2023
Zvino Kristu Wakamuka
Gunyana 2023


“Zvino Kristu Wakamuka,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Gunyana 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Gunyana 2023

Zvino Kristu Wakamuka

Dzidza izvo muApositora Pauro zvaakadzidzisa pamusoro peKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu.

Mufananidzo
Jesu Kristu akamuka kuvakafa

The Resurrected Christ [Kristu Akamuka Kuvakafa], naWilson J. Ong

zvino Kristu wakamuka kuvakafa

Jesu Kristu akafa pamuchinjikwa, akavigwa mubwiro, uye akamuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu.

zvibereko zvokutanga zvavakavata

Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano rokuti zvibereko zvokutanga rinoreva zvirimwa zvokutangisisa zvegore. Ndizvo zvinotanga kukohwewa—zvokutanga pane zvakawanda zvichauya.

Ndevo yokuti avo vakavata inoreva “avo vakafa.”

Jesu Kristu ndiye aiva wokutanga kumuka kuvakafa, uye mushure moKumuka Kuvakafa Kwake, vanhu vose vanozomuka kuvakafa.

nemunhu rufu rwakauya

Izvi zvinotaura pamusoro paAdama. Kuputsika kwake kwakareva kuti vanhu vose avo vaizouya munyika vaizofa. (Ona Mosesi 4.)

muna Kristu vose vachararamiswa

Nokuda kwoKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu, vanhu vose vanozomuka kuvakafa. Izvi zvinoreva kuti munhu wose uyo akamborarama kana anozorarama anozomukafa kuvakafa. Mweya yedu inozobatana zvakare nemiviri yedu, uye miviri yedu inova yakarurama uye isingafi. (Ona Aruma 11:43–45.)