2022
UnoMunzwa Sei?
Kurume 2022


“Unomunzwa Sei?,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kurume 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kurume 2022

UnoMunzwa Sei?

Kubva kuNhaurwa yemusangano mukuru waKubvumbi 2020.

Mufananidzo
zvidimbu zvepazuru
Mufananidzo
vanhu vaine mashepi ezvidimbu zvepazuru asipo

Mifananidzo naOksana Grivina

Pamwepo nenhungamiro ine runyararo yatinotambira kubva kuMweya Mutsvene, nguva nenguva, zvine simba uye kwauri pachezvako Mwari vanovimbisa mumwe nemumwe wedu kuti Vanotiziva uye vanotida. Zvino, munguva dzedu dzekuomerwa, Muponesi anodzosa zviitiko izvi mupfungwa dzedu.

Funga nezveupenyu hwako. Zviitiko izvi zvingangouya panguva dzakakosha muupenyu hwedu kana mune izvo pakutanga zvingangoratidzika sezviitiko zvisingashamise. Nguva dzinoshandura pane zvepamweya idzi dzinouya nguva dzakasiyana uye nenzira dzakasiyana, dzakagadzirirwa mumwe nemumwe wedu.

Joseph Smith akatsanangura kuti dzimwe nguva tinotambira “mazano anongoerekana auya” uye nguva nenguva kuyerera kwakanaka kwenjere.1

Mutungamiri Dallin H. Oaks, mukupindura murume aiva pachokwadi uyo aiti akanga asina kumbova nechiitiko chakadaro, vakaraira kuti, “Pamwe minamato yako yakapindurwa nguva nenguva, asi wakanga wakanangisa tarisiro dzako pachiratidzo chikurusa kana inzwi gurusa zvekuti unofunga kuti hauna kumbova nemhinduro.”2

Nguva pfupi yapfuura takanzwa Mutungamiri Russell M. Nelson vachiti: “Ndinokukokai kuti mufunge zvakadzama uye kazhinji pamusoro pemubvunzo uyu wakakosha unoti: UnoMunzwa sei? Ndinokukokaiwo kuti mutore zvinhanho zvekuMunzwa zvirinani uye nguva zhinji.”3

Manotsi

  1. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 132.

  2. Dallin H. Oaks, Life’s Lessons Learned: Personal Reflections (2011), 116.

  3. Russell M. Nelson, “‘How Do You #HearHim?’ A Special Invitation,” Kukadzi. 26, 2020, blog.ChurchofJesusChrist.org.