2017
Vaine Mwoyo Mumwechete
Gunyana 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gunyana 2017

Vaine Mwoyo Mumwechete

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa chinangwa cheChita cheRubatsiro kunozogadzirira sei vanasikana vaMwari kuwana maropafadzo ehupenyu husingaperi?

Mufananidzo
Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Rutendo Mhuri Rubatsiro

“Uye Ishe vakadaidza vanhu vavo kuti Zioni, nokuti vakanga vaine mwoyo mumwechete nepfungwa imwechete, uye vachigara muururami; uye pakanga pasina murombo pakati pavo” (Moses 7:18). Tinogona sei kuva vamwechete?

Gosa M. Russell Ballard weChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri vakati, “Pakati pezwi reChirungu rinotirudzikinuro pane izwi rinotimumwechete. Dai vanhu vose vainzwisisa izvi, hapaizova kana mumwe munhu wataitadza kushaira hanya, zvisinei nezera, rudzi, kuti munhui, chitendero, kana chinzvimbo chake maagere kana hupfumi hwake. Taizoedza kutevedzera Muponesi uye hataizombova nehutsinye, tisina hanya, tisingaremekedzi, kana kusanzwira vamwe tsitsi.”1

Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri weKutanga Muhutungamiri Hwekutanga, vakadzidzisa kuti: “Apo vanhu pavaine Mweya mutsvene mavari, vangangotarisira kuyanana… Mweya waMwari haumbofa wakakonzera kukakavadzana (ona 3 Nifai 11:29). … Unotungamirira kurunyararo rwemunhu pachako uye nemanzwiro ekubatana nevamwe.”2

Vachitaura nezvematambudziko emumhuri, Carole M Stephens, uyo akashanda seMutevedzeri Wekutanga muHutungamiri weChita cheRubatsiro, akati: “Handina kumborarama mukurambana kwevakaroorana, marwadzo nekusagadzikana zvinouya nekusiiwa pachena, kana mutoro unowanikwa nekuve amai vasina murume. Handisati ndambosangana nekufirwa nemwana, kushaya mbereko, kana kunzwa kuda zvehungochani. Handina kumbosangana nekubatwa zvakaipa, kurwara nedenda risingarapike, kana kuva nhapwa yehavi . Izvi hazvina kuva mikana yangu yekuedzwa.

“ … Asi kuburikidza nezvangu pachangu zviedzo nematambudziko … ndave nekuzivana zvikuru nezveUyo anonzwisisa. … Uye pamusoro pezvo, , ndakasangana nematambudziko ose ehupenyu ayo andabva kudoma nekuda kwekuona zvichiitika kumwanasikana, amai, ambuya, mukoma kana munin’ina, tete, amainini kana amaiguru uye shamwari.

“Mukana wedu sevanasikana vaMwari vanochengetedza zvibvumirano hauzi chete wekudzidza kubva mumatambudziko edu pachedu; ndewekuva tinobatana mukuzviisawo mukutambudzikira uye nekunzwira tsitsi apo patinobatsira dzimwe nhengo dzemhuri yaMwari mumatambudziko adzo.”3

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene neRuzivo

Johane17:20–23; VaEfeso 4:15: Mosaya 18:21–22; 4 Nifai 1:15;

reliefsociety.lds.org

Zvimwe Zvinyorwa

  1. M. Russell Ballard, “Men and Women in the Work of the Lord,” Liahona, Chivabvu 2004, 86.

  2. Henry B.Eyring, “That We May Be One,” Ensign, Chivabvu 1998, 67.

  3. Carole M. Stephens, “The Family Is of God,” Liahona, Chivabvu 2015, 11–12.