Zvibatsiro Zvekudzidza
Hoko


Hoko

Chimwe chezvikamu zvemarongerwo nemafambisirwo eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Hoko inoumbwa nemapoka kana mapazi akatikuti. Kazhinji ine miganhu yematunhu ichiwirirana nekumira kwakanga kwakaita matende ayo anotsanangurwa muna Isaya 54:2: “Rebesai tambo dzenyu, musimbise hoko dzenyu.” Imwe neimwe yehoko dzeZioni inosimbisa nekuyamura kusimudzira Chechi nenzira dzinoitwa nadzo tende kana tabernakeri inosimbiswa nehoko dzayo. Hoko inzvimbo inounganidzirwa vakasara pakupararira kwaIsraeri (D&Z 82:13–14; 101:17–21).