Magwaro Matsvene
Jakobho 4


Chitsauko 4

Vose maporofita vainamata Baba muzita raKristu—Kupira kwaAbrahama mwana wake Isaka kwakafanana nekwaMwari neWavo Mumwechete Akaberekwa—Vanhu vakafanira kuyanana naMwari neRudzikinuro—VaJuda vacharamba dombo rehwaro. Zvingangove makore 544 kusvika ku421 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino tarisai, zvakaitika kuti ini Jakobho, ndaparidzira zvakawanda kuvanhu vekwangu neshoko, (uye ndinokwanisa kungonyora zvishoma chete, nenzira yekuoma kwakaita kunyora mazwi edu pamahwendefa) uye tinoziva kuti zvinhu zvatinonyora pamahwendefa zvinogara zviripo;

2 Asi chose chinhu chatinonyora tikasachinyora pamahwendefa chinoshaika nekupfudzika; asi tinokwanisa kunyora mazwi mashomanani pamahwendefa, anozopa vana vedu, nehamawo dzedu dzinodiwa, karuzivo maererano nesu, kana maererano nezvemadzibaba avo—

3 Zvino tinofara muchinhu ichi; uye tinoshanda nesimba kuti tinyore mazwi aya pamahwendefa, tichivimba kuti hama dzedu dzinodiwa nevana vedu vachazoatambira nemwoyo inotenda, uye voaverenga nokudzidza norufaro kwete nekusuwa, kana nekushora, maererano nevabereki vavo vekutanga.

4 Nokuti, nechikonzero ichi tanyora zvinhu izvi, kuti vagoziva kuti taiziva nezvaKristu, uye taive netariro yekubwinya kwake mazana mazhinji emakore asati auya; uye hatizi isu chete taive netariro yekubwinya kwake, asiwo nemaporofita vatsvene vose vakange varipo tisati tavepo.

5 Tarisai, vaitenda muna Kristu uye vachinamata Baba nemuzita rake, nesuwo tinonamata Baba nemuzita rake. Uye pamusana paizvozvo tinochengetedza murau waMosesi, unonongedzera mweya yedu kwaari; nechikonzero ichi chakaitwa kuti chive chitsvene kwatiri nokururama, sezvo zvakanga zvakaiswa kuna Abrahama murenje mukuteerera kwake mirau yaMwari mukubvuma kwake kupira mwana wake Isaka, zviri zvakafanana nerungano rwaMwari neMwanakomana Wake Mumwechete Akaberekwa.

6 Nokudaro, tinotsvaka mumagwaro emaporofita, uye towana zvakazarurwa zvizhinji nemweya wechiporofita; nenzira yevapupuri vose ava tinowana tariro, uye rutendo rwedu rwunobva rwasimbiswa, zvekuti tinogona kutaura muzita raJesu nemiti chaiyo ichititeerera, kana makomo, kana masai-sai egungwa.

7 Zvakadaro, Ishe Mwari vakatiratidza kusasimba kwedu kuti tive tinoziva kuti inzira yenyasha dzavo, nekuzvideredza kwavo kukuru kuvana vevanhu, kunoita kuti tive nesimba rekuita zvinhu izvi.

8 Tarisai, mabasa aIshe makuru uye anoshamisa. Kudzama kwezvakavandika zvavo hakutsvakwe tikakuwana; uye hazviitike kuti vanhu vazive dzose nzira dzake. Hakuna munhu anoziva nezvenzira dzake kunze kwekunge atozvizururirwa; nokudaro, hama, musashore zvamunozururirwa naMwari.

9 Nokuti tarisai, nesimba reizwi rake munhu akauya panyika, nyika iri yakasikwa nesimba reshoko rake. Nokudaro, kana Mwari vakangotaura chete nyika ikabva yavepo, uye vakataura munhu akabva asikwa, Ko zvino, vangatadze here kutuma nyika, kana mabasa emaoko avo pamusoro penyika, maererano nezvavanenge vachida zvinovafadza?

10 Nokudaro, hama, musatsvake kuraira Ishe, asi kuti imi murairwe navo. Nokuti tarisai, imi pachenyu munoziva kuti vanoraira zviri muuchenjeri, uye mukururama, nemutsitsi huru, mumabasa avo ose.

11 Nokudaro, hama dzinodiwa, dzokerai kwavari nerudzikinuro rwaKristu, Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa, uye zvimwe mungawane kumuka kuvakafa, maererano nesimba rekumuka kuvakafa riri munaKristu, uye mugopiwa naKristu kuna Mwari semichero yekutanga, muine rutendo, uye muine tariro yakanaka yekubwinya kwake asati azviratidza pachake munyama.

12 Uye zvino, vadiwa, musashamiswe kuti ndiri kukutaurirai zvinhu izvi; ko tingaregererei kutaura nezverudzikinuro rwaKristu, nokuti tiwane ruzivo rwezvake rwuzere, zvimwechete nekuti tiwane ruzivo rwekumuka kuvakafa nerwenyika ichauya?

13 Tarisai, hama dzangu, uyo anoporofita, ngaaporofite zvinonzwisiswa nevanhu; nokuti Mweya unotaura chokwadi uye haunyepe. Nokudaro, unotaura zvinhu sezvazviri chaizvo, nezvazvichazove chaizvo; nokudaro, zvinhu izvi tinozviratidzwa pachena, kuti mweya yedu iwane ruponeso. Asi tarisai, hatizisu tega vapupuri vezvinhu izvi; nokuti Mwari vakazvitaurawo kuvaporofita vakare.

14 Asi tarisai, maJuda vaive vanhu vakaoma mitsipa; uye vaishora mazwi akareruka, uye vakauraya vaporofita, uye vakatsvaka zvinhu zvavakanga vasinganzwisise. Nokudaro, nenzira yeupofu hwavo, upofu hwakakonzerwa nekutarisa zvakapfuuridza chinangwa, vanofanira kupunzika; nokuti Mwari vakabvisa kuisa kwavo zvinhu pachena, uye vakavapa zvinhu zvizhinji zvavasinganzwisise, nokuti ndizvo zvavaida. Uye nokuti vaizvida Mwari vakazviita, kuti vapunzike.

15 Uye zvino ini Jakobho, ndiri kutungamirwa neMweya kuti ndiporofite; nokuti ndiri kuona nokushanda kweMweya uri mandiri, kuti nekupunzika kwemaJuda vacharamba dombo pavange vachazovakira uye vova nehwaro hwakasimba.

16 Asi tarisai, maererano nemagwaro matsvene, dombo iri richave iro guru, uye rokupedzisira, uye rigove iro chete rinoita hwaro, pangavakirwe nemaJuda.

17 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, zvingaitike sei kuti ivava, mushure mekunge varamba hwaro hwechokwadi, vangazovaka zvakare pahuri, dombo iroro rikazove musimboti wehwaro hwavo?

18 Tarisai, hama dzangu dzinodiwa, tichakududzirai chishamiso ichi; kana ndikasadaro, nechimwewo chikonzero, ndazunzwa pakusimba kwangu muMweya, uye ndikapunzika nenzira yekunetseka kwangu kukuru pamusoro penyu.