2015
Ita kuti Mwenje Wako Unyanye Kujeka
Gumiguru 2015


Vana

Ita kuti Mwenje Wako Unyanye Kujeka

Nguva yakareba yakapfuura iyo muGreece, kwaiva nemujawo uyo vamhanyi vaitakura mwenje yakabaka. Uyo aimhanya mujawo wose nemwenje uchakabaka ndiye aiva mukundi. Mutungamiri Uchtdorf vanoti upenyu hwakafanana nemujawo iwoyo. Mwenje watinotakura ndiwo Chiedza chaKristu. Apo patinoedza kuva saJesu Kristu, tinoita kuti mwenje yedu ipfute zvakanyanya kujeka.

Zvii zvinhu zvaungaita kuti uve saJesu uye uite kuti mwenje wako uve wakanyanya kujeka. Sarudza kubva pamudorongodzwa uri pazasi:

  • Nyemwerera kana kuti mhorosa mumwe munhu anotaridzika seakasurikirwa

  • Ramba wakatsamwira mumwe munhu

  • Chengeta muviri wako zvakanaka

  • Seka hanzvadzi kana munin’ina wako

  • Teerera Muporofita

  • Nhera apo paunenge waita chikanganiso

  • Batsira mumwe munhu