Magwaro Matsvene
3 Nifai 27


Chitsauko 27

Jesu anovaraira kuti vadaidze Chechi muzita rake—Basa rake nomupiro wake wokudzikinura ndiro shoko rake—Vanhu vanorairwa kuti vatendeuke nokubhabhatidzwa kuti vagotsveneswa neMweya Mutsvene—Vakafanira kuva saJesu. Zvingangove makore 34 kusvika ku35 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti vadzidzi vaJesu zvavaifamba vachiparidza zvinhu zvavakanzwa nokuona, vachibhabhatidza muzita raJesu, zvakaitika kuti vadzidzi vakaungana pamwechete vakabatana mumunamato mukuru nokutsanya.

2 Uye Jesu akazviratidza zvakare kwavari, nokuti vainamata kuna Baba muzita rake; Jesu akauya akamira pakati pavo, akati kwavari; Ko imi munoda kuti ndikupei chii?

3 Uye ivo vakati kwaari: Ishe, tinoda kuti mutitaurire zita ratingadaidze nayo chechi ino; nokuti pane kupesana muvanhu pamusana penyaya iyoyi.

4 Uye Ishe akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, sei vanhu vachitsutsumwa nokuitirana nharo pamusoro pechinhu ichi?

5 Ko havana here kuverenga magwaro, anoti munofanira kutakura zita raKristu, rinova zita rangu? Nokuti nezita irori muchadaidzwa nezuva rokupedzisira;

6 Uye uyo wose achatora zita rangu paari, agoshinga kusvika kumagumo, iyeye achaponeswa musi wokugumisira.

7 Naizvozvo, zvose zvamuchaita, muchazviita muzita rangu; naizvozvo muchadaidza chechi muzita rangu; uye muchadaidza Baba muzita rangu kuti varopafadze chechi pamusana pangu.

8 Uye ko ingave chechi yangu sei kunze kwokuti ridaidzwe nezita rangu? Nokuti chechi ikadaidzwa nezita raMosesi ichechi yaMosesi; kana kuti ikadaidzwa nezita romunhu ichechi yomunhu; asi ikadaidzwa nezita rangu ichechi yangu, kana yakavakwa pamusoro peshoko rangu.

9 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, makavakwa pamusoro pevhangeri rangu; naizvozvo muchadaidza zvamunenge muchidaidza, muzita rangu; naizvozvo mukadaidza kuna Baba, chechi iyi, kana iri muzita rangu Baba vachakunzwai;

10 Zve kana zvirizvo kuti chechi yakavakwa pamusoro pevhangeri rangu Baba vacharatidza mabasa avo mariri.

11 Asi kana isina kuvakwa pamusoro pevhangeri rangu, yakavakwa pamusoro pamabasa avanhu, kana kuti pamusoro pemabasa adhiabhorosi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri vane rufaro mumabasa avo kwenguvana, uye mukufamba kwenguva vanosvika kumagumo, vanozotemwa vokandwa mumoto, mavasingakwanisi kubuda.

12 Nokuti mabasa avo anovatevera, nokuti mabasa avo anoita kuti vatemwe; naizvozvo yeukai zvinhu zvandakutaurirai.

13 Tarisai ndakakupai vhangeri rangu, zve iri ndiro shoko randakupai—kuti ndakauya panyika kuzoita kuda kwaBaba vangu, nokuti Baba vangu vakandituma.

14 Uye Baba vangu vakandituma kuti ndizoturikwa pamuchinjikwa; kuti shure kwokunge ndaturikwa pamuchinjikwa, ndozounza vanhu vose kwandiri, kuti sezvo ndakasimudzwa nomunhu kana munhu agosimudzwa naBaba, kuti amire pamberi pangu, kuti vazotongwa namabasa avo; kuti anga akanaka here kana kuti anga akaipa—

15 Uye nokuda kwaizvozvo ndakasimudzwa; naizvozvo, maererano nesimba raBaba ndichakwevera vanhu vose kwandiri, kuti vazotongwa maererano nemabasa avo.

16 Uye zvichaitika, kuti avo vanenge vatendeuka uye obhabhatidzwa muzita rangu achazadzwa; uye kana akashingirira kusvika kumagumo, tarisai, ndichamuita munhu asina mhosva pamberi paBaba vangu pazuva randichamira ndichitonga nyika.

17 Uye uyo asingashingirire kusvika kumagumo, iyeye achatemwa ogokandwa mumoto, umo maasingazodzoki zvakare, nokuda kwokutonga kwaBaba.

18 Uye iri ndiro shoko ravakapa kuvana vevanhu. Uye nokuda kwaizvozvo vanozadzikisa mazwi ayo vakapa, uye havataure nhema, asi vanozadzikisa mazwi avo.

19 Uye hakuna chinhu chine tsvina chingapinde muumambo hwake; naizvozvo hakuna chinopinda mukuzorora kwake kunze kweavo vashambidza nguwo dzavo neropa rangu, nokuda kwokutenda kwavo, nokutendeuka kubva pazvivi zvavo zvose, nokutendeseka kwavo kusvika kumagumo.

20 Zvino uyu ndiwo murairo: Tendeukai, imi mativi ose enyika, muuye kwandiri mugobhabhatidzwa muzita rangu, kuti mugoitwa kuti mutsveneswe nokutambira Mweya Mutsvene, kuti mugomira musina kavara pamberi pangu nezuva rokupedzisira.

21 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, iri ndiro vhangeri rangu; uye munoziva zvinhu zvamunofanira kuita muchechi yangu; nokuti mabasa amakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuaita; nokuti zvose zvamakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuita:

22 Naizvozvo, mukaita zvinhu izvi makakomborerwa imi, nokuti muchasimudzwa pazuva rokupedzisira.

23 Nyorai zvinhu zvamaona nezvamanzwa, kunze kweizvo zvinorambidzwa.

24 Nyorai mabasa evanhu ava, ayo achava, kunyange ayo akanyorwa, pane zvakanga zviripo.

25 Nokuti tarisai, kubva pamabhuku akanyorwa, neachanyorwa, vanhu ava vachatongwa, nokuti naiwaya mabhuku mabasa avo achazivikanwa navanhu.

26 Uye tarisai, zvinhu zvose zvakanyorwa naBaba; naizvozvo kubva kumabhuku achanyorwa nyika ichatongwa.

27 Uye zivai kuti muchazova vatongi vevanhu ava, maererano nokutonga kwandichakupai, kunenge kwakarurama. Naizvozvo, makafanira kuve vanhu vakaita seiko? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, sezvandakaita ini.

28 Uye zvino ndinoenda kunaBaba. Zve zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chiri chose chinhu chamuchakumbira Baba muzita rangu vachakupai.

29 Naizvozvo kumbirai, muchagamuchira; gogodzai, muchazarurirwa; nokuti uyo anokumbira, achagamuchira; nouyo anogogodza, achazarurirwa.

30 Uye zvino, tarisai, rufaro rwangu rwukuru, zvekuzara, nokuda kwenyu, nechizvarwa chino; hongu, kunyange Baba vanofara, uye nengirozi dzose tsvene, nokuda kwenyu nechizvarwa chino; nokuti hakuna akarasika.

31 Tarisai, ndinoda kuti munzwisise; nokuti ndinoreva avo vapenyu zvino pachizvarwa chino; hakuna mumwe wavo akarasika; mavari ndine rufaro ruzere.

32 Asi tarisai, zvinondisuwisa ini nokuti chizvarwa chechina kubva pane chino, nokuti vanotungamirwa muusungwa naye kana sezvakanga zvakaitwa mwanakomana wekuraswa; nokuti vachanditengesa nesirivha negoridhe, neicho zvipfukuto zvinopfukuta icho mbavha dzinopaza nokuba. Uye pazuva iroro ndichavashanyira, uye kunyange kuisa mabasa avo pamusoro pavo.

33 Uye zvakaitika kuti apo Jesu akanga apedza kutaura kwake akati kuvadzidzi vake: Pindai nepasuwo rakamanikana; nokuti suwo rakamanikana, uye nzira yakamanika inoenda kuupenyu, zve vashoma vachaiwana; asi suwo rakapamhama, nenzira yakapamhama inoenda kurufu, uye vakawanda vachafamba nayo, kusvika usiku hwauya, uhwo husina munhu angashande mahwuri.