2017
Vaporofita Vekutitungamirira
Gunyana 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gunyana 2017

Vaporofita Vekutitungamirira

Makore mashoma akapfuura, ndainge ndakagara mumupanda wemuTemberi yeSalt Lake umo Vatungamiri Vekutanga neChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri mavanosangana kamwe pasvondo. Ndakatarisa kumusoro pamadziro anonongedzana neVatungamiri Vekutanga, uye ipapo ndakaona mifananidzo yeumwe neumwe weVatungamiri veChechi.

Apo ndaitarira kwavari, avo vandinotevera––kubva kunaMuporofita Joseph Smith (1805–44) kusvika kunaMutungamiri Gordon B. Hinckley (1910–2008)––ndakafunga, “Kutenda kwandinoita chose nenhungamiriro yeumwe neumwe wavo.”

Ava varume vakuru vasina kumbozungunuka, kana kuzengurira uye kana kumbokundikana Ava varume vaMwari. Apo pandinofunga nezvevaporofita venguva ino vandakaziva uye ndikada, ndinorangarira hupenyu hwavo, hunhu hwavo uye dzidziso dzavo dzakafemerwa.

Mutungamiri Heber J.Grant (1856–1945) vaive Mutungamiri weChechi apo pandakazvarwa. Apo pandinofunga pamusoro pehupenyu hwavo nedzidziso dzavo, ndinodavira kuti hunhu hweMutungamiri Grant hwavaitaridza nguva dzose hwaive hwekutsungirira–kutsungirira muzvinhu izvozvo zvakanaka uye zvakarurama.

Mutungamiri George Albert Smith (1870–1951) waive Mutungamiri weChechi panguva iyo pandakashanda sabhishopi wewadhi yangu muSalt Lake City. Vakaona kuti paive nemakakatanwa makuru ainge achiitika pakati paIshe nemuvengi. “Kana ukagara uri kudivi raIshe remakakatanwa,” vakadzidzisa, “uchava pasi pekurudziro yavo uye hauzombova nechido chekuita zvakaipa.”1

Ndakasheedzwa kuzoshanda senhengo yeChikwata chevaneGumi nemaviri mugore ra1963 neMutungamiri David O. McKay (1873–1970). Vakadzidzisa kufunga vamwe vanhu kuburikidza nenzira yavairarama upenyu hwavo. “ChiKristu chechokwadi,” vakati, “irudo rwurikushanda.”2

Mutungamiri Joseph Fielding Smith (1876–1972), mumwe wevanyori vemabhuku akawanda veChechi, semusimboti wokutungamirirwa muupenyu hwavo vaikoshesa dzidzo yevhangeri. Vaiverenga magwaro matsvene kasingaperi uye vainyatsoziva fundiso nedzidziso zvinowanikwa mumapeji awo kupfuura ani naani zvake wandinoziva.

Mutungamiri Harold B.Lee (1899-1973) vakashanda seMutungamiri wangu wesiteki apo pandainge ndichiri mukomana mudiki. Chimwe chitapwa chavo chavainyanyofarira chaiva chokuti “Mirai imi munzvimbo tsvene, uye musabviswe.”3 Vaikurudzira Vatendi kuti vave vakakodzera , uye vanoteerera, kuzevezero dzeMweya Mutsvene.

Ndinotenda kuti musimboti waitungamirira muupenyu hweMutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985) yaive kuzvipira. Vaive vakazvipira kuna Ishe, zviripachena zvizere . Vaive vakazvipirawo mukurarama vhangeri.

Apo Mutungamiri Ezra Taft Benson (1899–1994) pavakava Mutungamiri weChechi, vakandisheedza kuti ndishande seMutevedzeri weChipiri wavo Muhutungamiri Hwekutanga. Rudo ndirwo rwaive musimboti waivatungamirira, runova rwuri mukati mechitapwa chavo chavainyanyofarira, chakataurwa neMuponesi: “Makafanira kuve vanhu vakaita seiko? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, sezvandakaita ini.”4

Mutungamiri Howard W.Hunter (1907–95) vaive mumwe munhu aitsvaga nguva dzose zvakanakisa mune vamwe. Vaive noruremekedzo nguva dzose; uye vaive vakazvininipisa nguva dzose. Ndakava nerombo rakanaka rekushanda seMutevedzeri wavo weChipiriri.

Mutungamiri Gordon B.Hinckley vakatidzidzisa kuita zvose zvatinogona. Vakapa uchapupu hwakasimba pamusoro peMuponesi nebasa Rake. Vakatidzidzisa nerudo. Kushanda seMutevedzeri weKutanga wavo zvakave ruremekedzo uye chikomborero kwandiri.

Muponesi anotumira vaporofita nokuti Anotida. Panguva yemusangano mukuru mumwedzi uno waGumiguru, VatungamiriVakuru veChechi vachava zvakare nemukana wekugovera shoko Rake. Tinotora basa iri noruremekedzo rukuru nekuzvininipisa kukuru.

Takakomborerwa nekuti Chechi yaJesu Kristu yakadzorerwa iripano panyika uye kuti Chechi yakamisirwa pahwaro hwedombo rezvakazarurwa. Zvakazarurwa zvinoenderera zvakakosha ndizvo hupenyu hwevhangeri raJesu Kristu.

Ngatigadzirirei kugamuchira zvakazarurwa zvako pachako zvinouya nehuwandu panguva yemusangano mukuru. Mwoyo yedu ngaizadzwe nehushingi hwakasimba apo patinosimudza maoko edu kutsigira vaporofita nevaapositori vanorarama. Ngatijekeserwei, nekusimudzirwa, nekunyaradzwa uye nekusimbaradzwa apo patichateerera kumashoko avo. Uye ngative takagadzirira kuzvipirazve kunaIshe Jesu Kristu––kuvhangeri Ravo uye basa Ravo––uye tigozorarama neushingi hwakavandudzwa hwekuda kuchengetedza mirairo Yavo uye nekuita zvido Zvavo.