuti shamwari dzakaona rufaro rwako uye, naizvozvo, shamwari idzodzo dzakagadzirirwa kunzwa nekusarudza kugashira vhangeri. Uye vane vimbo yekuti uchava shamwari yavachada apo pavanouya muumambo.

Haufanire kutya kuti ucharasikirwa neshamwari nekuda kwekukoka vashumiri kuti vasangane navo. Ndineshamwari dzakaramba vashumiri asi dzakanditenda kwemakore mazhinji nekuvapa chimwe chinhu chavaiziva kuti chakanga chakakoshesesa kwandiri. Unokwanisa kuita shamwari dzekusingaperi nekuvapa vhangeri, iro ravanoona kuti rakakuunzira rufaro. Usazombodarikirwa nemukana wekukoka shamwari uye kunyanya nhengo yemhuri kuti isarudze kutevera chirongwa cherufaro.

Hakuna mukana mukuru wekukoka ikoko unopfuura mukana wekuitira zvisungo mumatemberi eChechi. Imomo Ishe vanokwanisa kupa zvisungo zveruponeso kumadzitateguru edu avo vasina kukwanisa kuzvitambira muupenyu. Vanotarisa kwauri kubva kudenga nerudo netariro. Ishe vakavimbisa kuti vanozova nemukana wekuuya muumambo Hwavo (ona D&Z 137:7–8), uye Vakadyara rudo kwavari mumwoyo mako.

Vazhinji venyu vakanzwa rufaro mukupa zvisungo zvemutemberi kune vamwe, semanzwiro aunoita apo paunopa mazita evanhu vekuti vashumiri vasangane navo. Wakanzwa rufaro rwakakurisa apo pawakaita zvisungo zvemadzitateguru ako. Zvakazarurwa kumuporofita Joseph Smith kuti rufaro rwedu rwekusingaperi rwunokwanisika chete kana tikapa nzira yekuropafadzo iroro kumadzitateguru edu kuburikidza nezvisungo zvetemberi zvekuitirwa nemumwe (ona D&Z 128:18).

Nguva yeKisimusi inopindurira mwoyo yedu kuMuponesi nekurufaro rwakaunzwa kwatiri nevhangeri Rake. Tinoratidza kutenda kwedu kwaAri zvakanakisisa apo patinopa rufaro urwu kune vamwe. Kutenda kunopindurwa kuitwa rufaro apo patinopa mazita kuvashumiri uye apo patinoenda nemazita emadzitateguru edu kutemberi. Umboo ihwohwo hwekutenda kwedu hunokwanisa kuita shamwari nemhuri dzinogara nekusingaperi.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mutungamiri Eyring vanotsanangura kuti tinokwanisa kuratidza kutenda kwedu kuMuponesi nekugoverana vhangeri nevamwe. Unokwanisa kukurukura neavo vamunodzidzisa kuti chipo chevhangeri chakaropafadza upenyu hwavo sei. Funga kuvakoka kuti vadome nemunamato avo vavanoda kugoverana navo chipo chevhangeri uye kuti vangazviita sei.