2022
Kushandira muDaidzo dzemuChechi
Kurume 2022


“Kushandira muDaidzo dzemuChechi,” Liahona (Riahona), Kurume 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Kurume 2022

Kushandira muDaidzo dzemuChechi

Vatungamiri veChechi vanokumbira nhengo kuti dzishandire munemamwe mabasa akamiswa anozivikanwa “sedaidzo.” Daidzo dzinopa nhengo mukana wekushandira vamwe uye wekuuya pedyo naMwari.

Mufananidzo
murume ari muwiricheya achidzidzisa kirasi yeChechi

Mufananidzo naDavid Bowen Newton

Apo patinoshandira mudaidzo dzedu, tinobatsira kuzadzisa basa raMwari. Tinodzidzisa vamwe pamusoro paBaba Vokudenga naJesu Kristu uye tobatsira avo vatinodzidzisa kuuya pedyo Navo. Tinotambirawo maropafadzo apo patinoshandira nerutendeko.

Kutambira Daidzo

Mufananidzo
mukomana wechidiki akamira pamberi pegungano reChechi

Avo vanoshandira muChechi vanodaidzwa naMwari. Vatungamiri veChechi vanonamatira femero yekuziva wekukumbira kushandira mudaidzo yega yega. Mutungamiri zvino anokumbira nhengo kuti ishandire uye otsanangura mabasa edaidzo yacho. Nhengo dzinotsigirwa mumusangano weChechi umo nhengo dzewadhi kana bazi madzinopa vhoti yekutsigira. Izvi zvinoreva kuti vanoda kutsigira munhu ari kudaidzwa. Nhengo zvino inozopuwa ropafadzo nemutungamiri wehupirisita. Uku kunodaidzwa kuti kutsaurwa. Nhengo inozopuwa mvumo yekushanda mudaidzo yacho uye nemamwe maropafadzo ekuibatsira kushandira.

Mabhishopi

Bhishopi mutungamiri wewadhi. (Mubazi, mutungamiri webazi akafanana nabhishopi.) Mutungamiri wehoko anokurudzira munhu ane hupirisita akakodzera kuti adaidzwe sabhishopi. Vatungamiri Vekutanga vanobvumira daidzo yacho. Bhishopi zvino anotsigirwa uye anotsaurwa kuti ashandire. Anotambirawo makiyi ehupirisita, zvinoreva kuti ane mvumo yekutungamirira wadhi. Sabhishopi, anoshandira nekutungamira nhengo dzese dzewadhi.

Vatungamiri

Mapato ezvikwata zveHupirisita uye Chita cheRubatsiro, Vasikana Vechidiki, Puraimari, uye Chikoro cheSvondo anotungamirirwa nevatungamiri, kazhinji mutungamiri nevatevedzeri vaviri. Vatungamiri vechikwata chemagosa vanodaidzwa uye votsaurwa nevatungamiri vehoko. Vehubhishopi vanokumbira nhengo kuti dzishandire mune humwe hutungamiri muwadhi uye vanovatsaura. Vatungamiri vose vanoshandira nhengo muzvikwata kana mumapato avo. Vanoshumira kuzvidikanwi zvenhengo uye vanovabatsira kunzwa rudo rwaMwari.

Mufananidzo
mudzimai achiunza zvokudya kuna amai vakabata mwana

Dzimwe Daidzo

Dzimwe daidzo dzeChechi dzinosanganisira kudzidzisa, kubatsira nemumhanzi, kuchengeta marekodzi, kuronga zviitiko zvevechidiki kana vana, uye kushandira nedzimwe nzira. Daidzo yega yega muChechi yakakosha uye inopa nhengo mukana wekushandira vamwe uye nekushandira Mwari. Apo patinoshanda pamwechete tose kuzadzikisa daidzo dzedu, tinosimbisa vamwe uye nekubatsira Chechi kukura.