2022
Josefa Anogadzirira Nguva Dzakaoma
Kurume 2022


“Josefa Anogadzirira Nguva Dzakaoma,” Mashoko eMwedzi Woga Woga eFriend (Shamwari), Kurume 2022

“Josefa Anogadzirira Nguva Dzakaoma”

Mashoko eMwedzi Woga Woga eFriend (Shamwari) Kurume 2022

Josefa Anogadzirira Nguva Dzakaoma

Mufananidzo
Josefa pamberi paFarao

Mifananidzo naApryl Stott

Josefa aiva muporofita. Aigara muEgipita. Humwe husiku Farao, mambo weEgipita, akava nechiroto chinoshamisa. Akabvunza Josefa izvo zvaireva chiroto chacho.

Mufananidzo
mwana aine mbiya isina chinhu!

Mwari vakabatsira Josefa kunzwisisa chiroto chacho. Kwemakore manomwe, vanhu vaizova nezvokudya zvizhinji. Zvino kwemakore manomwe, vaisazova nezvokudya zvakakwana. Josefa akaudza Farao.

Mufananidzo
Josefa achichengetedza zviyo muEgipita

Josefa akati vaifanira kuchengetedza zvokudya iyezvino. Zvino vaizova vakagadzirira nguva dzakaoma. Farao akaisa Josefa kuti atungamirire kuchengetedzwa kwezvokudya. Josefa akashanda nesimba.

Mufananidzo
Josefa achipa zviyo kuvanhu

Apo makore manomwe enzara paakauya, vanhu vakanga vaine zvokudya zvakakwana. Vakanga vachitova nezvakakwana zvokuti vagoverane nevamwe.

Mufananidzo
mhuri ichifamba yakananga kuchechi

Ndinokwanisa kugadzirira iyezvino. Nerubatsiro rwaMwari, ndinokwanisa kukunda munguva dzakaoma!

Peji Yokuisa Ruvara

Baba Vokudenga Vanozondibatsira nemuMunguva Dzakaoma

Mufananidzo
vaberekedzani vachisimudza maoko ekuoneka

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Ndiriinhi apo Baba Vokudenga pavakakubatsira?