Riahona
Muponesi waVose, Vhangeri raVose
Kurume 2024


“Muponesi waVose, Vhangeri raVose,” Liahona, Kurume. 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Kurume 2024

Muponesi waVose, Vhangeri raVose

Vhangeri, Rudzikinuro, uye neKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu Kunoropafadza Vana Vose vaMwari.

Mufananidzo
Kristu nemurume wakafa mutezo

Christ and the Palsied Man [Kristu neMurume Wakafa Mutezo], naJ. Kirk Richards, ngausave unokopwa

Vhangeri raJesu Kristu rakadzorerwa ndiro, rokutanga, rokutangisisa, uye nariinhi nariinhi, jerero rerufaro , rugare rwechokwadi, uye rudekaro rusingaperi rwemunhu wose mumazuva ano ekupedzisira. Maropafadzo anoerera kubva muvhangeri uye kubva mumabasa emutsa aKristu aya asina muganhu haana kumboitirwa chete vashoma vakasarudzwa, chinyakare kana munguva dzino.

Zvisinei nokuti tinganzwa tisina kukodzera zvakadii, uye zvisinei nezvivi zvingangotiswededza kure Naye kwechinguvana, Muponesi wedu anotivimbisa kuti “anotambanudzira mberi maoko ake [kwatiri] muswere wose” (Jakobo 6:4), achitikoka kuti tiuye kwaari uye tinzwe rudo Rwake.

Maropafadzo eVhangeri eNyika Yose.

Vhangeri raJesu Kristu “rakadzorerwa mumazuva ano ekupedzisira kuti rizadzikise … zvidikanwi zvedzose ndudzi, hama, ndimi, uye vanhu vose panyika.”1 Vhangeri rinoshanda kuvanhu verudzi rwose uye neganda rose richiyambuka miganhu yese yetsika nemagariro richidzidzisa kuti “vose vakafanana naMwari” (2 Nifai 26:33).2 Bhuku raMormoni rinomira sechapupu chinoshamisa chechokwadi ichi.

Chinyorwa chikuru ichi chinopupura kuti Kristu anorangarira marudzi ose (ona 2 Nifai 29:7) uye anozozviratidza “iye pachake kune avo vose vanotenda maari, … [uye woita] zvishamiso, zviratidzo, uye zvikahadzo zvikuru, pakati pavana vevanhu” (2 Nifai 26:13). Pakati pezvishamiso, zviratidzo, nezvikahadzo zvikuru izvi ndipo pane kuparadzirwa kwevhangeri. Nokudaro, tinotuma vashumiri napanyika pose kuti vapupure nezve nyaya yakanaka yaro. Tinogoveranawo vhangeri neavo vakatipoteredza. Kushandiswa kwemakiyi ehupirisita akadzorerwa kuvapenyu uye navakafa kunoita chokwadi chokuti kuzara kwevhangeri pokupedzisira kuvepo kumwanakomana uye mwanasikana woga woga wevabereki vedu vokudenga—wakare, wanhasi, kana wenguva inotevera.

Mwoyo wevhangeri iyi—shoko guru remuporofita nemuapositora woga woga akambodaidzwa kubasa iri—nderekuti Jesu ndiye Kristu uye kuti Akauya kuzoropafadza munhu wese. Senhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinozivisa kuti kuzvipira Kwake kwerudzikinuro ndekwenyika yose.

Kudikanwa kweRudzikinuro Rwusina Muganhu uye Rwokusingaperi

Pandinotenderera napanyika pose, ndinoita hurukuro nenhengo dzakasiyana siyana dzeChechi. Ndinofemerwa kuti ndinzwe manzwiro avanoita maropafadzo eRudzikinuro rwaJesu Kristu muhupenyu hwavo, kunyangwe apo pavanoreurura chimwe chivi chekare. Zvakanaka sei kuti nyaradzo inoshanangura yeRudzikinuro Rwake inowanikwa kwatiri tose nguva dzose!

“Kunofanira kunge kuine rudzikinuro runoitwa,” Amureki akataura, “nokuti dai zvisina kudaro vanhu vose vaifanira kuparara zvisingadzivisiki.” Tingadai takava “vakapunzika uye … nokurashika … nariinhi kunze kwokunge kwaizova kuburikidza nerudzikinuro,” urwo rwaida “kuzvipira kusina muganhu uye kwokusingaperi.” Nokuti “hakukwanisi kuva nechimwe chinhu chiri pasi perudzikinuro rwusina muganhu chinozova chakakwana kuripira zvivi zvenyika” (Aruma 34:9, 10, 12).

Muporofita mukuru Jakobo akadzidzisawo kuti nokuda kwekuti “rufu rwakapfuura napamusoro pemunhu wese, … kunofanira kuva nesimba rekumuka kuvakafa” kuti ritiunze pamberi paMwari (2 Nifai 9:6).

Zvese chivi nerufu zvaifanira kuti zvive zvinokundwa. Iri ndiro raiva basa reMuponesi, iro raAkapedza noushingi kuitira vana vose vaMwari.

Mufananidzo
Kristu muGetsemani

Gethsemane (Getsemani), naJ. Kirk Richards, ngausava unokopwa

Kuzvipira kweMuponesi Wedu

Pausiku Hwake hwekupedzisira muhupenyu hwunofa, Jesu Kristu akapinda mubindu reGetsemani. Imomo, Akapfugama pakati pemiti yemiorovhi uye akatanga kudzika muudzamu hwemarwadzo makurusa ayo iwe neni atisingazombofi takaziva.

Imomo, Akatanga kutora paAri zvivi zvenyika. Akanzwa marwadzo ose, kurwadza kwemwoyo kwose, uye norusuwo rukuru rwose, uye Akatsungirira kurwadziwa kukurusa kwose uye kutambudzika kwose kunonzwikwa newe, neni, uye nemunhu wose akamborarama kana anozomborarama. Kutambura kukuru uku uye kusina muganhu “kwakamukonzera [Iye], … mukurusa kuna vose, kudedera nokuda kwamarwadzo, uye kubuda ropa nepamaburi ose eganda” (Dzidziso neZvibvumirano 19:18). Iye Chete ndiye aikwanisa kuita izvi.

Paiva pasina umwezve aikodzera

Kuripira mubairo wechivi.

Ndiye chete aikwanisa kuzarura suo

Rokudenga kuti tipinde.3

Jesu zvino akaendeswa kuKarivhari, uye munguva yakashata zvikurusa isina kururama munhoroondo yenyika ino, Akarovererwa pamuchinjikwa. Hapana akakwanisa kutora upenyu Hwake kubva kwaAri. SeMwanakomana Wakaberekwa Mumwechete waMwari, Akanga anesimba pamusoro perufu rwepanyama. Angadai akanyengetera kuna Baba Vake, uye mauto engirozi angadai akauya kuzokunda vatambudzi vake uye kuratidza hukuru Hwake pazvinhu zvose. “Asi zvino magwaro angazadzikiswe sei,” Jesu akabvunza pakupandukirwa Kwake , “kuti zvinofanira kuva zvakadaro?” Mateo 26:54

Nokuda kwekuteerera kwakarurama kuna Baba Vake—uye rudo rwakarurama kwatiri—Jesu akapa hupenyu Hwake nokuzvidira uye akapedza kuzvipira kwerudzikinuro Kwake kusina muganhu uye kwokusingaperi, uko kunosvika kumashure munguva uye mberi nemukusingaperi kwose.

Kukunda kweMuponesi Wedu

Jesu akatuma vaApositora Vake kuti vaenderere mberi nebasa rake mushure mekufa Kwake. Vaizozviita sei? Vakati wandei vavo vaingova vabati vehove zvavo, uye hapana akanga akadzidziswa mumasinagoge ohushumiri. Panguva iyoyo, Chechi yaKristu yaiita seyakananga kurutsakatiko. Asi vaApositora vakawana simba rekutambira mutoro wedaidzo yavo uye kuumba nhoroondo yenyika.

Chii chakakonzera simba kuti riuye kubva muutera hwaiva pachena kudaro? Mutungamiriri wechechi yeAnglican uye nyanzvi yemabhuku Frederic Farrar akati: “Pane imwechete, uye imwechete bedzi mhinduro ingavepo iyo inova—kumuka kuvakafa kubva kuvakafa. Shanduko hukurusa yese iyi yakakonzerwa nesimba rekumuka kuvakafa kwaKristu.”4 Sezvapupu zvaIshe vakamuka, vaApositora vaiziva kuti hapana chaigona kumisa basa iri kubva mukufambira mberi. Uchapupu hwavo hwakanga huri manyuko esimba rinotsigira apo Chechi yokutanga payaikunda zvimhingamupinyi zvose.

Mwaka uno weIsita, semumwe wezvapupu Zvake zvakagadzwa, ndinozivisa kuti mamwe mangwanani gwanani akanaka eSvondo, Ishe Jesu Kristu akamuka kubva murufu kuti atisimbise uye agure zvisungo zverufu zvemunhu wese. Jesu Kristu mupenyu! Nokuda Kwake, rufu harusirwo magumo edu. Kumuka Kuvakafa chipo chaKristu chisina mutengo uye chemunhu wose.

Mufananidzo
Kristu naMaria Magadharena pabwiro

Christ and Mary at the Tomb [Kristu naMaria paBwiro], naJoseph Brickey

Uyai kuna Kritsu

Vhangeri neRudzikinuro zvaJesu Kristu ndezvemunhu wese— kureva kuti, munhu mumwe nomumwe. Nzira chete yatinowana nayo maropafadzo akazara ekuzvipira kwerudzikinuro kweMuponesi ndeyokuti munhu pachake atambire kokero Yake yokuti: “Huyai kwandiri” (Matthew 11:28).

Tinouya kuna Kristu apo patinoshandisa rutendo maari uye totendeuka. Tinouya kwaAri apo patinobhabhatidzwa muzita Rake uye totambira chipo cheMweya Mutsvene. Tinouya kwaAri apo patinochengeta mirairo, nokutambira zvisungo, nokuremekedza zvibvumirano, nokugamuchira zviitiko zvemutemberi, uye nokurarama hupenyu uhwo vadzidzi vaKristu hwavanorarama.

Dzimwe nguva, unozosangana nekushaya tariro uye kuora mwoyo. Mwoyo wako unogona kurwadzira iwe kana mumwe munhu waunoda. Unogona kuremerwa nezvivi zvevamwe. Zvikanganiso zvawakaita—pamwe izvo zvakakomba— zvinogona kukukonzera kuti utye kuti runyararo nemufaro zvakusiya nokusingaperi. Panguva dzakadaro, yeuka kuti Muponesi haangosimudzi mutoro wechivi chete asiwo “akatambura nemarwadzo nematambudziko nemiedzo zvemarudzi ose” (Aruma 7:11), kusanganisira zvako! Nokuda kwezvaakatambura nazvo kuitira iwe, Anoziva iye pachake nzira yekukubatsira nayo apo paunotambira kukoka Kwake kunoshandura hupenyu kwokuti: “ Huya kwandiri.”

Vose Vanogamuchirwa

Jesu Kristu akajekesa kuti vana vose vaBaba Vokudenga vane kodzero yakaenzana pamaropafadzo evhangeri neRudzikinuro Rwake. Anotiyeuchidza kuti vose “vane mukana wakafanana kune wemumwe, uye hapana anorambidzwa” (2 Nephi 26:28).

“Anovakoka vose kuti vauye kwaari uye vawane runako rwake; uye kuti hapana anouya kwaari waanoramba, mutema nemuchena, musungwa uye akasununguka, murume nemukadzi ” (2 Nifai 26:33).

“Anovakoka vese”—kureva kuti tese! Hatifaniri kuisa rupawo rwepamusoro rwekuzvitsaura uye misiyano yemanyepo patiri isu pachedu kana pane vamwe. Hatifaniri kumboisa zvidziviriro kurudo rweMuponesi kana kukurudzira pfungwa dzekuti haAkwanise kusvika kwatiri kana kune vamwe. Sezvandambotaura kare, “Hazvikwanisiki kuti [munhu upi zvake] adzikire pasi kudarika kubwinya kwechiedza chisina muganhu cheRudzikinuro rwaKristu.”5

Pane kudaro, sekudzidzisa kwakaita Sista Holland neni mwedzi mishoma vasati vafa, tinorairwa kuti “tive nerudo rwakadzama, urwo rwunova rudo rwaKristu” (2 Nephi 26:30).6 Urwu ndirwo rudo urwo Muponesi rwaanotiratidza, nokuti “Hapana chaanoita kunze kwekunge chiri chinozoyamura nyika; nokuti iye anoda nyika, kunyangwe zvokuti akaisa upenyu hwake pasi kuitira kuti agokwevera vanhu vose kwaari” (2 Nifai 26:24).

Ndinopupura kuti vhangeri neRudzikinuro zvaJesu Kristu ndezvemunhu wose. Ndinonamata kuti muchagamuchira nemufaro maropafadzo aAnounza.

Manotsi

  1. Howard W. Hunter, “The Gospel—A Global Faith,” Ensign, Mbudzi. 1991, 18.

  2. Ona Howard W. Hunter, “All Are Alike unto God” (Brigham Young University fireside, Kukadzi. 4, 1979), 1– 5, speeches.byu.edu.

  3. There Is a Green Hill Far Away,” Hymns, no. 194.

  4. Frederic W. Farrar, The Life of Christ (1994), 656

  5. Jeffrey R. Holland, “The Laborers in the Vineyard,” Liahona, Chivabvu 2012, 33

  6. Ona Jeffrey R. and Patricia T. Holland, “A Future Filled with Hope” (munamato wepasi rose wevakuru vechidiki, Ndira. 8, 2023), broadcasts.ChurchofJesusChrist.org