Magwaro Matsvene
1 Nifai 20


Chitsauko 20

Ishe vanoratidza zvavanoda kuita kuna Israeri—Israeri akasarudzwa muchoto chematambudziko uye achaenda achibva muBabironi—Enzanisai naIsaya 48. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati azvarwa.

1 Teererai munzwe izvi, imi vemba yaJakobo, munodaidzwa nezita raIsraeri, uye mauya kubva mumakungwa aJuda, kana mabuda mumvura yerubhabhatidzo, munopika nezita raIshe, uye muchitaura nezvaMwari vaIsraeri, asi vasingapike muchokwadi kana mukururama.

2 Zvakadaro, vanozvidaidza kuti ndeveguta dzvene, asi havaite kuti vagare vari munaMwari vaIsraeri, avo vanove ndivo Mwari veMauto; hongu, Mwari veMauto ndiro zita ravo.

3 Tarisai, ndakazvitaura zvinhu izvi kubvira pakutanga; uye zvakabuda zvichibva mumuromo wangu, uye ndikavaratidza. Ndikaerekana ndavaratidza.

4 Uye ndakazviita nokuti ndaiziva kuti iwe une nharo, uye mutsipa wako irunda resimbi, uye mhanza yako indarira;

5 Uye kana kubvira pakutanga ndakataura kwauri; zvisati zvaitika ndakakuratidza kwavari; uye ndakavaratidza pamusana pekutya kuti pamwe waizoti—Chimufananidzo changu ndicho chazviita, uye mufanidzo wangu wakavezwa, uye mufananidzo wangu wakaumbwa ndiwo wataura.

6 Waona ukanzwa zvose izvi; uye hamuzvitaure here? Uye nokuti ndakuratidza zvinhu zvitsva kubvira panguva ino, kana zvinhu zvakavanda, uye iwe wange usingazvizive.

7 Zvakasikwa iye zvino, uye kwete kubvira pakutanga, kana muzuva rawakange usati wazvinzwa zvakange zvatotaurwa kwauri kare, pamwe ungazoti—Tarisai ndaizviziva.

8 Hongu, uye hauna kunzwa; hongu, hawaiziva; hongu, kubvira panguva iyo nzeve dzako hadzina kuvhurwa; nokuti ndaiziva kuti waizoita nekunyengedza kukuru, uye wakadaidzwa kunzi mutadzi kubva uri munhumbu.

9 Zvisinei pamusana pezita rangu ndinombomisa kushatirwa kwangu, uye pamusoro pekurumbidzwa kwangu ndombobva kwauri, kuti ndisazokudimbura.

10 Nokuti tarisai, ndakakunatsa, ndakakusarudza muchoto chemoto wedambudziko.

11 Kuzviitira ini, hongu, nenzira yangu ini ndichazviita izvi, nokuti handizobvumira zita rangu kuti risvibiswe, uye handizopa mbiri yangu kune mumwe.

12 Teerera kwandiri Jakobo, newe Israeri wakadaidzwa wangu, nokuti ndini iye; ndini wekutanga, uye ndiniwo wekupedzisira.

13 Ruoko rwangu ndirwowo rwakaisa hwaro hwepasi, uye ruoko rwangu rwerudyi ndirwo rwakasika matenga. Ndinozvidaidza uye zvichimira pamwechete.

14 Mose imi unganai pachenyu, uye munzwe; ndiani pakati pavo akataura zvinhu izvi kwavari? Ishe akamuda; hongu, achazadzikisa shoko rake raakataura nekwavari; uye achaita zvinomufadza neBabironi, uye ruoko rwake rwuchauya pamusoro pemaKardea.

15 Zvekare Ishe vanoti; ini Ishe, hongu, ndakataura; hongu, ndikamudaidza kuti ataure, ndakamuunza, uye achaita nzira yake ibudirire.

16 Uyai imi pedyo neni; handina kutaura muruvande; kubvira pakutanga, kubvira panguva yazvakataurwa pachena ndakataura; uye Ishe Mwari, neMweya wavo, vakatuma ini.

17 Uye ndiko kutaura kwaIshe, Mununuri wenyu, Mutsvene waIsraeri; Ndavatuma, Ishe Mwari venyu vanokudzidzisai kuwana, vanokutungamirirai nemunzira yamakafanira kuenda nayo, vazviita.

18 Dai makateerera mirairo yangu—zvino runyararo rwenyu rwungadai rwakaita serwizi, uye kururama kwenyu kwakaita semasaisai egungwa.

19 Mbeu yenyuwo ingadai yakaita sejecha; zvizvarwa zveura hwenyu setsanza; zita rake haraifanira kunge rakabviswa kana kuparadzwa kubva pamberi pangu.

20 Endai imi veBabironi, tizai kubva kumaKardea, nezwi rekuimba daidzirai, taurai izvi, taurai kusvika kumuganhu wenyika; itii: Ishe vanunura muranda wavo Jakobo.

21 Uye havana kunzwa nyota; vakavatungamirira mugwenga; vakavaitira kuti mvura iyerere ichibva mudombo; vakatsemurawo dombo uye mvura dzikadhubhuka.

22 Uye kana dai zvazvo vakaita zvose izvi, nezvimwe zvikuruwo kupfuura izvi, hakuna runyararo, vanodaro Ishe, kune vakaipa.