2014
Shandira Ishe neRudo
Kukadzi 2014


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kukadzi 2014

Shandira Ishe neRudo

Mufananidzo
Mutungamiri Thomas S. Monson

Ishe Jesu Kristu vakadzidzisa kuti, “Aninani unoda kuponesa upenyu hwake ucharasikirwa nahwo: asi unorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uchahuwana” (Ruka 9:24).

“ Ndinotenda kuti,” vakadaro Mutungamiri Thomas S. Monson, “Muponesi ari kutitaurira kuti kunze kwekunge tazvipinza zvakazara mukushandira vamwe, upenyu hwedu pachedu hahuna chinangwa. Avo vanongoraramira chete zveupenyu hwavo vanopedzisira vasvava uye vova sevarasikirwa neupenyu hwavo, asi avo vanozviisa zvakazara mukushandira vamwe vanokura uye vanobudirira—uye zvechokwadi vanoponesa upenyu hwavo.”1

Muzvitapwa zvinotevera zvinobva mudzidziso dzeMutungamiri Monson, vanoyeuchidza Vatendi Vamazuva Ekupedzisira kuti ivo ndivo maoko aIshe uye kuti maropafadzo ekusingaperi akamirira avo vanoshandira vamwe zvakatendeka.

Kushandira muTemberi

“Kushandira kukurusa kunopihwa apo patinoitira avo vakafa zvisungo zvokuitirwa nemumwe. Kazhinji hatizive avo vatinoitira basa racho. Hatitarisire kutendwa, uye hatina chokwadi chekuti vachatambira izvo zvatiri kuvapa. Zvisinei, tinoshandira, uye mukuita ikoko tinowana izvo zvinouya chete nekunge taita izvozvo: tinova chaizvo vaponesi paGomo reZioni. Sekupa kwakaita Muponesi wedu upenyu Hwake sekuzvipira kwekuitiira, saka nesuwo, nemukamwe kamwero kadiki, tinoita zvimwechetezvo apo patinoita basa takamiririra vamwe mutemberi avo vasina nzira dzekufambira mberi kunze kwekunge vaitirwa chimwe chinhu neavo vedu vari pano panyika.”2

Tiri Maoko aIshe

“Mabhuratha nemasisita angu, takakomberedzwa neavo vanoda kutaririra kwedu, kurudziro yedu, tsigiro yedu, nyaradzo yedu, tsitsi dzedu—vangave nhengo dzemhuri, shamwari, vafambidzani, kana vatorwa. Tiri maoko aIshe pano panyika, nerairo yekushandira nekusimudza vana Vavo. Vanovimba nemumwe nemumwe wedu. …

“Kushandira ikoko uko kwatakadaidzirwa tose kushandira kwaIshe Jesu Kristu.”3

Kushandira muMumvuri weMuponesi

“Munyika Itsva, Ishe akamuka kuvakafa akataura kuti, ‘Munoziva zvinhu zvamunofanira kuita muchechi yangu; nokuti mabasa amakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuaita; nokuti zvose zvamakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuita.’ [3 Nifai 27:21].

“Tinokomborera vamwe apo patinoshandira mumumvuri “waJesu weNazareta … iye waipote nyika achiita zvakanaka.’ [Mabasa Avaapositora 10:38]. Mwari ngavatikomborere kuti tiwane rufaro mukushandira Baba vedu vari Kudenga apo patinenge tichishandira vana Vavo panyika.4

Dikano yeKushandira

“Tinofanira kupihwa mukana wekushandira. Kunhengo idzo dzisisauye kuchechi kana dzisingatore chinhano uye dzinoramba dzisina kusimba, tinokwanisa kutsvaga nemunamato imwe nzira yekusvika kwavari. Kuvakumbira kuti vashandire munechimwe chinhano kungangova kurudziro yavanoda yekudzoka kuchechi zvizere. Asi vatungamiri avo vangakwanise kubatsira munaizvozvo dzimwe nguva vanozengurira kuvakumbira. Tinofanira kuyeuka kuti vanhu vanokwanisa kushanduka. Vanokwanisa kusiya shure kwavo tsika dzakaipa. Vanokwanisa kutendeuka kubva kuzvitadzo. Vanokwanisa kuva nehupirisita zvakakodzera. Uye vanokwanisa kushandira Ishe zvakasimba.”5

Tirikuita Zvose Zvatinofanira Kuita Here?

“Nyika inoda rubatsiro rwedu. Tirikuita zvose zvatinofanira kuita here? Tinoyeuka here mazwi eMutungamiri John Taylor ekuti: “ Kana mukasakudziridza kudaidzwa kwenyu, Mwari vachakupai mhosva pamusoro peavo vamungadai makaponesa dai makaita basa renyu.”? [Teachings of Presidents of the Church: John Taylor (2001), 164]. Pane tsoka dzekumbisa, maoko ekubata zvakasimba, pfungwa dzekukurudzira, mwoyo yekusimudzira, uye mweya yekuponesa. Maropafadzo ekusingaperi akakumirira. Wenyu mukana wekuti musave vanotarisa chete zvirikuitika asi kuva vanotora chinhano padariro … rekushandira.”6

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “What Have I Done for Someone Today?” Liahona, Mbudzi 2009, 85.

  2. “Until We Meet Again,” Liahona, Chivabvu 2009, 113–14.

  3. “What Have I Done for Someone Today?” 86, 87.

  4. “The Savior’s Call to Serve,” Liahona, Nyamavhuvhu 2012, 5.

  5. “See Others as They May Become,” Liahona, Mbudzi 2012, 68.

  6. “Willing and Worthy to Serve,” Liahona, Chivabvu 2012, 69.

  7. Teaching, No Greater Call: A Resource Guide for Gospel Teaching (1999), 12

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

“Kana uine rudo serwa Kristu, unozova wakagadzirira zvirinani kudzidzisa vhangeri. Unozokurudzirwa kubatsira vamwe kuziva Muponesi nekuMutevera.”7 Funga kunamatira rubatsiro rwakawedzerwa kune avo vaunoshanyira. Apo paunokudziridza rudo serwa Kristu kwavari, unozokwanisa zvirinani kushandira nenzira dzinehuremu zvese Ishe neavo vaunodzidzisa.