Magwaro Matsvene
1 Nifai 10


Chitsauko 10

Rihai anofembera kuti maJuda achatorwa muusungwa nemaBabironi—Anotaura nezvekuuya kwaMesia, Muponesi, Mununuri pakati pemaJuda—Rihai anotaurawo nezvekuuya kwemumwe achabhabhatidza Gwayana raMwari—Rihai anotaura nezvekufa nekumuka kwaMesia—Anofananidza kupararira nekuungana kwaIsraeri pamuti wemuorivhi—Nifai anotaura nezveMwanakomana waMwari, nezvechipo cheMweya Mutsvene, nezvekudikanwa kwetsika dzakatwasanuka. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ini Nifai, ndoenda mberi kukupai nezvemafambiro angu pamahwendefa aya, nekutonga kwangu nehufundisi hwangu; nokudaro; kuti ndifambire mberi nenyaya yangu, ndakafanira kutaura nezvezvinhu zvababa vangu, nezvevakoma vanguwo.

2 Nokuti tarisai, zvakaitika kuti mushure mekunge baba vangu vapedza kutaura mazwi ehope dzavo, nokuvakuridzirawo kushanda nesimba rose, vakataura navo pamusoro pemaJuda—

3 Kuti mushure mekunge vaparadzwa, kana guta guru riya reJerusarema, uye vazhinji vachatakurwa dzave nhapwa kuBabironi, maererano nenguva yasvika yaIshe, vachadzoka zvakare, hongu, kana kutodzoswa vachiburitswa muutapwa; uye mushure mekunge vadzorwa vachiburitswa muutapwa vachatora zvakare nyika yenhaka yavo.

4 Hongu, kunyangwe mazana matanhatu emakore kubvira panguva yakabva baba vangu kuJerusarema, muporofita achamutswa naIshe Mwari pakati pemaJuda—kana Mesia, kana nemamwe mazwi, Muponesi wenyika.

5 Uye akataurawo maererano nevaporofita, kuti uzhinji hwavo hwakapupura sei pazvinhu izvi, maererano naMesia uyu, wavakange vataura nezvake, kana uyu Mununuri wenyika.

6 Nokudaro, marudzi ose evanhu akange ari mukurasika nekupunzika, uye aizogara akadaro narinhi kunze kwekunge vavimba neMununuri uyu.

7 Uye akataurawo maererano nemuporofita aizouya Mesia asati auya, kuti azogadzira nzira yaIshe—

8 Hongu, kana iye achaenda achinochema ari murenje: Gadzirai nzira yaIshe, muite kuti nzira dzake dzitwasanuke; nokuti pakati penyu pamire mumwe wamusingazive; uye mukuru kwandiri, tambo dzeshangu dzake dzandisingakodzere kusunungura. Uye baba vangu vakataura zvizhinji maererano nechinhu ichi.

9 Uye baba vangu vakati achabhabhatidza muBetebara, mhiri kweJordani; uye vakatiwo achabhabhatidza nemvura; uye nokuti achabhabhatidza Mesia nemvura.

10 Uye mushure mekunge abhabhatidza Mesia nemvura, anofanira kutarisa uye agoona kuti abhabhatidza Gwayana raMwari, richabvisa zvitadzo zvenyika.

11 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge baba vangu vataura mazwi aya vakataura kuvakoma vangu maererano nevhangeri rakafanira kuparidzwa pakati pemaJuda, nemaereranowo ekuderera kwemaJuda mukusatenda. Uye mushure mekunge vauraya Mesia, uyo achauya, uye mushure mekunge auraiwa achamuka mukufa, uye agozviratidza, neMweya Mutsvene, kumaJentairi.

12 Hongu, kunyangwe baba vangu vakataura zvikuru maererano nemaJentairi, uye maereranowo nezvemba yaIsraeri, kuti vafananidzwe nemuti wemuorivi, uyo une mapazi achatyorwa agoparadzirwa nenyika yose.

13 Nokudaro, akati zvakafanira kuti titungamirirwe kunyika yechipikirwa tiine chibvumirano chimwechete, mukuzadzikisa shoko raIshe, rokuti tipararire pasi pose.

14 Uye mushure mekunge imba yaIsraeri yapararira vachaunganidzwa pamwechete zvakare; kana kuti, muchidimbu, mushure mekunge maJentairi atambira kuzara kweVhangeri, mapazi emuti wemuorivi, kana kuti vakasara vemba yaIsraeri, vanobatanidzwa, kana kuti vanozove neruzivo rwaMesia wechokwadi, Ishe vavo neMununuri wavo.

15 Uye netsika yemutauro uyu baba vangu vakaporofita uye vakataura kuhama dzangu, nezvimwewo zvinhu zvakawanda zvandisinganyore mubhuku rino; nokuti ndakanyora zvizhinji zvacho zvandaiona zvakakodzera mune rimwe bhuku rangu.

16 Uye zvose zvinhu izvi, izvo zvandataura nezvazvo, zvakaitwa apo baba vangu vakange vachigara mutende, munhika raRemueri.

17 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge ini Nifai, ndanzwa ose mazwi ababa vangu, maererano nezvinhu zvavakaona muchiratidzo, nezvinhuwo zvavaitaura nesimba reMweya Mutsvene, riri simba ravakatambira pamusoro perutendo muMwanakomana waMwari—uye Mwanakomana waMwari ndiye aive Mesia aizouya—ini Nifai, ndaidawo kuti dai ndaona, uye ndanzwa, nokuziva zvinhu izvi, nesimba reMweya Mutsvene, chinova chipo chaMwari kune avo vose vanomutsvaka nesimba, munguva dzekare nemunguva dzaachazviratidza pachake kuvana vevanhu.

18 Nokuti ndiye mumwecheteyo wanezuro, nhasi, nokusingaperi; uye nzira yakagadzirirwa vose vanhu kubvira pakutanga kwenyika, kana vakave vanotendeuka vakauya kwaari.

19 Nokuti uyo anotsvaka nesimba achawana; uye zvakavanzika zvaMwari vachazvipfudzunurirwa, nesimba reMweya Mutsvene, munguva dzino sezvemunguva dzakare, uye semunguva dzakare nemunguva dzichauya; nokudaro, nzira yaIshe inogara yakadaro nokusingaperi.

20 Saka rangarira iwe munhu, pazviito zvako zvose uchaunzwa mukutongwa.

21 Nokudaro, kana waitsvaka kuita zvakaipa mumazuva ako ekuedzwa, zvino unowanikwa usina kuchena pamberi pechigaro chekutonga chaMwari; uye hakuna chinhu chisina kuchena chingagare naMwari; nokudaro, unofanirwa kuti uraswe zvachose.

22 Uye Mweya Mutsvene uri kundipa simba rekuti nditaure zvinhu izvi, uye ndisazviregere kwete.