Riahona
Jakobo naNifai Vakaona Jesu
Kurume 2024


“Jakobo naNifai Vakaona Jesu,” Friend (Shamwari), Kurume 2024, 26–27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari) Kurume 2024

Jakobo naNifai Vakaona Jesu

Mufananidzo
alt text

Mifananidzo naAndrew Bosley

Jakobo aiva munin’ina waNifai. Akaberekwa mushure mokunge mhuri yavo yasiya Jerusarema. Jakobo akauya kunyika yechipikirwa ari mwana mudiki.

Mufananidzo
alt text

Jakobo naNifai vose vakaona Jesu Kristu. Vakagoverana zvapupu zvavo nemhuri dzavo kuti zvivabatsire kudzidza pamusoro paJesu.

Mufananidzo
alt text

Vakagoverawo mashoko emuporofita Isaya. Isaya akanga aonawo Jesu uye akanyora pamusoro Pake mumagwaro matsvene. Jakobo naNifai vakashandisa mashoko aIsaya kubva mumagwaro matsvene kudzidzisa mhuri dzavo pamusoro paJesu.

Mufananidzo
alt text

Vakadzidzisa kuti Jesu aizouya panyika. Aizofa uye orarama zvakare. Vakagovera uchapupu hwavo nezvaJesu kuitira kuti mhuri dzavo dzigotarisira kuuya Kwake.

Peji Yekuisa Ruvara

Jesu Ndiye Muponesi Wedu.

Mufananidzo
alt text here

Mufananidzo naAdam Koford

Ndiriinhi waunonzwa rudo rwaJesu?