2014
Cheni dzeRudo
Kukadzi 2014


Vana

Cheni dzeRudo

Ita kuti munhu mukuru akubatsire kucheka tupepa makumi maviri netusere tutete, kamwe nekamwe kakaita inji rimwechete (2.5 cm) kupamhama uye mainjizi angaita masere (20 cm) kureba. Zuva rega rega mwedzi uno, ita chiito chekushandira kuratidza rudo rwako kune mumwe munhu. Ungangobatsira vabereki vako kutsvaira mumba menyu kana kunyora chitsamba chakanaka kumuvakidzani.

Nyora panekamwe ketupepa twako mashandiriro awaita zuva rega rega, uye wonamatidza pamwechete micheto yekapepa aka kuita denderedzwa. Unokwanisa kukochekedzanisa madenderedzwa ako nekupinza mucheto mumwechete wekapepa katsva nemudenderedzwa rawakaita nezuro usati wanamatidza pamwechete micheto yekapepa katsva aka. Tarira cheni dzako dzerudo dzichikura! Unokwanisa kuramba uchienderera mberi nekuwedzera kucheni yako yekushandira kunyange mushure mekupera kwemwedzi waKukadzi.