Chokwadi Onawo Chiedza, Chiedza chaKristu; Ruzivo; Ungwaru Ruzivo rwezvinhu sezvazviri, nezvazvakanga zvakaita, nokuuya kwazvichaita (D&Z 93:24). Chokwadi chinorevavo nezvechiedza nekuzururirwa kubva kudenga. Chokwadi chichasvetuka kubva muvhu, Mpi. 85:11 (Mos. 7:62). Muchaziva chokwadi, chokwadi chichakuitai musununguke, Joh. 8:32. Ndini nzira, chokwadi, neupenyu, Joh. 14:6. Kana tichiti isu hatina chitadzo chokwadi hachisi matiri, Ⅰ Joh. 1:8. Vane mhosva vanotora chokwadi kuti chakaoma, 1 Ni. 16:2. Vakarurama vanoda chokwadi, 2 Ni. 9:40. Mweya unotaura chokwadi uye haunyepe, Jak. 4:13. Imi muri Mwari vechokwadi uye hamugone kunyepa, Eta 3:12. Nesimba reMweya Mutsvene mungazive chokwadi chezvinhu zvose, Moro. 10:5. Chokwadi chinogara narinhi narinhi, D&Z 1:39. Makajekeserwa neMweya wechokwadi, D&Z 6:15. Bhuku raMormoni rine chokwadi neshoko raMwari, D&Z 19:26. Munyaradzi akatumwa kuti azodzidzisa chokwadi, D&Z 50:14. Uyo anogashira shoko kuburikidza neMweya wechokwadi anorigashira sekuparidzwa kwarinoitwa neMweya wechokwadi, D&Z 50:17–22. Taurai chokwadi maererano nezvakazarurwa zvandakakupai, D&Z 75:3–4. Chipi zvacho kana chiri chokwadi chiedza, D&Z 84:45. Chiedza chaKristu chiedza chechokwadi, D&Z 88:6–7, 40. Mweya wangu ichokwadi, D&Z 88:66. Uchenjeri, kana chiedza chechokwadi, hazvina kusikwa, D&Z 93:29. Kubwinya kwaMwari uchenjeri, kana chiedza nechokwadi, D&Z 93:36. Ndakakuudzai kuti mukudze vana venyu muchiedza nechokwadi, D&Z 93:40. Wangu Mumwechete Akaberekwa azere nenyasha nechokwadi, Mos. 1:6.