2023
Kutaririra Avo Vanoshaiwa
Gunyana 2023


“Kutaririra Avo Vanoshaiwa,” Liahona, Gunyana 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona) Gunyana 2023

Kutaririra Avo Vanoshaiwa

Mufananidzo
Jesu achiporesa vanhu

He Healed Many of Diverse Diseases [Akaporesa Vakawanda kubva kuZvirwere Zvakasiyana–siyana]naJ. Kirk Richards, haufaniri kukopwa

Senhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinotevera dzidziso yaIshe yokutaririra avo vanoshaya. Tinotaririra vamwe kuburikidza nokuvashandira, kuvabatsira kuti vave vanozviriritira, uye nokugovera izvo zvatiinazvo.

Muenzaniso waJesu Kristu

Jesu Kristu aida, ainyaradza, uye ainamatira avo vaiva vakaMukomberedza. Iye “waipote nyika achiita zvakanaka” (Mabasa AvaApositora 10:38). Tinokwanisa kutevera muenzaniso Wake kuburikidza nokuda, nokunyaradza, nokushandira, uye nokunamatira avo vakatikomberedza. Tinokwanisa kugara tichitsvaka nzira dzokubatsira vamwe.

Mufananidzo
vanhu vaviri vachifamba

Kushumira

Shoko rokuti kushumira rinoshandiswa mumangwaro matsvene uye muChechi yaIshe kutsanangura kuti tinotaririrana sei. Vabati vehupirisita vanopuwa samabhurutha anoshumira kumunhu pachake woga woga kana kumhuri yoga yoga muwadhi kana mubazi. Masisita anoshumira anopuwa kumudzimai wechikuru woga woga. Mabhuratha namasisita anoshumira vainoita chokwadi kuti nhengo dzose dzeChechi dzinorangarirwa uye nokutaririrwa.

Mufananidzo
vanhu vachidyara mbesanwa

Kubatsira Vamwe Kuti Vave Vanozviriritira

Tinokwanisa kubatsira nhengo dzemhuri neshamwari kuti vave vanozviriritira kuburikidza nokuvakurudzira kuwana gadziriso dzoupenyu hwose kumatambudziko avo. Tinokwanisa zvino kuvatsigira apo pavanoshanda pazvinangwa zvavo. Wana rumwe ruzivo rwakawanda pamusoro pekuzviriritira mumagazini raNyamavhuvhu 2023 reLiahona Chinyorwa cheGospel Basics.

Kushandira Vamwe

Kune nzira dzakawanda dzatinokwanisa kushandira nadzo avo vakatikomberedza uye kuvabatsira kuzadzikisa zvidikanwi zvavo zvepanyama, zvepamweya, uye nezvepfungwa. Kudzidza pamusoro pavamwe kunokwanisa kutibatsira kuziva kuti tingavashandira zvirinani sei. Tinokwanisawo kunamatira nhungamiro yokuziva zvatingaita kubatsira.

Mufananidzo
vanhu vachiunganidza michero

Kugovera Izvo Zvatiinazvo

Tinokwanisa kushandira vamwe kuburikidza nokugovera izvo Mwari zvavatiropafadza nazvo. Somuenzaniso, tinokwanisa kupa zvisina rutsuta mipiro yokutsanya kana kupa kuhomwe yeChechi yeRubatsiro rwaVanhu. Tinokwanisawo kushandira munharaunda dzedu uye mudaidzo dzedu dzeChechi.

Mabasa aVatungamiri veChechi

Bhishopi anotungamirira kutaririrwa kwaavo vanoshaya muwadhi make. Anokwanisa kushandisa mari inobva kumipiro yekutsanya kubatsira nhengo dzine zvidikanwi. Vamwe vatungamiri, kusanganisira vatevedzeri vake navatungamiri veChita choRubatsiro nevechikwata chamagosa, vanobatsira nhengo kuwana zvishandiso zvavanokwanisa kushandisa kuzadzikisa zvidikanwi zvavo.

Zviedzwa zveRubatsiro rweVanhu zveChechi

Chechi inobatsira vanhu napanyika pose nokudavira panjodzi, nemabasa emunharaunda, uye nezvimwe zvirongwa zvakaita sokuita kuti vanhu vawane mvura yakachena uye majekiseni ekudzivirira zvirwere muvana. Kuti udzidze zvimwe zvakawanda, ona Dallin H. Oaks, “Helping the Poor and Distressed,” Liahona, Mbudzi 2022, 6–8.