2014
Mhinduro kuMunamato Wake
Kurume 2014


Vechidiki

Mhinduro kuMunamato Wake

Munyori wenyaya iyi anogara muGauteng, South Africa.

Mamwe manheru shamwari yangu yechimwe chitendero yakandishanyira. Ndinowanzo nzvera magwaro matsvene angu ndiri ndega, uye ndakanga ndaaburitsa kuti ndinzvere manheru iwayo. Ndakafemerwa kuti ndimukoke kuti abatane neni mukunzvera kwangu magwaro matsvene, asi ndakatya uye ndikatanga kunzvera ndiri ndega. Ndakaziva kuti ndakanga ndaramba kuteerera kufemero yeMweya. Mushure memaminitsi mashoma ndakabvunza zvakanyatsonaka kuti, “Ungade kunzvera magwaro matsvene neni here?” Pasina kuzengurira shamwari yangu yakapindura ichiti, “Hongu”

Zvino takaverenga kubva muBhuku raMormoni. Akandibvunza mimwe mibvunzo, uye ndakanzwa Mweya uchinditungamira apo pandaipindura. Ndakapa uchapupu hwangu hwehuchokwadi hweBhuku raMormoni. Mushure mekunge ndaita izvi, akanditaurira kuti, “Ndanga ndichichema uye ndichitya zvikuru zuva rose. Ndangandichangobva mukunamatira rubatsiro kunaMwari apo pawandikumbira kuti ndinzvere magwaro matsvene newe. Ndavakunzwa zviri nani zvikuru iyezvino. Wazvita.”

Ishe vakanga vandishandisa semudziyo wekupindura munamato uye wekushandira mumwe wevana Vavo aive nechidikanwi. Ndinoziva kuti femero irairo tsvene dzinobva kuna Baba vakangwara, vanoshamisa. Apo patinobvisa matiri kutya kwedu, tinoVabvumira kuti varatidze simba Ravo kuburikidza nekuteerera kwedu.