Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 68


Chikamu 68

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio Mbudzi 1831, zvakumbirwa naOrson Hyde, Luke S. Johnson, Lyman E. Johnson, William E, McLellin (History of the Church, 1:227–229). Kana dai chakazarurwa ichi chakapihwa semhinduro kuchikumbiro chekuti pfungwa yaIshe izivikanwe maererano nemagosa ataurwa zvizhinji zvirimo zvine chekuita neChechi yose.

1–5, Mazwi emagosa kana vafemerwa neMweya Mutsvene anova magwaro matsvene; 6–12, Magosa anofanira kuparidza nokubhabhatidza, uye zviratidzo zvichatevera vanotenda zvechokwadi; 13–24, Dangwe pakati pevana vaAroni vanogona kushanda saBhishopi Anotungamira (zvinoreva kuti anobata makiyi ehutungamiri sabhishopi) ari pasi pehurairi hweHutungamiri Hwekutanga; 25–28, Vabereki vanoudzwa kuti vadzidzise vhangeri kuvana vavo; 29–35, Vatendi vanofanira kucherechedza Sabata, vashande zvakasimba, uye vanamate.

1 Muranda wangu Orson Hyde, akadaidzwa nokugadzwa kwake kuti ashambadze vhangeri risingaperi, neMweya waMwari mupenyu, kubva kuvanhu kuenda kuvanhu, uye nekubva munyika iyi achienda kunyika iyo, mumagungano evakaipa, mumasinagogo avo, achitaura navo uye nokutsanangura magwaro matsvene ose kwavari.

2 Uye tarisai, uye mutarise uyu ndiwo mufananidzo kune avo vose vakagadzwa hupirisita huno, avo vakapihwa basa rekuti vabude kunze—

3 Uye uyu ndiwo mufananidzo kwavari, kuti vachataura sekufemerwa kwavanenge vaitwa neMweya Mutsvene.

4 Uye kana chiri chavachataura vafemerwa neMweya Mutsvene chichave rugwaro rwutsvene, chichave chido chaIshe, chichave pfungwa dzaIshe, chichave shoko raIshe, chichave izwi raIshe, uye nesimba raMwari rekuponesa.

5 Tarisai, ichi ndicho chivimbiso chaIshe kwamuri, imi varanda vangu.

6 Nokudaro, ivai nokufara, uye musatye, nokuti ini Ishe, ndinemi, uye ndichamira nemi; uye imi muchapupura pamusoro pangu, kunyangwe Jesu Kristu, kuti ndiri Mwanakomana waMwari mupenyu, kuti ndaive, kuti ndiri, uye nokuti ndichauya.

7 Iri ishoko raIshe kwauri muranda wangu Orson Hyde, uyewo nekumuranda wangu Luke Johnson, uye nekumuranda wangu Lyman Johnson, uye nekumuranda wangu William E. McLellin, uye nekune vakatendeka vose magosa echechi yangu—

8 Endai munyika yose, paridzai vhangeri kuchisikwa chose, muchishanda nemvumo yandakakupai, muchibhabhatidza muzita raBaba, nereMwanakomana, nereMweya Mutsvene.

9 Uye uyo anotenda uye akabhabhatidzwa, achaponeswa, uye uyo asingatende, achatongwa.

10 Uye uyo anotenda acharopafadzwa nezviratidzo zvinomutevera, kunyangwe sekunyorwa kwazvakaitwa.

11 Uye kwamuri kuchapihwa kuziva zviratidzo zvenguva, uye nezviratidzo zvekuuya kweMwanakomana weMunhu;

12 Uye sekuwanda kuchaita avo vachapupurirwa naBaba, kwamuri kuchapihwa simba rekuvasunganidza kuupenyu hwokusingaperi. Ameni.

13 Uye zvino, maererano nezvezvimwe zvinhu pamusoro pezvibvumirano nemirairo, ndezvizvi—

14 Kune zvimwe mushure menguva ino, munguva yaIshe mamwe mabhishopi anofanira kuiswa munzvimbo muchechi, kuti vashande kunyangwe sezvaiita vekutanga;

15 Nokudaro, vachave vapirisita vepamusoro vakakodzera, uye vachadomwa neveHutungamiri Hwekutanga hweHupirisita hwaMerkizedeki, kunze kwekunge vari vechizvarwa chechokwadi chaAroni.

16 Uye kana vari vechizvarwa chaAroni chechokwadi vane kodzero iri pamurau kuhuBhishopi, kana vari matangwe pakati pevanakomana vaAroni;

17 Nokuti dangwe rine mvumo yekuwana hutungamiri pamusoro pehupirisita uhu, uye nemakiyi kana mvumo yazvo.

18 Hakuna munhu ane kodzero yakakwana kuve muchinzvimbo ichi, kuve nekiyi dzehupirisita uhu, kunze kwekunge ari chizvarwa chechokwadi chaicho uye ari dangwe raAroni.

19 Asi semupirisita wepamusoro muhupirisita hwaMerkizedeki ane mvumo yekubata mumabasa ose epasi anogona kubata muchinzvimbo chabhishopi kana pasina chizvarwa chaicho chaAroni chingawanikwe, ndokunge adaidzwa nekutsaurwa ogadzwa kusimba iri, pasi pemaoko eHutungamiri Hwekutanga weHupirisita hwaMerkizedeki.

20 Uye chizvarwa chaicho chaAroni chinofanirawo kunongedzwa neHutungamiri uhu chowanikwa kuti chakakodzera nokuzodzwa chogadzwa pasi pemaoko uHutungamiri uhwu, kana zvisizvo havana mvumo yakakwana yekuita basa muhupirisita hwavo.

21 Asi pamusana pechisungo chakaitwa maererano nekodzero yavo yehupirisita uhwo hunobva pana Baba huchienda kumwanakomana, vanogona kutsvaka kuzodzwa kwavo kana vakakwanisa kuratidza, panguva ipi zvayo kuti mutsetse wekuzvarwa kwavo ndeuyu, kana kuzvitsinhira nezvakazarurwa zvinobva kuna Ishe pasi pemaoko eHutungamiri hwabva kutaurwa pamusoro.

22 Uye zvakare, hakuna bhishopi kana mupirisita wepamusoro, uyo achatsaurirwa kuhushumiri uhu achayedzwa kana kubatwa nemhosva ipi zvayo, kunze kwekunge pari pamberi peHutungamiri Hwekutanga hwechechi.

23 Kana ari awanikwa aine mhosva pamberi peHutungamiri uhu, neuchapupu husingagone kurambwa, achatongwa.

24 Uye kana akatendeuka anoregererwa, maererano nezvibvumirano nemirairo yechechi.

25 Uye zvakare, kana vabereki vaine vana muZioni, kana munechero hoko dzayo dzakarongwa, avo vasingavadzidzise kuti vanzwisise dzidziso yekutendeuka, rutendo munaKristu Mwanakomana waMwari mupenyu, uye nezverubhabhatidzo uye nechipo cheMweya Mutsvene nokugadzwa maoko pamusoro, pakusvitsa makore masere, chitadzo ichocho ngachive pamusoro pevabereki.

26 Nokuti uyu uchave mutemo kuvagari vemuZioni, kana munechero hoko dzayo dzakarongwa.

27 Uye vana vavo vachabhabhatidzwa kuti varegererwe zvitadzo zvavo pavanenge vave nemakore masere, uye vachibva vagashira kugadzwa maoko pamusoro.

28 Uye vachadzidzisawo vana vavo kunamata, uye nokuti vafambe vakatwasanuka pamberi paIshe.

29 Uye vagari vemuZioni naivowo vachacherechedza Sabata kuti varichengete riri dzvene.

30 Uye vagari vemuZioni naivowo vanofanira kurangarira kushanda kwavo, kana vari vakadomwa kuti vashande, nomukutendeka kose; nokuti uyo anenungo achave mukurangarirwa pamberi paIshe.

31 Zvino, ini Ishe, handisi kunyatsofadzwa nevagari vemuZioni, nokuti mune nyope mukati mavo; uye nevana vavo varikukurawo mukati mezvakaipa; havatsvake neshungu upfumi hwekusingapere, asi maziso avo azere nemakaro.

32 Zvose zvinhu izvi hazvifanire kuvepo, uye zvinofanira kubviswa mukati mavo; nokudaro regai muranda wangu Oliver Cowdery atakure mazwi aya kunyika yeZioni.

33 Uye ndinovapa murairo—kuti uyo asingacherechedze kuita minamato yake pamberi paIshe nemwaka wakafanira, regai ave mukurangarirwa pamberi pemutongi wevanhu vangu.

34 Mazwi aya ndeechokwadi uye akatendeka; nokudaro musaatyore, kana kubvisa mamwe mazwi maari.

35 Tarisai ndini Arfa naOmega, uye ndinokurumidza kuuya. Ameni.