Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Zvakazarurwa 1


DJS, Zvakazarurwa 1:1–4 (enzanisa Zvakazarurwa 1:1–4)

(Johane akagashira chakazarurwa kubva kuna Jesu Kristu uye akachipa kuvatungamiri vechechi nomwe muAsia.)

1 Zvakazarurwa zvaJohane, muranda waMwari, izvo zvakapihwa kwaari naJesu Kristu, kuratidza kuvaranda vake zvinhu zvakanga zvave pedyo nokuitika, izvo zvaakatumira uye ndokuzivisa nengirozi yake kumuranda wake Johane,

2 Uyo akapupura pamusoro pezwi raMwari, uye nezveuchapupu hwaJesu Kristu, nezve zvinhu zvose zvaakaona.

3 Vakaropafadzwa avo vanoverenga, uye neavo vanonzwa nekunzwisisa mazwi echiporofita ichi, uye nekuchengeta izvo zvinhu zvakanyorwa machiri, nokuti nguva yekuuya kwaIshe yaswedera pedyo.

4 Zvino uhwu ndihwo uchapupu hwaJohane kuvaranda vanomwe avo vari pamusoro pechechi nomwe muAsia. Nyasha kwamuri, uye runyararo kubva kwaari uyo ari, uye uyo aive, neuyo achauya; uyo atumira ngirozi yake kubva pachigaro chake chekutonga, kuzopupura kune avo vanove ndivo varanda vanomwe vari pamusoro pechechi nomwe.