2014
Basa Dzvene raJesu Kristu: Mufudzi Akanaka
Kukadzi 2014


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kukadzi 2014

Basa Dzvene raJesu Kristu: Mufudzi Akanaka

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi zvinowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Jesu Kristu, Mufudzi Akanaka, akadzidzisa kuti:

“Ndiyaniko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rarashika kusvikira ariwana? …

“Ndinoti kwamuri, naizvozvo … mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe anotendeuka”(Ruka 15:4, 7).

Apo patinosvika pakunzwisisa kuti Jesu Kristu ndiye Mufudzi Akanaka, chido chedu chinowedzera chekutevera muenzaniso Wake nekushandira avo vanoshaya. Jesu akati: “Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini. … Ndinorashira makwai angu upenyu hwangu” (Johane 10:14–15). Nokuda kweRudzikinuro rwaKristu, hakuna mumwe wedu achafa akarasika zvekuti hatikwanise kuwana nzira yedu yekuenda kumba (ona Ruka 15).

Mutungamiri Thomas S. Monson vakati, “Redu ibasa rekutaririra makwai. … Mumwe nemumwe wedu ngaatore mukana wekushandira.”1

Kubva muMagwaro Matsvene

Mapisarema 23; Isaya 40:11; Mosaya 26:21

Kubva muNhoroondo Yedu

Elizabeth Ann Whitney, uyo akapinda musangano wekutanga weChita cheRubatsiro, achitaura nezverutendeuko rwake muna 1830 akati: “ apo pandakangonzwa Vhangeri paraiparidzwa neMagosa, ndakariziva kuti raiva izwi reMufudzi Akanaka.”2 Elizabeth akatevera izwi reMufudzi Akanaka uye akabhabhatidzwa nekusimbiswa.

Nesuwo tinokwanisa kunzwa izwi reMufudzi Akanaka uye togoverana nevamwe dzidziso Dzake. Mutungamiri Monson vakati, “Tiri maoko aIshe pano panyika, tiine mvumo yekushandira nekusimudza vana Vavo.”3

Sekutsvaga kunoita mufudzi hwai yakarasika, vabereki vangangotsvaga mwana akabva padzidziso dzevhangeri. Mutungamiri James E. Faust (1920–2007), Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri hweKutanga, vakati: “Kune vabereki avo vakasuwa vangavakatendeka, vakashinga, uye vaine munamato mukudzidzisa vana vavo vasingateerere, tinoti kwamuri, Mufudzi Akanaka arikuvatarira. Mwari Vanoziva uye Vanonzwisisa rusuwo rwenyu rwakadzama. Tariro iripo.”4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “Heavenly Homes, Forever Families,” Liahona, Chikumi 2006, 70.

  2. Elizabeth Ann Whitney, muDaughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 128.

  3. Thomas S. Monson, “What Have I Done for Someone Today?” Liahona, Mbudzi 2009, 86.

  4. James E. Faust, “Dear Are the Sheep That Have Wandered,” Liahona, Chivabvu 2003, 68.

Chii Chandingaite?

  1. Kuziva kuti Muponesi ndiye Mufudzi Akanaka kunounza sei runyararo muupenyu hwedu?

  2. Tingaparidze nenzira dzakaita sei kune avo “vakarasika” kubva mukusimba muChechi kana avo vasiri vechitendero chedu?

  3. Ndingatsigire sei vabereki vevana vakarasika kubva mukurarama vhangeri?