Riahona
Chiedza Chedu Murenje
Ndira 2024


“Chiedza Chedu Murenje,” Liahona, Ndira 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona) , Ndira 2024

Chiedza Chedu Murenje

Avo vanoverenga nemwoyo wose Bhuku raMormoni, vanorarama nemisimboti yaro, uye vakanamata pamusoro pehuchokwadi hwaro vanozonzwa Mweya Mutsvene uye vanozowedzera rutendo rwavo, , uye uchapupu, hweMuponesi.

Mufananidzo
mukoma waJaredi aine mabwe anobwinya

Mufananidzo wemukoma waJaredi aine mabwe anobwinya naNormandy Poulter

Kunyangwe semukomana mudiki, ndakanga ndiine uchapupu hweBhuku raMormoni. Ndainzwa kukwezverwa zvakanyanya kunyaya yemukoma waJaredi nevanhu vake murwedo rwavo “kunyika yechipikirwa” (Eta 2:9).

Apo pavaiva vakatarisana nokuti vangangofamba vari mumagwa asina mwenje, mukoma waJaredi akabvunza, “Tarisai, Ishe, munozobvumira here kuti tiyambuke mvura huru iyi murima?” Vachipindura, Ishe vakati, “Chii icho iwe chaunoda kuti ndiite kuitira kuti mugova nechiedza muzvikepe zvenyu? (Eta 2:22, 23).

Mukoma waJaredi aiziva kuti Ishe vaiva namasimba ose. Aiziva kuti Ishe ndivo vaiva manyuko echiedza chose. Aiziva kuti Ishe vakanga varaira vanhu vavo kuti vaVadaidze munguva yavaida rubatsiro. Nokudaro, achishandisa rutendo muna Ishe, mukoma waJaredi akagadzira mabwe madiki gumi namatanhatu. Munorangarira kuti zvino akakumbira Ishe kuti vabate mabwe aya nemunwe Wavo, “kuitira kuti agopenya murima” (Eta 3:4).

Mufananidzo waIshe vachibata mabwe iwayo wakadzikiswa mupfungwa dzangu kubvira pandakatanga kuverenga nyaya iyoyo. Ndinokwanisa kuona chiitiko ichocho sokunge chirikuitika pamberi pamaziso angu. Pamwe zvinokonzerwa nokuti mufananidzo werima richidzimwa nechiedza ndewechokwadi kwandiri.

Apo pandinenge ndisinganzwi Mweya Mutsvene, apo pandinenge ndisiri kunyatsoyanana neMweya waIshe, ndinonzwa rima. Asi pandinoverenga Bhuku raMormoni, chiedza chinodzoka. Bhuku raMormoni kwandiri ranga rakafanana neibwe rinopenya rakabatwa naIshe. Rakavhenekera rwendo rwangu nemuupenyu.

Chiedza chaRiinhi naRiinhi

Saavo vakaunzwa neruoko rwaIshe kumaAmerica akare, tose tinotarisana nematutu uye nemazuva ane rima munguva yerwendo rwedu rwokuenda kunyika yechipikirwa yokusimudzirwa kumusoro-soro. Asi Ishe vanozotiitira izvo zvaVakaitira vaJaredi nevaNifai. Vanozotitungamirira uye nokuvhenekera nzira yedu—kana isu tikaVateerera, tikashandisa rutendo maVari, uye tikateterera kuti vatipe rubatsiro Rwavo.

Ishe vakaudza Nifai, “Ini ndinozovawo chiedza chenyu murenje; uye ndinozokugadzirirai nzira mberi kwenyu, kana zvirizvo kuti imi muchachengeta mirairo yangu; naizvozvo, apo chete imi pamunochengeta mirairo yangu imi muchatungamirirwa kuenda kunyika yechipikirwa; uye imi muchazoziva kuti kuburikidza neni apo murikutungamirwa” (1 Nifai 17:13).

Ishe vakaudza Jakobo munun’una waNifai, “Ini ndinozova chiedza kwavari nariinhi nariinhi, avo vanonzwa mashoko angu” (2 Nifai 10:14).

Pamusoro peMuponesi, muporofita Abinadai akapupura, “Ndiye chiedza neupenyu hwenyika; hongu, chiedza chisina magumo, icho chisingambofi chakasvibiswa” (Mosaya 16:9).

Pamusoro pake iye Pachake, Muponesi akapupura, “Ndini chiedza neupenyu hwenyika.” Akawedzera, “Tarisai ndini chiedza; ndakupai muenzaniso” (3 Nifai 9:18; 18:16).

Mufananidzo
Mutungamiri Russell M. Nelson vachifamba

Kunzwa Chiedza

Ndinoda muporofita wedu, Mutungamiri Russell M. Nelson. Ndine ropafadzo rokushandira ndiri padivi pavo. Apo pavanofamba kupinda panzvimbo, nzvimbo iyoyo pakarepo inowedzera kuva nemufaro. Vanotakura Chiedza chaKristu navo.

Chiedza chaKristu ndechechokwadi. Ndicho “masimba ehumwari, simba, kana kuti kurudziro iyo inobva kuna Mwari kuburikidza naKristu uye inopa upenyu nechiedza kuzvinhu zvose.” Chipo chezvepamweya chinokosheswa icho chinokwanisa kutungamirira vana vaMwari kuMweya Mutsvene uye kuvhangeri raJesu Kristu.1 Kuverenga Bhuku raMormoni kunosimbisa Chiedza ichocho.

Dzimwe nguva tinofanira kutarisa kumashure paupenyu hwedu kuti tirangarire mabatsirirwo atakaitwa parwedo rwedu. Apo patinotarisa kumashure, tinokwanisa kunzwa kurudziro yeMuponesi zvakare. Apo magwaro matsvene paanoti, “Rangarira, rangarira” (Hiramani 5:12), ndinofunga kuti ari kutiudza kuti, “Musangorangarira chete izvo zvamaimboziva kana zvamaimbonzwa, asi panokudaro, inzwai chiedza ichocho zvakare.”

Kune vamwe, kunzwa chiedza chezvepamweya kunouya zviri nyore. Kune vamwewo, chiedza chezvepamweya chinokwanisa kuva chinhu chakaoma kunzwa nokuda kwezvinetso zvemunhu pachake kana kwezvikangaidzo zvenyika. Asi kana takatendeka, chiedza chinozouya—pane dzimwe nguva nenzira dzatisingatarisiri.

Mutungamiri Nelson, avo vakatiraira “kunzvera nemunamato Bhuku raMormoni zuva roga roga,”2 vakagovera nzira dzakati wandei idzo Bhuku raMormoni rinokwanisa kutiunza pedyosa neMuponesi uye kutibatsira kunzwa chiedza chevhangeri, kunzwisisa zvokwadi zvevhangeri, uye kurarama dzidziso dzevhangeri.

Apo patinoverenga Bhuku raMormoni, Mutungamiri Nelson vakati, nzwisiso yedu, uye rukosheso rwedu, nokuda kweRudzikinuro rwaJesu Kristu zvinozokura.

Tinozonzwa chido chokuda “kuzvarwa patsva” (Mosaya 27:25) apo bhuku iri rinotibatsira kunzwa shanduko yemwoyo (ona Mosaya 5:2).

Apo patinoverenga nokunzvera dzidziso dzeBhuku raMormoni pamusoro pekuunganidzwa kweIsraeri, tinozonzwa chido chakawedzerwa chokutsvaka vakafa vedu uye nokuvaitira zvisungo zveruponeso nezvekusimudzirwa kumusoro-soro mutemberi.

Tinozonzwa chiedza apo patinogamuchira mhinduro kumibvunzo yedu, nhungamiro mukuita sarudzo, uye simba rokutendeuka nokukunda huipi.

Uye apo patinoverenga zvokwadi zvinowanikwa muBhuku raMormoni, tinozonzwa kupodzwa, nyaradzo, kudzorerwa, rubatsiro, simba, runyaradzo, uye mufaro kumweya wedu.3

“Ko zvino, ichi hachisi chokwadi here?” Aruma akabvunza maererano nemhodzi inofutunuka, inomera yechokwadi, ruzivo, uye yeuchapupu. “Ndinoti kwamuri, Hongu, nokuda kwokuti chiedza; uye chipi nechipi zvacho chinova chiedza, chakanaka, nokuti chinonzwisisika; naizvozvo imi munofanira kuziva kuti chakanaka” (Aruma 32:35

Mufananidzo
mufananidzo waJesu Kristu

Christ’s Image [Mufananidzo waKristu], naHeinrich Hofmann

Tsvaka Muponesi muRima.

Apo shamwari yangu Kamryn payaiva nemakore gumi okuberekwa, akabata chirwere chamaziso chaiva chisingawanzoitiki asi chisingarapiki icho chakapa utachiona kumboni yeziso rake rokurudyi.4 Pane dzimwe nguva, apo marwadzo anouya nechirwere ichi paainge aripo nguva dzose uye achirwadza zvikurusa, Kamryn aiva asingakwanisi kutarisa chiedza chipi zvacho. Vabereki vake, vachinetsekana kuti angangopofomara, vaivharidzira chiedza kuti chisapinda nepamahwindo emumupanda wake wokurara vachiedza kuti agare zvakanaka. Amai vaKamryn, Janna, vakayeuka:

“Ingangoita mwedzi mina mushure mekubatwa chirwere ichi kwake, ndakapinda mumupanda wake waiva nerima. Apo maziso angu paakajaira, ndakakwanisa kuona Kamryn akazvigumbatidza pamubhedha wake. Airwadziwa zvikurusa zvokuti haana kusuduruka kana kunyangwe kuchema apo paakandinzwa ndichipinda. Akangorara pamubhedha ipapo nemaziso ose azvimba zvokutadza kuvhurwa.

“Ndakagwadama padivi pemubhedha wake, ndikatora ruoko rwake kuisa mune rwangu, uye ndikarudzvanya katatu—chiziviso chepachivande chedu chokuti ‘Ndinokuda.’ Kazhinji aizodzvanyawo pashurepo runa zvichimirira ‘Ndinokudai zvakanyanya,’ asi haana kupindura. Aiva achirwadziwa zvikurusa. Nemisodzi ichiyerera pamatama angu, ndakatarisa pamwana wangu uyo aimbova mwana anofara zvikuru wemakore gumi akazvipeta kuita sebhora. Mwoyo wangu wakatyoka.”

Janna akapa munamato muchinyararire, wemwoyo wose.

“Ndakaudza Baba Vokudenga kuti ndaiziva kuti Vanoziva zvakanakisisa, asi ndakanamata kuti, ‘Ndapota mubatsirei.’ Apo pandaiva ndakagara ipapo ndichinamata, mweya wokudziyirwa nokunyaradzwa wakandiputira. Ndakanzwa kugadzikana apo pfungwa pamusoro peMuponesi Jesu Kristu payakauya mupfungwa dzangu: ‘Ndiye chiedza. Muwane murima.’”

Janna akasimudza musoro wake uye akazevezera munzeve yaKamryn achiti: “Unofanira kuwana Muponesi murima.”

Pashure, Kamryn akarara paaiva achiteerera kunziyo nemagwaro matsvene paapu yeraibhurari yeChechi.

Mufananidzo
musikana akapfeka chidzitiro cheziso

Apo utachiona hweziso rake pahwukwirira zvikuru, Kamryn anowana Muponesi murima.

Mufananidzo wakapuwa nemhuri yaKamryn.

Chirwere chaKamryn nguva zhinji hachibudi, asi apo paanorwadziwa nacho zvikuru, Janna nemurume wake, Darrin, vanomunyaradza uye zvakare vanoisa magumbeze pamahwindo emupanda wokurara wake. Munguva dzemarwadzo idzi, Kamryn anoti, “Ndiri kungowana Muponesi murima.”5

Apo upenyu pahwunoratidzika “serenje rine rima uye rinosuwisa” (1 Nifai 8:4), tingangofanirawo kuwana Muponesi murima. Ndinopupura kuti Bhuku raMormoni, neuchapupu hwaro “hwekuti Jesu ndiye Kristu, Mwari Wokusingaperi,”6 rinozotitungamirira kwaAri. Ndinoziva kuti avo vanoverenga Bhuku raMormoni nemwoyo wose, vorarama nemisimboti yaro, uye vonamata pamusoro pehuchokwadi hwaro vanozonzwa Mweya Mutsvene uye vanowedzera rutendo rwavo , uye uchapupu hweMuponesi.

Ngatiratidzei ruvongo nokuda kwebhuku iri “rakarurama kupfuura ose”7 kuburikidza nokuriverenga, kurikoshesa, uye nokurishandisa kusimbisa rutendo rwedu uye nerutendo rwevamwe muChiedza cheNyika.

Manotsi

  1. Ona Topics and Questions, “Light of Christ,”topics.ChurchofJesusChrist.org.

  2. Russell M. Nelson, “,The Book of Mormon: What Would Your Life Be Like Without it?,” Liahona, Mbudzi. 2017, 62.

  3. Ona Russell M. Nelson, “The Book of Mormon: What Would Your Life Be Like without It?,” 62, 63.

  4. Herpes simplex virus keratitis.

  5. Ndinotenda Janna Cannon nemwanasikana wake Kamryn nokugovera nyaya yavo.

  6. peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni

  7. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 64.