Riahona
Muti weUpenyu
Ndira 2024


“Muti weUpenyu,” Friend (Shamwari), Ndira 2024, 26–27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Ndira 2024

Muti weUpenyu

Mufananidzo
Alt text

Mifananidzo naAndrew Bosley

Rihai aiva muporofita. Mwari vakamutaurira kuti atore mhuri yake aende kunyika yechipikirwa. Apo pavaiva parwendo, akava nechiroto pamusoro pemuti wakanaka. Waidaidzwa kuti muti weupenyu.

Mufananidzo
alt text

Muti wacho waibereka muchero muchena wainaka zvikuru. Rihai akanzwa mufaro mukuru apo paakaudya! Aida kuti mhuri yake iuyedzewo.

Mufananidzo
alt text

Rihai akaonawo mutanda wesimbi uyo waitungamirira kumuti weupenyu. Vanhu vakabatirira pamutanda kuti vasvike kumuti wacho uye vagodya muchero.

Mufananidzo
alt text

Muti uri muchiroto chaRihai wakafanana nerudo rwaMwari. Mutanda wakafanana nemagwaro matsvene. Apo patinoverenga magwaro matsvene, tinouya pedyo naBaba Vokudenga naJesu Kristu.

Peji Yekuisa Ruvara

Magwaro Matsvene Anodzidzisa pamusoro paJesu

Mufananidzo
alt text here

Mufananidzo naAdam Koford

Ndeipi nyaya yaunonyanya kufarira pamusoro paJesu Kristu?