Riahona
Ndiri Kurarama Here “maererano neMutoo weMufaro?”?
Kukadzi 2024


Ndiri Kurarama Here “maererano neMutoo weMufaro’?,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kukadzi 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (reZveRusimbiso rweVechidiki) Kukadzi 2024

2 Nifai 5

Ndiri Kurarama Here “maererano neMutoo weMufaro?”?

Heano mamwe mazano okuti urarame nenzira yakataurwa naNifai kuti vanhu vake vairarama.

Mufananidzo
vechidiki

Mufananidzo naAlyssa Gonzalez

Mushure mokuparadzana navaRamani, Nifai akati vanhu vake “vakararama maererano nemutoo wemufaro” (2 Nifai 5:27). Tichifunga pamusoro pokuti kwaive nerimwe boka revanhu avo vaida kuvauraya (ona 2 Nifai 5:1–6, 14), izvo zvingagnova zvinoshamisa. Ndiani anokwanisa kuva anofara mumamiriro ezvinhu akadaro?

Chokutanga, cherechedza kuti “takararama maererano nemutoo wemufaro” hazvirevi kuti “muNifai woga woga aiva achifara nguva dzose.” Zvinoreva kuti vairarama nenzira iyo, uye vaiita zvinhu izvo kazhinji zvinotungamirira kurufaro. Tichitarisa pazvinhu zvose, zvisinei nezvinetso zvavo, yaivma nguva yemufaro.

Saka chii “mutoo wemufaro”? Tinokwanisa sei kuita zvimwechetezvo muhupenyu hwedu, uhwowo hwune zvinetso? Ngatizvikurukure!

  • Iva anoteerera. “Takacherechedza kuchengeta …mirairo yaIshe” (2 Nifai 5:10).

    Kurarama vhangeri idanho rokutanga. Unogona kumbofara kwechinguva chipfupi muzvivi, asi hazvigari. Kusateerera Mwari uchinyatsoziva hausi “mutoo wemufaro” (ona Aruma 41:10).

  • Nzvera Magwaro Matsvene. “Uye ini Nifai, ndakanga … ndaunza zvinyorwa zvakanga zvakavezerwa pamahwendefa endarira” (2 Nifai 5:12. “Isu … takazvinzvera uye tikaona kuti zvaiva zvakanaka zvikuru; hongu, kunyangwe kuti zvaikosha zvikurusa kwatiri” (1 Nifai 5:21) .

    Vanhu vaNifai vakanga vaine magwaro matsvene. Uye vaingosava nawo chete—vakaanzvera.

  • Teerera kuvatungamiriri vakafemerwa. “Ini, Nifai, ndakagadza Jakobo naJosefa, kuti vave vapirisita nevadzidzisi pamusoro … pavanhu vangu” (2 Nifai 5:26).

    Vadzidzisi ava vaishandisa magwaro matsvene senhungamiro yavo (ona 2 Nifai 4:15; 6:4).

  • Enda kutemberi.(nedzimwe nzvimbo tsvene). “Ini, Nifai, ndakavaka temberi” (2 Nifai 5:16).

    Zvakakosha kuva nenzimbo tsvene zvakaita sedzimba dzokusanganira uye matemberi okuti vadzidzi vaungane uye vanamate. (Tinokwanisa kufungidzira kuti vaNifai vaingosava netemberi chete—vaiishandisa pachokwadi.) Kana usingakwanisi kuenda kutemberi iwe pachako, unokwanisa kuita basa renhorondo yemhuri.

  • Shanda nesimba. “Ndakadzidzisa vanhu vangu kuvaka zvivako, uye kushanda. … [Ini] ndakaita kuti vanhu vangu vave vanhu vanoshanda zvikuru, uye kuti vashande nemaoko avo” (2 Nifai 5:15, 17).

    Chikamu “chemutoo wemufaro” ndechekuva nechimwe chinhu chokuita. Chiito, musevenzo, basa—chimwe chinhu chinokupa nangiso uye chinangwa (uine nguva yakakodzera yokuzorora). Zvakaoma kufara kana usina chaurikuita nguva dzose.

Unokwanisa here parizvino uri kurarama maererano nemutoo wemufaro? Kana usingakwanisi, pamwe muenzaniso waNifai unokwanisa kukupa mamwe mazano ekuti ungazvinatsurudza sei.