2015
Isa Mafuta Mumwenje Wako: Chiedzwa cheMazuva Makumi Matatu
Gumiguru 2015


Vechidiki

Isa Mafuta Mumwenje Wako: Chiedzwa cheMazuva Makumi Matatu

Kune vechidiki vari muChechi avo vane Upenyu hunezvakawanda zvekuita, zvirinyore kungoita zvinhu nokuda kwekuti zvavatsika, kunyanya maererano nezvinhu zvemweya. Tinoverenga magwaro matsvene edu, nokunamata, nokushumira nenzira imwecheteyo zuva roga roga uye toshamisika kuti sei tisingaratidziki setirikufambira mberi panezvemweya.

Imwe yenzira dzakanakisisa yokuchengeta mwenje wako wezvemweya uchipfuta zvakajeka ndeyokuita chokwadi kuti unova nezviitiko zvemweya zvinoreva chinhu. Asi izvi zviri nyore kutaura pane kuita, saka herino zano rinokubatsira kuramba uchifambira mberi pamweya: Funga nezve chiitwa chiri maererano nezve vhangeri icho chausati wamboita (kana chausingambowanzoita) uye tsidzira kuchiita zuva rega rega kwemwedzi. Unokwanisa kutanga padiki nokuti unozowana kuti zviri nyore kuita shanduro diki dzinozokura kuva shanduko dzisingagumi. Kuita zvinhu zvemweya izvo zvatisina kujaira kuita kungangoda rutendo rwakawanda uye nokuedza kukuru kubva kwatiri, asi apo patinozviita, tinenge tichikoka Mweya Mutsvene kuti uve nesu, uye tinoratidza rutendo rukuru munaBaba Vokudenga uye chido chokuswedera pedyo Navo. Haano mazano mashoma ekukubatsira kuti utange:

  • Ita chinagwa chokuita minamato yako magwanani nemanheru. Edza kunamata uchidudzira.

  • Kurumidza kumuka nemaminitsi gumi nemashanu kupinda nguva yaunowanzomuka uye woverenga magwaro matsvene ako usati waenda kuchikoro.

  • Verenga nhaurwa dzemisangano mikuru yakapfuura.

  • Isa ndima yechinyorwa chitsvene kubva muBhuku raMormoni paindaneti paunotaurirana nevamwe.

  • Teerera kunziyo kana mumhanzi weChechi pane kuteerera kumumhanzi wako wemazuva ose.