2013
Basa Dzvene raJesu Kristu: Mwanakomana Muwechete Akaberekwa
Zvita 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Zvita 2013

Basa Dzvene raJesu Kristu: Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi zvinowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda kureliefsociety.lds.org.

Mufananidzo
Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Ruvimbo • Mhuri • Rubatsiro

Muponesi wedu, Jesu Kristu, anonzi Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa nokuti Ndiye chete munhu pasi akazvarwa kuna amai vanofa naBaba vasingafe. Akawana masimba matsvene kubva kuna Mwari, Baba Vake. Kubva kuna amai Vake, Maria, Akawana muviri unofa uye aizosangana nekunzwa nzara, nyota, kuneta, kurwadziwa, nerufu.1

Nokuti Jesu Kristu ndiye Mumwechete Akaberekwa waBaba, Akakwanisa kupa upenyu Hwake uye Akahutora zvakare. Magwaro matsvene anodzidzisa kuti, “nerudzikinuro rwaKristu,” isu “tinowana kumuka kuvakafa” (Jakobho 4:11). Tinodzidzawo kuti vose “vanogona kuzomutswa mukusafa kuupenyu hwokusingaperi” kana “tikadaira” (D&Z 29:43).

Apo patinosvika pakunzwisisa zvakanyatsozara zvazvinoreva kuna Jesu Kristu kuva Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa waBaba, rutendo rwedu munaKristu rwunozowedzera. Gosa D. Todd Christofferson veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri vakati, “Rutendo munaJesu Kristu kutenda kwakasimba nevimbiso (1) yechigaro Chake seMwanakomana Mumwechete Akaberekwa waMwari, (2) Rudzikinuro Rwake rwekusingaperi, uye (3) Kumuka Kuvakafa Kwake kwechokwadi.”2 Maporofita amazuva ano vakapupura kuti: “[Jesu Kristu] ndiye … Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa munyama, Mununuri wenyika.”3

Kubva muMagwaro Matsvene

Johane 3:16; Dzidziso neZvibvumirano 20:21–24; Mosesi 5:6–9

Kubva muNhoroondo Yedu

MuTestamente Itsva tinoverenga nezvemadzimai, vamwe vane mazita atinoziva, nevamwe vatisingazive, vakaratidza rutendo munaJesu Kristu, vakadzidza nekurarama dzidziso Dzake, uye vakapupura nezve ushumiri Hwake, zvishamiso, nehukuru Hwake. Madzimai aya akava mienzaniso yakanakisisa yevadzidzi uye nezvapupu zvinokosha mubasa reruponeso.

Semuenzaniso, Marita akapupura uchapupu hwakasimba hweutsvene hweMuponesi apo paakati kwaAri, “ndakatenda kuti ndimiKristu, Mwanakomana waMwari, uyo wainzi anouya panyika” (Johane 11:27).

Zvimwe zvapupu zvekutangisisa zveutsvene hwaKristu zvakanga zviri amai Vake, Maria, nehama yavo Erisabete. Chinguva chidiki mushure mekunge ngirozi Gabriel yashanyira Maria, akashanyira Erisabete. Apo Erisabete paakangonzwa kukwazisa kwaMaria, “akazadzwa neMweya Mutsvene” (Luke 1:41) uye akapupura kuti Maria aizova amai kuMwanakomana waMwari.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Ona Misimboti yeVhangeri (2009), 52–53.

  2. D. Todd Christofferson, “Building Faith in Christ,” Liahona, Gunyana 2012, 13.

  3. “The Living Christ: The Testimony of the Apostles,” Liahona, Kubvumbi 2000, 2–3.

Chii Chandingaite?

  1. Sei zvakakosha kwandiri kuti ndinzwisise mabasa aJesu Kristu?

  2. Rutendo rwedu rwungakura sei apo patinochengeta zvibvumirano zvedu?