Magwaro Matsvene
Mosesi 8


Chitsauko 8

(Kukadzi 1831)

Metusara anoporofita—Noa nevanakomana vake vanoparidza vhangeri—Kuipa kukuru kunovepo—Kudaidzira kutendeuka hakuteererwe—Mwari vanotsidzira kuti nyama yose iparadzwe neMafashamu.

1 Uye mazuva ose aEnoki aiva mazana mana nemakumi matatu emakore.

2 Uye zvakaitika kuti Metusara, mwanakomama waEnoki, haana kutorwa, kuti zvibvumirano zvaIshe zvizadzikiswe, izvo vakabvumirana zvechokwadi naEnoki kuti Noa akafanira kuve muchero wechiuno chake.

3 Uye zvakaitika kuti Metusara akaporofita kuti kubva muchiuno chake muchabuda hwose umambo hwepasi (kuburikidza naNoa), uye akatora kubwinya kukave kwake.

4 Uye kwakauya nzara huru munyika, uye Ishe vakatuka pasi nokutuka kunorwadza, uye vazhinji vevagari vemo vakafa.

5 Uye zvakaitika kuti Metusara akararama kwezana nemakumi masere emakore, uye akabereka Rameki;

6 Uye Metusara akararama, mushure mekubereka Rameki, mazana manomwe nemakumi masere nemaviri emakore, akabereka vanakomana nevanasikana;

7 Uye ose mazuva aMetusara aive mazana mapfumbabwe nemakumi matanhatu nemapfumbabwe emakore, uye akafa.

8 Uye Rameki akagara kwezana nemakumi masere nemaviri emakore, uye ndokubereka mwanakomana,

9 Uye akadaidza zita rake kuti Noa, achiti: Uyu mwanakomana achatinyaradza pane zvebasa redu nokushanda nemaoko edu, pamusana pevhu ratukwa naIshe.

10 Uye Rameki akagara, mushure mekubereka Noa, mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe ane mashanu emakore, uye akabereka vanakomana nevanasikana;

11 Uye ose mazuva aRameki aive mazana manomwe nemakumi manomwe ane manomwe emakore, uye akafa.

12 Uye Noa aive nemazana mana nemakumi mashanu emakore, uye akabereka Jafeti; uye mushure memakumi mana nemaviri emakore akabereka Shemi nemukadzi akanga ari amai vaJafeti, uye ave nemazana mashanu ekuberekwa ndipo paakabereka Hami.

13 Uye Noa nevanakomana vake vakateerera kuna Ishe, uye vakaita hany’a, uye vakadaidzwa kunzi vanakomana vaMwari.

14 Uye vanhu ava pavakatanga kuwanda pamusoro penyika, uye vanasikana vakazvarwa kwavari, vanakomama vevanhu vakaona kuti vanasikana avo vakanga vakanaka, uye vakavatora kuvaita vakadzi, kunyangwe sezvavakasarudza.

15 Uye Ishe vakati kuna Noa: Vanasikana vevanakomana vako vazvitengesa; nokuti tarisai kushatirwa kwangu kwatungidzirwa vanakomana vevanhu, nokuti havateerere kuzwi rangu.

16 Uye zvakaitika kuti Noa akaporofita, uye akadzidzisa zvinhu zvaMwari, kunyangwe sezvazvakange zvakaita pakutanga.

17 Uye Ishe vakati kuna Noa: Mweya wangu hauchagara uchishingaira nemunhu, nokuti achaziva kuti yose nyama ichafawo; asi mazuva ake achave zana nemakumi maviri emakore; uye kana vanhu vakasatendeuka, ndichatumira mafashamu kwavari.

18 Uye mumazuva iwayo maive nevanhu vahombe munyika, uye vakatsvaga Noa kuti vatore upenyu hwake; asi Ishe vakange aina Noa, uye simba raIshe raive paari.

19 Uye Ishe vakagadza Noa maererano nehurongwa hwake, uye vakamuraira kuti aende uye kunoparidza Vhangeri ravo kuvana vevanhu, kunyangwe sekupihwa kwarakaitwa kuna Enoki.

20 Uye zvakaitika kuti Noa akadaidza kuvana vevanhu kuti vatendeuke, asi havana kuda kunzwa mazwi ake;

21 Uye zvakare, mushure mekunge vamunzwa, vakauya kwaari, vachiti: Tarisai, tiri vanakomana vaMwari; hatina kunozvitorera here vanasikana vevanhu? Uye hatizi kudya tichinwa here, nokuroora nokupa mukuroorana here? Asi vakadzi vedu vanotizvarira vana, uye vamwechetevo varume vanotyisa, uye vakafanana nevarume vekare, varume vemukurumbira mukuru. Uye havana kuda kunzwa kumazwi aNoa.

22 Uye Mwari vakaona kuti kuipa kwevanhu kwakanga kwakura munyika; uye wose munhu akanga akasimudzirwa mune zvaaiona zvepfungwa dzemwoyo wake, zviri zvakaipa chete nguva dzose.

23 Uye zvakaitika kuti Noa akaramba achiparidza kuvanhu, achiti: Inzwai, uye mupe hanya kumazwi angu;

24 Tendai uye mutendeuke kuzvitadzo zvenyu uye mubhabhatidzwe muzita raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, kunyangwe semadzibaba edu, uye muchagashira Mweya Mutsvene, kuti muwane zvinhu zvose zvaratidzwa; uye kana musina kuita izvi mafashamu ichauya pamuri; zvakadaro havana kuteerera.

25 Uye zvakatendeudza Noa, uye mwoyo wake ukarwadza kuti Ishe vakanga vaita munhu panyika, uye zvakamusuwisa mumwoyo.

26 Uye Ishe vakati: Ndichaparadza munhu uyo wandakasika, kubva pamusoro penyika, zvose munhu nemhuka, nezvinhu zvinokambaira, neshiri dzedenga, nokuti zvinotendeudza Noa kuti ndakazvisika, uye kuti ndakazviita; uye adaidza kwandiri; nokuti vari kutsvaga upenyu hwake.

27 Uye Noa akawana nyasha mumaziso aIshe; nokuti Noa akanga ari munhu akarurama, uye akakwana muchizvarwa chake; uye aifamba naMwari; sezvaiitawo vanakomana vake vatatu, Shemi, Hami, naJafeti.

28 Nyika yakanga yaora pamberi paMwari, uye yakange izere kurwisana.

29 Uye Mwari vakatarisa panyika, uye, tarisai, yakange yakaipa, nokuti nyama yose yakanga yaipisa nzira yavo pamusoro penyika.

30 Uye Mwari vakati kuna Noa: Kupera kwenyama yose kwauya pamberi pangu, nokuti nyika izere nokurwisana, uye tarisai ndichaparadza yose nyama kubva panyika.