Riahona
Riahona
Kukadzi 2024


“Riahona,” Friend(Shamwari), Kukadzi. 2024, 26–27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2024

Riahona

Mufananidzo
alt text

Mifananidzo naAndrew Bosley

Ishe vakataurira Rihai kuti aende kunyika yechipikirwa nemhuri yake. Asi vaiva vasina chokwadi chokuti vaizosvikako sei.

Mufananidzo
alt text

Ishe vakapa Rihai chishandiso chakakosha. Chaiva chakafanana nekambasi. Chainongedzera nzira yavaifanira kuenda nayo. Vakaidaidza kuti Riahona.

Mufananidzo
alt text

Apo pavaichengeta mirairo, Riahona raishanda. Raivatungamirira kune zvokudya nokudziviriro. Asi apo pavaikakavadzana uye vasingateereri, chaimira kushanda.

Mufananidzo
alt text

Mhuri yaRihai yakatevera Riahona kuitira kuti vakwanise kusvika kunyika yechipikirwa. Kana tikasarudza izvo zvakanaka, Mwari Baba vanozotitungamirirawo.

Peji Yekuisa Ruvara

Ndinokwanisa kubhabhatidzwa Sezvakaitwa Jesu.

Mufananidzo
Alt text

Mufananidzo naAdam Koford

Ungagadzirira sei kubhabhatidzwa.