2015
Pedza neMwenje Wako Uchakabaka
Gumiguru 2015


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gumiguru 2015

Pedza neMwenje Wako Uchakabaka

MuGreece yakare, vamhanyi vaikwikwidzana mumujawo wekutambidza unonzi lampadedromia.1 Mumujawo wacho, vamhanyi vaibata mwenje muruoko rwavo uye voupa kumumhanyi anotevera kusvikira nhengo yokupedzisira yetimu yadarika mutsetse wekuguma.

Mukombe wakanga usingapiwi kutimu yainyanya kugona kumhanya - waipuwa kutimu yaitanga kusvika kumutsetse wekuguma iine mwenje wayo uchakabaka.

Pane chidzidzo chakakosha zvikuru pano, icho chakadzidziswa navaporofita vakare nevanhasi: kunyangwe zvakakosha kutanga mujawo, zvakatonyanya kukosha kuti tipedze nemwenje yedu ichakabaka.

Soromoni Akatanga Akasimba

Mambo mukuru Soromoni muenzaniso wemumwe munhu akatanga akasimba. Paakanga ari mudiki, “akada Jehova, akafamba nemitemo yababa vake Davidi” (1 Madzimambo 3:3). Mwari vakafara naye uye vakati, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe” (1 Madzimambo 3:5).

Pane kukumbira upfumi kana upenyu hurefu, Soromoni akakumbira “mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa” (1 Madzimambo 3:9).

Izvi zvakafadza Ishe zvikuru zvokuti Vakaropafadza Soromoni kwete chete neungwaru asiwo neupfumi husingaverengeke uye neupenyu hurefu.

Kunyangwe zvazvo Soromoni pachokwadi akanga akachenjera zvikuru uye akaita zvinhu zvikuru zvakawanda, haana kupedza akasimba. Zvinosuwisa ndezvokuti, pashure muupenyu hwake, “Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehova, haana-kutevera Jehova kwazvo” (1 Madzimambo 11:6).

Kupedza Mujawo Wedu Pachedu

Inguva dzakawanda zvakadii dzatakatanga chimwe chinhu uye tikasachipedza? Kudya zvakanaka uye zvine mwero? Zvirongwa zvekugwinyisa muviri? Zvitsidziro zvokuverenga magwaro matsvene zuva rega rega? Sarudzo dzokuva vadzidzi vaJesu Kristu varinani?

Inguva dzakawanda zvakadii patinoita zvitsidziro muna Ndira uye tozviita neushingi ukuru kwemazuva mashoma, mavhiki mashoma, kana kunyangwe mwedzi mishoma chete kuzoona kuti panosvika Gumiguru, moto wechido chekushingirira pachitsidziro chedu waderera zvokuti wangova dota rakatonhora.

Rimwe zuva ndakaona mufananidzo waisekesa we imbwa yakanga yakarara parutivi pechidimbu chepepa rayakanga yabvarura bvarura. Pachipepa ichi pakanga pakanyorwa kuti, “Chitupa cheKudzidziswa kweImbwa Kuteerera” zvichitaridza kuti imbwa iyi yakanga yadzidziswa kuteerera kusvikira yapasa. (Izvi zvinoshamisa nokuti imbwa iyi yakataridza kuti haiteereri apo payakabvarura bvarura umboo hwacho hwekuti yakanga yapasa pakudzidza kuteerera).

Isu takafanana neimbwa iyi dzimwe nguva

Tine vavariro dzakanaka; tinotanga takasimba; tinoda kuva vakanyanya kunakana. Asi pokupedzisira tinosiya zvitsidziro zvedu zvabvarurwa, zvaraswa, uye zvakanganikwa.

Zviri muhunhu wevanhu kutatarika, kukoniwa, uye dzimwe nguva kuda kubuda mumujawo. Asi sevadzidzi vaJesu Kristu, takatsidzira kwete chete kutanga mujawo asiwo kuupedza - uye kuupedza nemwenje yedu ichiri kupfuta zvakajeka. Muponesi akavimbisa vadzidzi Vake kuti, “Uyo achashingirira kusvika kumagumo achaponeswa.” (Mateo 24:13).

Regai nditaure muchidimbu izvo zvakavimbiswa neMuponesi mumazuva edu: Kana tikachengeta mirairo Yake uye tikapedza nemwenje yedu ichakabaka, tichava noupenyu hwokusingaperi, chiri icho chipo chikuru kupfuura zvose zvipo zvaMwari (ona D&Z14:7; onawo 2 Nifai 31:20).

Chiedza Chisingambofi Chakadzima

Dzimwe nguva mushure mokutatarika, kukoniwa, kana kunyangwe kukundikana, tinowora mwoyo uye tobvuma kuti chiedza chedu chadzima uye kuti tatadza kupedza mujawo wedu. Asi ndinopupura kuti Chiedza chaKristu hachikwanisi kudzimwa. Chinojeka nemuhusiku hutema-tema uye chojeka zvakare mumwoyo yedu kana chete tikarerekera mwoyo yedu kwaAri (ona 1 Madzimamambo 8:58).

Zvisinei nokuti tinoputsika zvakawanda kana kuti zvakakura zvakadii, Chiedza chaKristu chinoramba chichipfuta zvakajeka. Uye kunyange munguva dzokushushikana kukurusa kwedu, kana chete tikaedza nesimba redu rose kuMutevera, chiedza Chake chinozokunda kushushikana kwedu uye chopa mweya yedu simba rokuramba tichiMutevera.

Uyu mujawo wekuva vadzidzi hausi unoda kumhanyisisa kwenguva pfupi, asi unoda kuti tirambe tichimhanya takashinga uye tisinganeti kwenguva yakareba. Uye hazviiti mutsauko mukuru kuti tinomhanya nokukurumidza zvakadiii. Chokwadi ndechekuti, nzira chete yatinokwanisa kukundikana nayo pamujawo uyu ndeyokupedzisira tarega kuramba takashinga kana kuti tanhera.

Kana chete tikaramba tichishingirira uye nokufamba takananga kuMuponesi wedu, tinokunda pamujawo nemwenje yedu ichiri kupfuta zvakajeka.

Nokuti mwenje hausi unoreva nezvedu kana zvatinoita.

Unoreva nezve Muponesi wenyika.

Uye ichi ndicho Chiedza chisingambofa chakakwanisa kuderedzwa. Ndicho chiedza chinokunda rima, chinoporesa maronda emweya edu, uye chakasimba kunyangwe nepakati pekusuwa kwakadzama zvikuru uye nepakurwadziwa pamoyo kukurusa.

Chiedza chinopfuura kunzwisisa kose.

Ndinonamata kuti mumwe nemumwe wedu anozopedza rwendo rweupenyu hweudzidzi rwatakatanga. Uye nerubatsiro rweMuponesi neMununuri wedu, Jesu Kristu, tinozopedza nerufaro uye nemwenje yedu ichakabaka.

Kwakatorwa Chinyorwa

  1. Harpers Dictionary of Classical Antiquities(1898), “Lampadedromia,” www.perseus.tufts.edu/hopper. Pausanias anotsangura mujawo wemwenje wakasiyana uyo vabati vemwenje, pamwe vainge vasarudzwa mumwechete kubva murudzi rwega rwega, vakanga vasingatambidzi mwenje yavo kune mumwe. Asi mulampadedromia, mukundi aiva uyo aitanga kusvika kumagumo emujawo nemwenje wake uchakabaka.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Funga kukurudzira avo vamunodzidzisa kuti vafungisise pamusoro pepavari “mumijawo” yeupenyu. Mwenje yavo iri kupfuta zvakajeka here? Unokwanisa kuverenga ndevo iyo inoti Chiedza chaKristu ndicho “chiedza chinokunda rima, chinoporesa maronda emweya edu, uye chakasimba kunyangwe nepakati pekusuwa kwakadzama zvikuru uye nepakurwadziwa moyo kukurusa.” Zvino funga kukurukura neavo vaunodzidzisa kuti Chiedza chaKristu chakashandura upenyu hwavo sei munguva yakapfuura uye kuti chinoshandura upenyu hwavo sei iyezvino.