Riahona
Ndiri Mudzidzi waJesu Kristu
Ndira 2024


“Ndiri Mudzidzi waJesu Kristu,” ZveRusimbiso rweVechidiki, Ndira 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) , Ndira 2024

Ndiri Mudzidzi waJesu Kristu

Unokwanisa kutevera Muponesi uye woparadzira shoko Rake kuna vamwe.

Mufananidzo
Chiratidzo cheDindingira reVechidiki ra2024

Wakamboshamisika here kuti sei, mushure mokuporesa vanhu, Jesu akaudza vamwe vavo kuti vasataurira ani zvake (ona Marko 7:36)? Chimwe chikonzero chingangova chinechokuita nerudzi rwevateveri vaAida. Ungangofunga kuti kana vanhu vaizotaura pamusoro pekuporeswa kwavo yaizova nzira yakanaka yokuti Jesu akwezve vateveri. Zvisinei, Jesu akanga asingangodi vateveri. Aida vadzidzi.

Jesu akati kuna Petro naAndrea, “Nditeverei” (Mateo 4:19). Dudziro yaJoseph Smith yendima iyi inoti, “Ndini iye uyo akanyorwa nezvake navaporofita; nditeverei” (Dudziro yaJoseph Smith, Mateo 4:18 [muna Mateo 4:19, noti yepazasi a]). Kukoka uku kwaiva kusiri kwokuti vangopedza chinguva vaiNaye. Aida kuti vave vadzidzi Vake nariinhi nariinhi.

Akanga asingadi kuti vangoMutarisa achidzidzisa vanhu, achida vanhu, uye achiita zvishamiso. Aida kuti vaite zvimwechetezvo. Aida kuti basa Rake rive basa ravo. Kusarudza Kristu zvaireva kuti vaizodzidza kushandira sokushandira kwaAiita uye kufunga sokufunga kwaAiita. Vaizodzidzira kurarama sokurarama kwaAiita, uye Aizovadzidzisa nokuvapa rubatsiro rwavaida kuti vanyanye kuva saIye.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Shoko rechiGiriki rinoreva mudzidzi rinoti mathetes. Rinoreva zvinopfuura muteveri kana mufundi. Kazhinji rinodudzirwa semudzidziri. Muzuva raKristu, vadzidzi kazhinji vaisarudza tenzi uyo wavaida kudzidza kubva kwaari nechinangwa chokuva tenzi ivo pachavo. Kristu haana kutevera tsika yamaitiro amazuva ose. Akaishandura uye akatsvaka vadzidzi Vake iye pachinzvimbo chokutsvagwa. Nhasi, Kristu anotidaidza kuuya kwaAri. Anotidaidza kuti tive vadzidzi Vake uye kuti tizivise shoko Rake pakati pavanhu Vake kuitira kuti vagowana upenyu husingaperi (ona 3 Nifai 5:13).

Mumwe musikana wechidiki anobva kuHaiti mumaCaribean akataridza chido chake chokuva mudzidzi waKristu kuburikidza nokukoka shamwari yake iyo yaiva isiri nhengo yeChechi kuti aende naye kumusangano weFSY. Pakutanga baba veshamwari yake vakanga vasingadi kupa mwanasikana wavo mvumo yokuenda. Vatungamiri veChechi vakatsanangura pamusoro pezviitiko zvakanaka zvaiva zvakamumirira uye vatungamiri vechidiki vakuru vakanaka zvikuru avo vaizomuchengeta. Baba ava vakapa mvumo yokuti mwanasikana wavo aende, uye mushure mokuona musiyano wazvakaita muupenyu hwake, vakamupawo mvumo yokuti apinde misangano yeChechi uye—pashure pemwedzi mitanhatu—abhabhatidzwe.

Mumwe mukomana wechidiki anobva kuArgentina muSouth America akataridza chido chake chokuva mudzidzi waKristu nokugoverana zvimwe zvihwitsi zvake neshamwari apo pavaifamba nebhazi kuenda kuchikoro. Apo paakasvika pachihwitsi chaiva nekofi machiri, akatsanangura kuti akanga asinakumbobvira afarira maraviro ekofi nokuti mumhuri make hapana ainwa kofi. Izvi zvakatungamirira kuhurukuro pamusoro peChechi, iyo yakatungamirira mukukokwa kuuya kumisangano, izvo zvakazopedzisira zvatungamirira shamwari yake kupinda Chechi uye kushandira hushumiri muChile.

Haasi munhu wose waunotaura naye pamusoro peChechi kana kukoka kuzviitwa zveChechi anozoda kupinda Chechi. Izvi ZVAKANAKA. Haasi munhu wose uyo Jesu waakataura naye munguva yehushumiri Hwake hwepanyika akapindawo Chechi. Asi zvakadaro, apo patinosarudza kuva vadzidzi vaJesu Kristu uye kuzivisa shoko Rake, Anozotipa ushingi uye rubatsiro rwehumwari. Tinozodzidza kunyanya kuva saIye, uye izvi ndizvo vadzidzi zvavanoita.