2017
Tinokutendai , Mwari neMuporofita
Gunyana 2017


Vechidiki

Tinokutendai, Mwari neMuporofita

Muporofita wedu, Mutungamiri Thomas S. Monson, vanokukurudzira sei? Chii chaucharangarira kunyanya pamusoro pavo? Funga kunyora mujonari mako pamusoro peMutungamiri Monson nezvehupenyu hwavo––sekutsanangura kwavanoita mushoko rino kurudziro yemaporofita umwe neumwe wavanorangarira ivo.

Unogonawo kusarudza chitapwa chemanzwi chaunodisisa kubva kwavari uye ugochinyora apo paunogona kuchiona nguva zhinji, sekunge pamupendero webhuku rekuchikoro kana pakabepa kaunoisa mumupanda mako. Unogona kunyange kugadzira mufananidzo uchishandisa chitapwa ichocho uye kwakuwuisa pachitaridzo runhare rwako. Nguva yoga yoga yauchaona chitapwa ichi, unogona kufunga pamusoro pekukosha kwemuporofita anorarama uye nekurangarira kuti aripo kuti atide nekutitungamirira nhasi.