2014
Zhizha reKushandira
Kukadzi 2014


Vechidiki

Zhizha reKushandira

Munyori wenyaya iyi anogara muVirginia, USA.

Rimwe zhizha ndakagara kwenguva muneimwe nyika ndichishanda nevana vanekuremara kwakasiyana-siyana. Pandakasangana nevana ava kekutanga, ndaiva nekutya kukuru. Ndakanga ndisingataure rurimi rwavo, asi ndakavimba kuti Mweya waizonditungamirira mukutaura kwangu navo. Apo pandakatanga kuziva mwana mumwe nemumwe, ndakanzwisisa kuti rurimi harusi dziviriro kurudo. Ndakatamba, ndikaseka, uye ndikagadzira zvigadzirwa zvemaoko nevana ava uye ndikanzwa chete rudo rwakazara kwavari. Ndakaona kwechinguva chidiki rudo rwunaBaba Vekudenga kuvana Vavo, uye rufaro rwakazadza mwoyo wangu harutsanangurike.

Apo pose pandinoshandira vamwe, ndinonzwa rudo kwete chete kune avo vandinoshandira asiwo kuna Baba Vekudenga. Ndasvika pakuziva zvechokwadi kuti “kana muri mukushandira vamwe venyu muri mukushandira Mwari venyu” (Mosaya 2:17). Chinangwa chekushandira kwangu ndechekurumbidza Mwari, kunyange kuri muzvirongwa zvekushandira zvikuru kana kuburikidza nemumabasa madiki etsitsi, (ona Mateu 5:16). Ndinovimba kuti apo pandinoshandira vamwe, vanhu vanozoona rudo rwangu kuna Baba Vekudenga uye neChiedza chaKristu chinopenya mandiri.