Magwaro Matsvene
Mosaya 26


Chitsauko 26

Nhengo zhinji dzeChechi dzinotungamirwa muchitema nevasingatende—Aruma anovimbiswa upenyu hwokusingaperi—Avo vanotendeuka vagobhabhatidzwa vanowana ruregerero—Nhengo dzeChechi dziri muzvitema dzinotendeuka nokureurura kunaAruma nekunaIshe dzicharegererwa; tadzezvo, havazoverengerwa kunhengo dzeChechi. Zvingangove makore 120 kusvika ku100 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika kuti kwakange kuine vazhinji vechizvarwa vaikura vakange vasinganzwisise mazwi amambo Benjamini, nguva dzakataurwa mazwi aya vakanga vari vana vaduku; uye vakange vasingatende tsika dzemadzibaba avo.

2 Havana kutenda zvaitaurwa maererano nekumuka kuvakafa, havanawo kubvuma kuti kuna Kristu achauya.

3 Uye zvino nenzira yekusatenda kwavo havana kukwanisa kunzwisisa shoko raMwari; uye mwoyo yavo yakange yatooma.

4 Uye havana kuda kubhabhatidzwa; kana kupinda chechi. Uye vakange vari vanhu vakasiyana nevamwe murutendo rwavo, uye vakaramba vakadaro, kana muupenyu hwavo hwenyama nemuzvitema zvavo; nokuti vakanga vasingade kudaidzira kuna Ishe Mwari vavo.

5 Uye zvino munguva yekutonga kwaMosaya vakange vasina kuwanda zvingasvika chikamu chepakati chevanhu vaMwari; asi nenzira yekuhedhuka kwevanhu vakazowandawo.

6 Nokuti zvakaitika kuti vakanyengedza vazhinji nemazwi avo ekunyengedza, vakanga vari muchechi, vakaita kuti vaite zvitema zvizhinji; naizvozvo zvakaita kuti avo vaiita zvitema, vari muchechi, vaifanira kutsiurwa nechechi.

7 Uye zvakaitika kuti vakaunzwa kune vapirisita, uye vakaunzwa kuvapirisita nevadzidzisi; uye vapirisita vakaenda navo kuna Aruma, akange ari mupirisita wepamusoro.

8 Zvino mambo Mosaya akange apa Aruma mvumo pamusoro pechechi.

9 Uye zvakaitika kuti Aruma haana chaaiziva maererano nezvavo; asi kwaive nevazhinji vaipupura kuipa kwavo; hongu, vanhu vakasimuka vakataura nezvekuipa kwavo vakawanda.

10 Zvino hapana kunge kwakamboitika chinhu chakadaro muchechi; naizvozvo Aruma akanetseka mumweya, akaita kuti vaunzwe pamberi pamambo.

11 Uye akati kuna mambo: Tarisai, havano vazhinji vatauisa mberi kwenyu, vari kupomerwa mhosva nehama dzavo; hongu, uye vakatorwa muzvitema zvakasiyana-siyana. Uye havatendeuke muzvitema zvavo; naizvozvo ndauya navo kwamuri, kuti imi muvatonge maererano nemhosva dzavo.

12 Asi mambo Mosaya akati kuna Aruma: Tarisai, ini handivatonge; naizvozvo ndava kuvaisa mumaoko ako kuti vatongwe.

13 Uye zvino mweya waAruma wakange wotambudzika zvakare; uye akaenda akanobvunza Ishe kuti angaitei nenyaya iyi, nokuti aitya kuti angazokanganisa pamberi paMwari.

14 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunamata nemwoyo wake wose kuna Mwari, izwi raIshe rakauya kwaari, richiti.

15 Wakaropafadzwa iwe, Aruma, uye vakaropafadzwa avo vakabhabhatidzwa mumvura dzaMormoni. Unoropafadzwa nokuti une rutendo rwukuru mumazwi ega emuranda wangu Abhinadhai.

16 Uye vakaropafadzwa nenzira yerutendo rwavo rwukuru mumazwi ega awakavataurira.

17 Uye iwe wakaropafadzwa nokuti wakaisa chechi pakati pevanhu ava; uye vachamiswa, uye vachave vanhu vangu.

18 Hongu, vakaropafadzwa ava vanhu vanoda kutakura zita rangu; nokuti vachadaidzwa nezita rangu; uye ndevangu.

19 Uye nokuti wandibvunza maererano nemutadzi, waropafadzwa.

20 Uri muranda wangu; uye ndinoita chibvumirano newe kuti uchave neupenyu hwokusingaperi; uye iwe uchandishandira ugofamba muzita rangu, uye ugounganidza hwai dzangu pamwechete.

21 Uye uyo achanzwa shoko rangu ndiye achave hwai yangu, iyeyo muchamugamuchira muchechi, uye iyeyo neniwo ndichamugamuchira.

22 Nokuti tarisai, iyi ichechi yangu; wose anobhabhatidzwa achabhabhatidzwa nokutendeuka. Uye wose amuchatambira achatenda muzita rangu; iyeyo ndichamuregerera ndakasununguka.

23 Nokuti ndini ini ndinotakura zvitadzo zvenyika; nokuti ndini ini ndakavasika; uye ndini ini ndinopa kune uyo anotenda kusvika kumagumo nzvimbo kurudyi rwangu.

24 Nokuti tarisai, vanodaidzwa muzita rangu; uye kana vachindiziva vachauya, uye vachawana nzvimbo yokusingaperi kurudyi kwangu.

25 Uye zvichaitika kuti kana hwamanda yepiri yarira zvino avo vasina kumbondiziva vachauya uye vozomira pamberi pangu.

26 Uye ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Mwari vavo, kuti ndini Mununuri wavo; asi havazonunurwa.

27 Uye ndichareurura kwavari kuti handina kumbovaziva; uye vachaenda mumoto usingaperi wakagadzirirwa dhiabhorosi nengirozi dzake.

28 Naizvozvo ndinoti kwamuri, kuti uyo asingade kunzwa shoko rangu, iyeyo musamugamuchire muchechi yangu, nokuti iyeyo handimugamuchire muzuva rekupedzisira.

29 Naizvozvo ndinoti kwamuri, Endai; uye uyo wose achanditadzira, iyeyo muchamutonga maererano nezvitadzo zvaanenge aita; uye akareurura zvitema zvake kwamuri nekwandiri, uye akatendeuka nemwoyo wake wose, iyeyo muchamuregerera, neni ndichamuregererawo.

30 Hongu, uye munguva dzose vanhu vangu vachatendeuka ini ndichavaregerera zvavanonditadzira.

31 Uye imi mucharegererana zvamunotadzirana; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo asingaregerere muvakidzani wake iye achiti akatendeuka, iyeyo anozvikonzera kuraswa.

32 Zvino ndinoti kwamuri, Endai; uye uyo wose asingatendeuke muzvivi zvake iyeyo haazoverengerwa muvanhu vangu; uye izvi zvichagara zvakadaro kubvira zvino zvichienda mberi.

33 Uye zvakaitika kuti Aruma paakanzwa mazwi aya akaanyora kuti agogara nawo, nekuti agotonga vanhu vechechi iyoyo maererano nemirau yaMwari.

34 Uye zvakaitika kuti Aruma akaenda akanotonga avo vakanga vari muzvitadzo, maererano neshoko raIshe.

35 Uye vose vakatendeuka muzvitema zvavo vakazvireurura, ivavo akavaverengera mukati mevanhu vechechi;

36 Uye avo vakanga vasingade kureurura zvitema zvavo nekutendeuka kubva mukutadza kwavo, ivavo havana kuverengerwa kuvanhu vechechi, uye mazita avo akadzimwa.

37 Uye zvakaitika kuti Aruma ndiye akabata dzose nyaya dzechechi; uye vakatanga zvakare kuve nerunyararo nokubudirira zvikuru munyaya dzechechi, vachifamba vakachenjera pamberi paMwari, vakagashira vazhinji, nokubhabhatidza vazhinji.

38 Uye zvino zvose zvinhu izvi zvakaitwa naAruma nevamwe vaaishanda navo mubasa rechechi, vachifamba nesimba rose, vachidzidzisa shoko raMwari muzvinhu zvose, vachitambura muzvinhu zvakasiyana-siyana, vachinetswa neavo vose vakanga vasiri vechechi yaMwari.

39 Uye vakatsiura hama dzavo; ivowo vakatsiurwa, wose wose neshoko raMwari, maererano nezvitema zvavo, kana kuzvitadzo zvaainge aita, vachitumwa naMwari kuti vasamire kunamata, nekupa kutenda muzvinhu zvose.