Riahona
Mufaro Usingaperi Wokurarama Vhangeri
Kukadzi 2024


“Mufaro Usingaperi Wokurarama Vhangeri,” Liahona (Riahona), Kukadzi 2024

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Kukadzi 2024

Mufaro Usingaperi weKurarama Vhangeri

Mufaro unogara uripo unouya kuburikidza nokushingirira muvhangeri raJesu Kristu uye nokubatsira vamwe kuita zvimwechetezvo.

Mufananidzo
Adama naEva neBindu reEdeni riri kumashure kwavo

Bindu reEdeni, naGrant Romney Clawson; Kubuda muBindu reEdeni, naBrickey

Ziviso pfupi yechinangwa cheupenyu hwedu inokwanisa kuwanikwa muzvidzidziso zvehuporofita chaRihai pamusoro pamavambo ehupenyu hwavanhu panyika. MuBindu reEdeni, Adama naEva vaigara mumamiriro ekusava nemhosva. Dai vakaramba vari mumamiriro iwayo vangadai “[vakanga] vasina mufaro, nokuti vaiva vasingazivi rusuwo; vasingaiti zvakanaka, nokuti vaiva vasingazivi chivi” (2 Nifai 2:23). Nokudaro sekutsanangura kwakaitwa naRihai, “Adama akaputsika kuitira kuti vanhu vangovapo; uye vanhu varipo, kuti vagova nomufaro” (2 Nifai 2:25; onawo Mosesi 5:10–11).

Apo patinokura munyika yakawa, tinodzidza musiyano pakati pezvakanaka nezvakaipa kuburikidza neizvo zvatinodzidziswa uye nezviitiko zvatinosangana nazvo. Tino “ravira chinovava, kuti [ti]goziva mubairo wechakanaka” (Mosesi 6:55). Mufaro unouya apo patinoramba zvinorwadza uye tichiwedzera kukoshesa uye nokubatirira nesimba kune zvakanaka.

Kuwana Mufaro

Nokuda kwerudo Rwavo rwakarurama kwatiri, Baba vedu Vokudenga vane chido chikuru chokugoverana nesu mufaro Wavo wakarurama, zvose iyezvino uye nokusingaperi. Iyi ndiyo yaiva kuridziro Yavo mune zvose kubvira kumavambo, kusanganisira chirongwa Chavo chomufaro uye kuzvipira kweMwanakomana Mumwechete Wakaberekwa Wavo kwokutinunura.

Mwari havaedzi kumanikidzira mufaro kana rudekaro kwatiri, asi Vanotidzidzisa kuti tinoruwana sei. Vanotiudzawo uko mufaro kwausingakwanisi kuwanikwa—“hunyangadzi [hahwusi uye] hahwuna kumbofa hwakava mufaro” (Aruma 41:10). Kuburikidza nemirairo Yavo Baba vedu Vokudenga vanozarura kwatiri nzira yekumufaro.

Mutungamiri Russell M. Nelson, vakazvitsanangura nenzira iyi:

“Hechino chokwadi chikurusa: apo nyika painosimbirira kuti simba, pfuma, mbiri, uye mafaro enyama zvinounza mufaro, hazviunzi mufaro! Hazvikwanisi! Hapana zvazvinounza kusara kwechitsivo chisina maturo “chemamiriro akaropafadzwa uye emufaro [aavo] vanochengeta mirairo yaMwari.” [Mosaya 2:41].

Chokwadi ndechekuti zvinotonyanya kunetesa zvikuru kutsvaka mufaro uko kwausingakwanisi kumbofa wakakuwana! Zvisinei, apo pamunozviisa pajoko raJesu Kristu uye woita basa rezvepamweya rinodikanwa kuitira kukunda nyika, Iye, uye Iye woga, ane simba rokukubatsirai kukunda nyika ino.”1

Naizvozvo, mufaro usingaperi unowanikwa mukuchengeta mirairo yaMwari, uye mirairo yaMwari inowanikwa muvhangeri raJesu Kristu. Asi isarudzo yedu. Kana muutera hwedu tikatadza kwechinguva kuchengetedza mirairo, tinokwanisa kutendeuka, toramba zvinorwadza , uye zvakare totevera zvakanaka. Rudo rwaMwari harwururamisi zvivi—izvi zvingava ngoni ichibira ruenzaniso—asi kuburikidza noRudzikinuro Rwake, Jesu Kristu anotipa rununuro kubva kuzvivi:

“Amureki … akati … Ishe chokwadi vachauya kuzonunura vanhu vavo, asi kuti havazouyi kuzovanunura vari muzvivi zvavo, asi kuzovanunura kubva kuzvivi zvavo.

“Uye iye ane simba rakapuwa kwaari kubva kuna Baba rokuvanunura kubva kuzvivi zvavo nokuda kwerutendeuko; naizvozvo akatumira ngirozi dzake kuti dzizozivisa nyaya yezvidikanwi zvorutendeuko, urwo rwunounza simba reMununuri,zvinozogumisira noruponeso rwemweya yavo”.(Hiramani 5:10–11; rusimbiso rwakawedzerwa)

Jesu akati:

“Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yababa vangu, ndichigara murudo rwavo.

“Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike” (Johane 15:10–11).

Izvi ndizvo zvakanzwikwa naRihai muchiratidzo chake apo paakaravira muchero wemuti woupenyu—uyo unoratidza rudo rwaMwari. Iye akati,“Apo pandaidya muchero wawo wakazadza mweya wangu nomufaro” (1Nifai 8:12; onawo 11:21–23).

Rihai akaratidzawo nzira yechipiri yatinokwanisa kuunza mufaro muhupenyu hwedu apo paakati, “Naizvzvo, ndakatanga kuva nechido chokuti mhuri yangu idyewo [muchero wacho]” (1 Nifai 8:12)

Mufananidzo
ruoko rumwe ruchiendesa muchero kune rumwe ruoko, nemuti uri kumashure

The Tree of Life, [Muti weUpenyu], naKazuto Uota

Kubatsira Vamwe Kuwana Rufaro

Kufanana nevanhu vaMambo Benjamini,“tinozadzwa nomufaro” apo tinogamuchira ruregerero rwezvivi zvedu uye tova “nemwoyo ine runyararo” (Mosaya 4:3). Tinounzwa zvakare apo patinotarisa kunze uye totsvaga kubatsira nhengo dzemhuri uye nevamwe kuti vagamuchire rufaro nerunyararao rumwecheterwo.

Semukomana wechidiki, Aruma akatsvaga mufaro muzvinhu zvose zvaipikisana nevhangeri raJesu Kristu. Mushure mokutsiudzwa nengirozi, akabva nokure kubva kune “zvinorwadza” kuenda kune “zvakanaka” kuburikidza nerutendeuko “ave pedyo nerufu” (Mosaya 27:28). uye nyasha dzeMuponesi zhinjisa. Mushure memakore mazhinji Aruma nemufaro mukurusa akazivisa kumwanakomana wake Hiramani:

“Uye waiva mufaro wakadii, uye chiedza chinoshamisa zvakadii chakandaona; hongu, mweya wangu wakazadzwa nemufaro waipfuura zvikurusa marwadzo angu!

“Hongu, uye kubvira panguva iyoyo kunyangwe kusvikira iyezvino, ndinoshanda ndisingamire, kuti ndigounza mweya murutendeuko; kuti vagoravira mufaro mukurusa uyo wandakaravira ini . …

“Hongu, uye zvino tarisa, mwanakomana wangu, Ishe vanondipa mufaro mukurusa muzvibereko zvemishando yangu;

“Nokuti nokuda kweshoko [vhangeri raJesu Kristu] iro ravakapa kwandiri, tarisa, vazhinji vakazvarwa muna Mwari, uye vakaravira sokukuravira kwandakaita” (Aruma 36:20, 24–26).

Pane imwe nguva, Aruma akapupura:

“Uku ndiko kubwinya kwangu, kuti zvimwe ndingave mudziyo mumaoko aMwari wekuunza mimwe mweya kurutendeuko; uye uyu ndiwo mufaro wangu.

“Uye tarisa, apo pandinona vazhinji vehama dzangu vachidemba zvechokwadi, uye vachiuya kuna Ishe Mwari vavo, zvino mwoyo wangu unobva wazadzwa nemufaro” (Aruma 29:9–10).

Aruma akaenderera mberi kuzivisa mufaro mukurusa waakanzwa apo vamwe pavakabudirira mukuunza mweya kuna Kristu:

“Asi handingofara nebudiriro yangu pachangu ndiri ndega, asi mufaro wangu wakanyanya kuzara nokuda kwebudiriro dzehama dzangu [vanakomana vaMosaya], avo vanga vari munyika yaNifai.

“Tarisai, vakashanda zvikurusa, uye vakaunza michero mizhinji; uye mubairo wavo uchava mukuru zvakadii!

“Zvino, apo pandinofunga nozvebudiriro yehama dzangu idzi mweya wangu unotakurwa, kunyangwe mukuparadzaniswa kwawo kubva kumuviri, sokudaro, ndiko kukura kwakaita mufaro wangu”(Aruma 29:14–16).

Tinowana mufaro mumwechetewo apo tinoda vamwe “nerudo rutsvene rwaKristu” (Moronai 7:47; onawo ndima 48), goverana chokwadi chakadzorerwa navo, uye, vakoke kuti vaungane pamwechete nevanhu vechibvumirano.

Mufananidzo
Muponesi muGetsemane.

O My Father (O Baba Vangu), naSimon Dewey

Mufaro Pakati peDambudziko

Hatifaniri kutya kuti miedzo nezvinetso izvo zvatinotarisana nazvo zvisingadziviriki muupenyu hwuno hwunofa zvinozotidzivira kana kuparadza mufaro wedu. Aruma aive uyo kushandira vamwe kusina undingoveni kwake kwauya nemutengo mukuru. Akatambura kuiswa mujere, nguva dzakareba dzenzara nenyota, kurohwa, tyisidziro kuupenyu hwake, uye kusekwa nokurambwa kwakawanda. Asi zvakadaro, zvose izvi “zvakamedzwa mumufaro waKristu” (Aruma 31:38). Pamwe kutambura kwaAruma kwakaita kuti mufaro wakazotevera uve mukurusa.

Mutungamiri Nelson vanotiyeuchidza kuti mufaro wakatora nechinhanho mukutambura kweMuponesi—“[Iye] wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake” (VaHeberu 12:2).

“Zvifungei izvozvo! Kuitira kuti Iye ashingirire chiitiko chinorwadzisisa zvikurusa chakati chamboshingirirwa panyika, Muponesi wedu vakanangisa pfungwa pamufaro!

“Uye waiva mufaro upi uyo wakamiswa pamberi Pake? Zvechokwadi waisanganisira mufaro wekutishanangura, wekutiporesa, uye wekutisimbisa, mufaro wekubhadhara zvivi zveavo vose vaizotendeuka, mufaro wekuita kuti zvikwanisike kwauri nekwandiri kudzokera kumusha—takachena uye takakodzera—kurarama neVabereki vedu Vokudenga uye nemhuri dzedu.

“Kana tikanangisa pfungwa pamufaro unozouya kwatiri, kana kuna avo vatinoda, chii chatinokwanisa kushingirira icho iyezvino zvinotaridzika sezvinotikunda, zvinorwadza, zvinotyisa, zvisina ruenzaniso, uye zvisingangokwanisiki?”2

Mufaro unogara uripo unouya kuburikidza nokushingirira muvhangeri raJesu Kristu uye nokubatsira vamwe kuita zvimwechetezvo. Mufaro usingaperi unouya apo patinogara murudo rwaMwari, tichiteerera mirairo Yavo uye tichigamuchira nyasha dzeMuponesi. Mugwara revhangeri,kune mufaro murwendo uyewo nemufaro kumagumo. Vhangeri raJesu Kristu ndiro gwara remufaro wamazuva ose.

Manotsi

  1. Russell M. Nelson, “Overcome the World and Find Rest,” Liahona, Mbudzi. 2022, 97.

  2. Russell M. Nelson, “Joy and Spiritual Survival,” Liahona,, Mbudzi. 2016, 83.