Riahona
For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki): Shoko reMuponesi Kwauri
Kurume 2024


“For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki): Shoko reMuponesi Kwauri,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kurume. 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kurume 2024

For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki): Shoko reMuponesi Kwauri

Nhungamiro iyi inokubatsira kubatanidza sarudzo dzako kuna Jesu Kristu nedzidziso yake.

Mufananidzo
Jesu Kristu

I Stand at the Door and Knock [Ndinomira paMukova uye Ndogogodza], naJ. Kirk Richards

Fungidzira kuti uri kugara muGarirea yechinyakare, makore 2,000 akapfuura. Iwe neshamwari dzako makokwa kumunamato wevechidiki musinagoge romunzvimbo menyu, kuine mutauri anokosha: Jesu weNazareta. Uye pane imwe nguva mushoko Rake, Jesu anokoka vechidiki muvateereri kuti vaMubvunze mibvunzo.

Ingava mibvunzo yerudzi rwupi yaunofunga kuti unganzwa?

Ndinofunga imwe mibvunzo inozotaridza tsika nemagariro uye mamiriro ezvinhu enguva iyoyo. Asi chokwadi ndinovimba kuti mizhinji yacho inganzwikwa zvakanyanya semibvunzo yatinayo nhasi.

Semuenzaniso, muTestamente Itsva, vanhu vaibvunza Muponesi mibvunzo yakaita seiyi:

  • Chii chandinofanira kuita kuti ndiwane hupenyu hwokusingaperi?1

  • Ndinogamuchirwa here? Ndiri wepano here?2

  • Kana hama yangu ikanditadzira, ndingamuregerera kangani?3

  • Chii chichaitika kunyika ino munguva irikutevera? Ndichange ndakachengetedzeka here?4

  • Unokwanisa kuponesa mudikanwi wangu here?5

  • Chii chinonzi chokwadi?6

  • Ndinoziva sei kuti ndiri kueda nenzira kwayo?7

Hatisi tose here tinoshamisika nechinhu chimwechete ichi nguva nenguva? Kwemazana emakore, mibvunzo iyi haina kushanduka zvakanyanya. Uyewo kana nenyasha dzeMuponesi kune avo vanoibvunza. Anoziva manetsero uye kuvhiringidza kunomboita upenyu. Anoziva kuti zvirinyore sei kuti titsauke kubva munzira yedu. Anoziva kuti tinotambudzika dzimwe nguva nokuda kweramangwana. Uye Anoti kwauri neni, sezvaAkataura kuvateveri Vake kare kare:

  • “Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika.”8

  • “Ndini nzira [uye] nezvokwadi.”9

  • “Nditeverei.”10

Kana uine sarudzo dzakakosha dzekuita, Jesu Kristu uye vhangeri Rake rakadzorerwa ndiyo sarudzo yakanakisa. Kana uine mibvunzo, Jesu Kristu uye vhangeri Rake rakadzorerwa ndiyo mhinduro yakanakisa.

Uku ndiko kusaka ndichida For the Strength of Youth: A Guide to Making Choices (ZveRusimbiso rweVechidiki: Nhungamiro Kuita Sarudzo). Inotinongedzera kuna Jesu Kristu kuitira kuti tigokwanisa kugamuchira simba Rake. Ndinochengeta kopi muhomwe mangu nguva dzose. Pandinosangana nevanhu napanyika pose avo vanoda kuziva kuti sei isu, senhengo dzeChechi yaJesu Kristu, tichiita zvatinoita, ndinogoverana navo nhungamiro iyi.

For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki): inodzidzisa zvokwadi zvokusingaperi pamusoro peMuponesi nenzira Yake. Inokukoka kuti uite sarudzo dzinoenderana nezvokwadi izvi. Uye inogovera maropafadzo akavimbiswa ayo aAnotambanudzira kune avo vanomutevera. Ndapota verenga, fungisisa, uye govera nhungamiro iyi.

Mukoke Apinde

Jesu Kristu anoda kuva chikamu chehupenyu hwako—huvepo hwenguva dzose, zuva nezuva, munguva dzakanaka nedzakaipa. Haasi akangomira kumagumo enzira, achimirira kuti ubatane Naye. Anozofamba newe nhanho dzose dzenzira. Iye ndiye Nzira!

Asi haAzozvimanikidziri kupinda muhupenyu hwako. Unomukoka kuti apinde, kuburikidza nesarudzo dzako. Ichi ndicho chikonzero icho nhungamiro yokuita sarudzo, yakaita seStrength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), yakakosha zvakadaro. Nguva yose yaunoita sarudzo yakarurama yakavakirwa pachokwadi chokusingaperi cheMuponesi, unoratidza kuti unoMuda muhupenyu hwako. Sarudzo idzodzo dzinozarura masuo ekudenga, uye simba Rake rinouya richidururika muhupenyu hwako.11

Ita Rubatanidzo Rwakasimba

Unogona kuyeuka kuti Muponesi akaenzanisa avo vanonzwa uye nekuita mashoko Ake kumurume akachenjera uyo “akavaka imba yake paruware.” Akatsanangura:

“Mvura ikanaya, uye mvura zhinji ikavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakateyirwa paruware.”12

Imba haiponi mudutu nokuda kwekuti imba yacho yakasimba. Haiponiwo nokuda kwekungoti ruware rwacho rwakasimba. Imba yacho inopona mudutu nokuda kwokuti yakabatanidzirwa zvakasimba kuruware urwo rwakasimba. Isimba rekubatanira kuruware rinokosha.

Saizvozvowo, patinovaka hupenyu hwedu, zvakakosha kuita sarudzo dzakanaka. Uye zvakakosha kunzwisisa chokwadi chokusingaperi choMuponesi. Asi simba ratinozoda kuti tikurire matutu ehupenyu rinouya apo patinobatanidza sarudzo dzedu naJesu Kristu nedzidziso Yake. Izvi ndizvo izvo For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) zvainotibatsira kuita.

Somuenzaniso, shamwari dzako dzingaziva kuti unoedza kusashandisa mutauro unogumbura kana kuti unorwadza pamwoyo. Vanogona kukuona uchitambanudza ruoko kumwana kuchikoro uyo vanhu vazhinji wavanongofuratira kana kunyangwe wavanoshungurudza. Asi vanoziva here kuti unoita sarudzo idzi nokuda kwokuti Jesu Kristu akadzidzisa kuti “vanhu vose ihama dzako—kusanganisira … vanhu vakasiyana newe”?13

Shamwari dzako dzingangoziva kuti unoenda kuchechi musi weSvondo woga woga. Vanogona kuona apo paunodzima rumwe rumbo kana kuramba kokero yekuona rimwe bhaisikopo. Asi vanoziva here kuti unoita sarudzo idzi nokuda kwokuti une “hukama hwechibvumirano hunofadza naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu,” uye kuti sechikamu chekuzvipira ikoko kutevera Muponesi, unovonga “nokuva neMweya Mutsvene seshamwari yako yenguva dzose”?14

Vanhu vangaziva kuti haunwi doro kana kuputa fodya kana kushandisa zvimwe zvinodhaka zvinokuvadza. Asi vanoziva here kuti unoita sarudzo idzi nokuda kwokuti Jesu Kristu akadzidzisa kuti “muviri wako unoera,” “chipo chinoshamisa kubva kunaBaba vako Vokudenga,” wakagadzirwa mumufananidzo Wavo?15

Shamwari dzako dzingaziva kuti hauzobiridziri kana kunyepa uye kuti unokoshesa dzidzo. Asi vanoziva here kuti izvi imhaka yokuti Jesu Kristu akadzidzisa kuti “chokwadi chinozokusunungura”?16

Kupfuura zvose, shamwari dzako dzinoziva here kuti unoita sarudzo idzi dzisingafarirwi dzimwe nguva kuitira kuti urambe wakatendeka kumitemo yaKristu nokuda kwokuti unoziva kuti “Jesu Kristu ndiro simba rako”?17

Ndiye Simba Rako

Ndinokupa uchapupu hwangu hwechokwadi hwekuti Jesu Kristu ndiyo Nzira yeramangwana rakajeka uye rakanakisisa—ramangwana rako. Uye Ndiyewo Nzira yeranhasi rakajeka uye rakanakisisa. Famba munzira Yake, uye Iye anozofamba newe. Unogona kuzviita izvi!

Shamwari dzangu dzechidiki dzinodikanwa, Jesu Kristu ndiye simba renyu. Rambai muchifamba Naye, uye Anozokubatsirai kukwira kumusoro soro “nemapapiro semakondo”18 makananga kumufaro wokusingaperi waAkugadzirirai.