2017
Kurarama Upenyu Hwakatsaurwa
Nyamavhuvhu 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Nyamavhuvhu 2017

Kurarama Upenyu Hwakatsaurwa

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekudzidzisa. Kunzwisisa chinangwa cheChita cheRubatsiro kunozogadzirira sei vanasikana vaMwari kuwana maropafadzo eupenyu husingaperi?

Mufananidzo
Relief Society seal

Rutendo Mhuri Rubatsiro

“Kutsaura zvinoreva kuisa padivi kana kupira chimwe chinhu sechinoera, chakamisirwa kuzvinangwa zvitsvene,” vakadaro Gosa D. Todd Christofferson veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri. “Kubudirira kwechokwadi muupenyu huno kunouya kuburikidza nekutsaurira upenyu hwedu—izvo zvinosanganisira, nguva yedu nesarudzo dzedu—kuzvinangwa zvaMwari,”1

Gosa Neal A. Maxwell (1926–2004) veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri vakati, “Tinowanzofunga nezvekutsaura chete sekupa, apo patinenge tarairwa muumwari, zvinhu zvedu zvepanyika. Asi rudzi rwepamusoro-soro rwekutsaura nderwe kuzvipira iwe pachako kuna Mwari.”2

Apo patinozvitsaurira isu pachedu kuzvinangwa zvaMwari, rutendo rwedu munaJesu Kristu nemuRudzikinuro Rwake zvinozowedzera. Apo patinorarama upenyu hwakatsaurwa, tinokwanisa kuitwa vatsvene kuburikidza nezviito izvozvo zvekupira.

Carole M. Stephens, Mutevedzeri Wekutanga muHutungamiri hweChita cheRubatsiro, akati: “Gosa Robert D. Hales vakadzidzisa kuti, ‘Apo patinoita nekuchengeta zvibvumirano, tirikuzvibvisa kubva kunyika uye tichipinda muumambo hwaMwari.”

“Tinoshandurwa. Tinoratidzika zvakasiyana, uye tinoita zvakasiyana. Zvinhu zvatinoteerera kwazviri uye zvatinotaura zvakasiyana, uye zvatinopfeka zvakasiyana nokuti tinova vanasikana vaMwari vakabatanidzwa kwaVari nechibvumirano.”3

Kutsaura chibvumirano chinoitwa naMwari “neimba yaIsraeri; Shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehova, Ndichaisa murairo wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu” (Jeremia 31:33). Kurarama upenyu hwakatsaurwa kunoyanana nechirongwa chaMwari kwatiri.

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

1 VaTesaronika 1:3; Dzidziso neZvibvumirano 105:5;

reliefsociety.lds.org

Zvimwe Zvinyorwa

  1. D. Todd Christofferson, “Reflections on a Consecrated Life,” Liahona, Mbudzi 2010, 16.

  2. Neal A. Maxwell, “Consecrate Thy Performance,” Liahona, Chikunguru 2002, 39.

  3. Carole M. Stephens, “Wide Awake to Our Duties,” Liahona, Mbudzi 2012, 115–16.