Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 18


Chikamu 18

Zvakazarurwa kuna Joseph Smith Muporofita, Oliver Cowdery, naDavid Whitmer, zvakapihwa paFayette, New York, Chikumi 1829 (History of the Church, 1:60–64). Apo pakaunzwa Hupirisita hwaAroni, kupihwa kweHupirisita hwaMerkezideki hwakavimbiswa (ona musoro wenyaya kuchikamu 13). Semhinduro yekukumbirwa kweruzivo munyaya iyi, Ishe vakapa chakazarurwa chino.

1–5, Magwaro matsvene anoratidza kuti chechi inovakwa sei; 6–8, Nyika irikuibva muhuipi; 9–16, Kukosha kwemweya kukuru; 17–25, Kuwana ruponeso, vanhu vanofanira kuzvitorera pachavo zita raKristu; 26–36, Kudaidzwa uye nebasa revaneGumi neVaviri kunoratidzwa; 37–39, Oliver Cowdery naDavid Whitmer vanofanira kutsvaka vaneGumi neVaviri; 40–47, Kuti vawane ruponeso, vanhu vakafanira kutendeuka, vobhabhatidzwa uye vochengeta mirairo.

1 Zvino tarisai, pamusana pechinhu icho iwe muranda wangu Oliver Cowdery, chawakada kuziva kwandiri, ndinokupa mazwi aya:

2 Tarisai, ndakaratidza kwauri, neMweya wangu nguva dzakawanda, kuti zvinhu zvawakanyora ndezvechokwadi; nokudaro iwe unoziva kuti ndezvechokwadi.

3 Uye kana uchiziva kuti ndezvechokwadi, tarisai, ndinopa kwauri murairo, kuti uvimbe nezvinhu zvakanyorwa;

4 Nokuti mazviri ndimomakanyorwa zvose zvinhu maererano nekutanga kwechechi yangu, vhangeri rangu, uye nedombo rangu.

5 Nokudaro kana mukavaka chechi yangu, pahwaro hwevhangeri rangu nedombo rangu; masuwo egehena haangakukundei.

6 Tarisai, nyika yave kuibva muhuipi; uye zvinofanira kuti vana vevanhu vamutswe kuti vatendeuke, vose maJentairi uye neimbawo yaIsraeri.

7 Nokudaro, sezvo makabhabhatidzwa nemaoko emuranda wangu Joseph Smith, Mwana, maererano naichocho chandakamuraira, azadzikisa chinhu chandakamuraira.

8 Uye zvino, musashamiswe kuti ndamudaidza kuchinangwa changu, icho chinozivikanwa neni; nokudaro kana akashingaira mukuchengeta mirairo yangu acharopafadzwa kuve neupenyu hwokusingaperi; uye zita rake ndiJoseph.

9 Uye zvino, Oliver Cowdery, ndinotura kwauri, uyewo nekuna David Whitmer, nenzira yemurairo; nokuti, tarisai, ndinoraira vose vanhu kwose kwose kuti vatendeuke, uye ndinotaura kwamuri, kunyangwe sekuna Pauro muapositori wangu, nokuti makadaidzwa kunyangwe naiko kudaidzwa kumwecheteko kwaakadaidzwa nako.

10 Rangarirai kuti kukosha kwemweya kukuru mumaziso aMwari.

11 Nokuti tarisai, Ishe Mununuri venyu vakatambudzika murufu rwenyama; nokudaro vakatambudzika nokurwadzirwa vanhu vose kuti vanhu vose vatendeuke uye vagouya kwavari.

12 Uye vakamuka zvakare kubva kuvakafa, kuti vagoudza vanhu vose kwavari, kana vachinge vatendeuka.

13 Uye rufaro rwavo rukuru zvikuru nemweya uyo unotendeuka!

14 Nokudaro, munodaidzwa kuti mudaidzire kutendeuka kuvanhu ava.

15 Uye kana zvichiita kuti munofanira kushanda mazuva enyu ose mukudaidzira kutendeuka kuvanhu ava uye mukaunza, kana mweya mumwechete kwandiri, kufara kwako kuchave kukuru sei naiye muumambo hwaBaba vangu!

16 Uye zvino, kana kufara kwenyu kukave kukuru nemweya mumwechete uyo wawaunza kwandiri muumambo hwaBaba vangu, kufara kwenyu kungave kukuru zvakadii kana mukaunza mweya yakawanda kwandiri!

17 Tarisai, mune vhangeri rangu pamberi penyu, uye nedombo rangu, neruponeso rwangu.

18 Kumbirai Baba muzita rangu, murutendo muchitenda kuti muchagashira, uye uchave neMweya Mutsvene, uyo unoratidza zvose zvinhu zvakafanira kuvana vevanhu.

19 Uye kana musina rutendo, tariro nerudo rwakadzama, hapana chaungaite.

20 Usakakavadzane nechechi ipi zvayo, kunze kwekunge iri chechi yadhiabhorosi.

21 Torai pamuri zita raKristu, uye mutaure chokwadi muine mutsigo.

22 Uye vakawanda sei vanotendeuka uye vachibhabhatidzwa muzita rangu, iro rinova Jesu Kristu, uye vagoshingirira kusvika kumagumo, ivavo vachaponeswa.

23 Tarisai, Jesu Kristu ndiro zita rakapihwa naBaba, uye hakuna rimwezve zita rakapihwa iro ringaponese munhu;

24 Nokudaro, vose vanhu vanofanira kutora zita rakapihwa naBaba, nokuti muzita iroro vachadaidzwa pazuva rekupedzisira;

25 Nokudaro, kana vasingazive zita ravanodaidzwa naro, havangawane nzvimbo muumambo hwaBaba vangu.

26 Uye zvino tarisai, kune vamwe vakadaidzwa kuti vataure vhangeri rangu, kwose kumaJentairi nekumaJuda;

27 Hongu, kunyangwe, gumi nevaviri; uye vaneGumi neVaviri vachave vadzidzi vangu, uye vachatora pavari zita rangu; uye vaneGumi neVaviri ndivo vachada kutora pavari zita rangu nechido nemwoyo wose.

28 Uye kana vachida kutora pavari zita rangu nechido chemwoyo wose, vanodaidzwa kuti vaende pasi rose kunoparidza vhangeri rangu kune chisikwa chose.

29 Uye ndivo ivavo vakagadzwa neni kuti vabhabhatidze muzita rangu, maererano neizvo zvakanyorwa;

30 Uye munacho icho chinyorwa pamberi penyu, nokudaro makafanira kuzviita maererano nemazwi akanyorwa.

31 Uye zvino ndinotaura kwamuri, imi vaneGumi neVaviri—Tarisai, nyasha dzangu dzakawanda kwamuri; makafanira kufamba makatwasanuka pamberi pangu uye musatadze.

32 Uye tarisai, ndimi avo vakagadzwa neni kuti mugadze vapirisita nevadzidzisi; kuti mutaure vhangeri rangu, maererano nesimba reMweya Mutsvene iro riri mamuri, uye maererano nekudaidzwa nezvipo zvaMwari kuvanhu;

33 Uye ini Jesu Kristu, Ishe venyu naMwari venyu, ndini ndazvitaura.

34 Mazwi aya haasi evanhu kana emunhu, asi ndeangu; nokudaro, muchapupura kuti ndeangu kwete emunhu;

35 Nokuti izwi rangu ririkuataura kwamuri; nokuti ari kupihwa neMweya wangu kwamuri, uye nesimba rangu munogona kuaverengerana; uye dai pasina simba rangu hamaiawana;

36 Nokudaro, munogona kupupura kuti manzwa izwi rangu, uye munoziva mazwi angu.

37 Uye zvino, tarisai, ndinopa kwauri, iwe Oliver Cowdery, nekuna David Whitmer zvakare, kuti muchatsvaga vaneGumi neVaviri, avo vachave nezvido sezvandataura;

38 Pamusoro pezvido zvavo nemabasa avo muchavaziva.

39 Uye kana mavawana mucharatidza zvinhu izvi kwavari.

40 Muchawira pasi uye monamata Baba muzita rangu.

41 Uye makafanira kuparidzira nyika, muchiti: Makafanira kutendeuka uye mobhabhatidzwa, muzita raJesu Kristu;

42 Nokuti vose vanhu vanofanira kutendeuka vobhabhatidzwa, kwete varume chete, asi vakadzi nevana avo vasvika pazera rekuzvidavirira.

43 Zvino, mushure mekunge matambira izvi, munofanira kuchengeta mirairo yangu muzvinhu zvose;

44 Nemaoko enyu ndichashanda basa rinoshamisa mukati mevana vevanhu, mukupwisa vazhinji nezvezvitadzo zvavo zvakawanda, kuti vangangouya mukutendeuka, uye nokuti vangangouya muumambo hwaBaba vangu.

45 Nokudaro, maropafadzo andinopa kwamuri ari pamusoro pezvinhu zvose.

46 Uye mushure mekunge magashira izvi, kana mukasachengeta mirairo yangu hamungaponeswe muumambo hwaBaba vangu.

47 Tarisai, ini Jesu Kristu, Ishe venyu naMwari venyu, neMununuri wenyu, nesimba reMweya wangu, ndazvitaura. Ameni.