2017
Upenyu hweMudzidzi
Nyamavhuvhu 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Nyamavhuvhu 2017

Upenyu hweMudzidzi

Makore makumi matatu akapfuura ayo muGhana, mumwe mudzidzi wechidiki wepakoreji ainzi Doe akapinda mukati meimba yekusanganira yeVatendi Vamazuva Ekupedzisira kekutanga. Shamwari yakanga yakoka Doe kuti auye naye, uye Doe aiava nechido chakasimba chekuziva kuti Chechi yakanga yakaita sei.

Vanhu vaivamo vakanga vane rudo uye vaine ushamwari zvekuti zvakamumanikidza kufunga kuti, “Ichechi yerudzii iyoyi?”

Doe akava nekushamiswa zvikuru (netsitsi neushamwari hwenhengo dzeChechi) zvekuti akasarudza kuti adzidze zvakawanda pamusoro peChechi nevanhu vayo, avo vakanga vakazadzwa nemufaro mukuru wakadaro. Asi paakangotanga kuita izvozvo, dzimwe dzenhengo dzemhuri yake nedzimwe shamwari dzake vaida izvo zvakanga zvakanyanya kumunakira vakatanga kupikisa tsvago dzake dzeChechi nenzira dzose. Vakataura zvinhu zvakaipisisa pamusoro peChechi uye vakaita zvose zvavaikwanisa kumunyengetedza kuti arege kuipinda.

Asi Doe akanga agashira uchapupu.

Aive nerutendo, uye aida vhangeri, iro rakanga richizadza upenyu hwake nemufaro. Nokudaro, akapinda mumvura dzerubhabhatidzo.

Pashure, akanzvera zvikuru uye akanamata zvikuru. Akatsanya uye akatsvaga kuve nekurudziro yeMweya Mutsvene muhupenyu hwake. Nokuda kwaizvozvo, uchapupu nerutendo zvaDoe zvakakura zvakasimbisa nekudzamisa. Pekupedzisira akasarudza kushandira ushumiri huzere kuna Ishe.

Mushure mekudzoka kubva kunoshandira ushumiri, akapfimbwa uye akachata nemukomana akanga ashandirawo ushumiri—uyo aive mushumiri mumwecheteyo akanga amubhabhatidza makore akanga apfuura ayo—uye pashure vakasunganidzwa muTemberi yeJohannesburg South Africa.

Makore mazhinji apfuura kubva apo Doe Kaku paakatanga kunzwa mufaro wevhangeri raJesu Kristu. Manguva iyoyo yaakava nhengo yeChechi, upenyu hauna kugara hwakamunakira. Akasangana nerusuwo nematambudziko, kusanganisira rufu rwevaviri vevana vake—rusuwo rwakadzama rwezviitiko izvozvo rwuchiri kumuremera zvikuru-kuru pamwoyo wake.

Asi iye nemurume wake, Anthony, vanoedza kuramba vakabatana uye nekuva pedyo naBaba vavo Vekudenga vanodiwa, avo vavanoda nemwoyo yavo yose.

Nhasi, makore makumi matatu mushure mekunge apinda mumvura dzerubhabhatidzo, Sisita Kaku vakapedza humwe hushumiri huzere chinguva chichangopfuura—panguva iyi vakashandira nemurume wavo, uyo akanga ari mutungamiri wehushumiri muNigeria.

Avo vanoziva Sisita Kaku vanoti panechimwe chinhu chinokosha pamusoro pavo. Rufaro rwavo rwakajeka uye rwunooneka kune avo vanovaona. Zvakaoma kupedza nguva navo usingazonzwa kunyanya kufara iwe pachako.

Uchapupu hwavo hwakasimba: “Ndinoziva kuti Muponesi anondiona semwanasikana Wake neshamwari Yake (ona Mosaya 5:7; Eta 3:14),” vanodaro. “Uye ndiri kudzidza nekuedza zvakasimbisisa kuvawo shamwari Yake—kwete chete nezvandinotaura asiwo nezvandinoita.”

Tiri Vadzidzi

Nyaya yaSisita Kaku yakafanana neidzo nyaya dzevamwe vanhu vakawanda. Vakanga vaine chido chekuziva chokwadi, vakaedza nesimba ravo rose kuti vawane chiedza chemweya, vakaratidza rudo rwavo rwaMwari nerudo rwavo rwevamwe vanhu, uye vachiita izvozvo vakasangana nezvinetso nerusuwo.

Asi kunyange nepikiso uye rusuwo zvavakasangana nazvo, vakaramba vachifambira mberi murutendo. Uye vakaramba vaine mufaro wavo, izvo zvinova zvakangokosha sekuramba uine rutendo. Vakawana nzira kwete chete yekushingirira matambudziko eupenyu asiwo yekukura pamweya zvisinei nekuvapo kwawo!

Nyaya yavo yakafanana neyako neyangu.

Kashoma kuti rwendo rwedu rwuve nyore kana kusava nechiedzo.

Tese tine marwadzo emwoyo edu, zvigumbu zvedu, rusuwo rwedu.

Tingangogona kana kunzwa kuora mwoyo uye dzimwe nguva kukundikana.

Asi avo vanorarama upenyu hwemudzidzi—vanoramba vakatendeka uye vanoramba vachifambira mberi murutendo; vanovimba naMwari uye vachichengeta mirairo Yavo;1 vanorarama vhangeri zuva rega rega nechinguva chega chega; vanopa mushando sewaKristu kune vamwe vanhu, nekuita chiito chakanaka chimwechete panguva nepanguva—ndivo avo vane zviito zvidiki zvavo zvinowanzoita siyano huru.

Avo vanoedza kunyanya kuva netsitsi , vanoedza zvikuru kuregerera, uye vanoratidza ngoni kupfuura zvamazuva ose ndivo vanhu vane ngoni vachagashira ngoni.2 Avo vanoita kuti nyika ino ive nzvimbo irinani, kuburikidza nekuita chiito chimwechete chemutsa nerudo panguva nepanguva, uye vanoedza kurarama upenyu hwakaropafadzwa, hunogutsa, uye hune runyararo hwemudzidzi waJesu Kristu ndivo avo vanozopedzisira vawana mufaro.

Vanozoziva kuti “rudo rwaMwari, rwunopararira rwega mumwoyo yevana vevanhu … ndirwo rwunodiwa kupfuura zvinhu zvose … uye ndirwo rwunonyanya kufadza kumweya.”3