2014
Kushandira neUpenyu Husingaperi
Kurume 2014


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kurume 2014

Kushandira neUpenyu Husingaperi

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Muponesi ndiye muenzaniso wedu wekushandira kusina undingoveni. Upenyu hwake hwakarurama hwaiva hwakapirwa pakushandira Baba Vekudenga nevana vaBaba Vake vose. Chinangwa chiri pamwechete chaBaba neMwanakomana ndechekutipa tose chipo chekusafa neropafadzo reupenyu husingaperi (ona Mosesi 1:39).

Kuti tikodzera upenyu husingaperi, tinofanira kushandurwa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu—kuzvarwa zvakare uye tocheneswa kubva muchivi. Vana vadiki vari pasi pemakore masere, zvisinei, havana chivi uye vanonunurwa kuburikidza neRudzikinuro (ona Mosaya 3:16, 21; Moronai 8:10–12).

Kunesu tose tinosvika pazera rekuzvidairira, pane chirongwa chakanakisisa chinotibvumira kuti ticheneswe kubva kuchivi nokugadzirirwa kuupenyu husingaperi. Gadziriro iyoyo inotanga nerubhabhatidzo nemvumo yehupirisita uye negashiro yeMweya Mtsvene. Zvino tinofanira kugara tichiyeuka Muponesi uye tichichengeta mirairo yaAkatipa.

Mambo Benjamin akaudza vanhu vake muBhuku raMormoni nezverufaro runouya kubva mukunzwa ruregerero kubva kuchivi kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu. Zvino akavadzidzisa kuti, kuitira kuti vachengetedze ruregerero rwezvivi zvavo, vanofanira kudzidzisa vana vavo kuti vashandirane uye vanofanira kuva vanopa nemakwanisiro avo ose kuitira kuti vazadzise zvidikanwi zvenyama nezvemweya zveavo vakavakomberedza. (Ona Mosaya 4:11–16.)

Akadzidzisawo kuti, “Uye tarisai,ndinokuudzai zvinhu izvi kuti mudzidze ungwaru; kuti mudzidze kuti kana muri mukushandira vamwe venyu munenge muri mukushandira Mwari wenyu” (Mosiah 2:17).

Jesu akafamba achidzidzisa vhangeri Rake nekuita zvakanaka (ona Mabasa AvaApositora 10:38). Akaporesa vanorwara. Akamutsa vakafa. Nesimba Rake Akapa kudya kuzviuru apo pavakanga vainenzara uye vasina zvokudya (ona Mateo 14:14–21; Johane 6:2–13). Mushure mekuMutswa Kuvakafa Kwake Akapa kudya kune vamwe vevaApositora Vake apo pavakauya kumahombekombe pagungwa reGarirea (ona Johane 21:12–13). MumaAmerica, Akaporesa vanorwara akaropafadza vana mumwe nemumwe (ona 3 Nifai 17:7–9, 21).

Jakobho muApositora akatidzidzisa kuti chido chekushandira vamwe chinouya sei chichibva pakutenda kwedu kwezvatakaitirwa naIshe:

“Asi munhu unocherekedza murairo wakakwana iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi anokanganwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa pane zvaanoita. …

“Kunamata kwakarurama kusine mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta kuti arege kusvibiswa nenyika” (Jakobho 1:25, 27).

Imwe yevimbiso yekuti urikutsveneswa ndeye chido chinoramba chichiwedzera chekushandira vamwe kuitira Muponesi. Dzidziso yekumba nedzidziso yekushanyirana zvinova zvinhu zvatinoita nerufaro uye zvorega kuva sechimwe chinhu chatinonzwa kusungirwa kuita. Unozviwana iwe pachako uchizvidira wega kunobatsira kakawanda pachikoro chemunzvimbo yenyu kana kubatsira kutaririra vanoshaya munzvimbo yenyu maunogara. Kunyange ungange uine mari shoma yekupa avo vanezvishoma, unodemba kuti dai wangauine yakawanda kuitira kuti ugokwanisa kupa yakawanda (ona Mosaya 4:24). Unozviwana uchidisisa kushandira vana vako uye nekuvaratidza mashandiro avangaitira vamwe.

Apo hunhu hwako pahunoshanduka, unozonzwa chido chekupa mushando mukurusa usina tarisiro yekutendwa. Ndinoziva vadzidzi veMuponesi vakapa zvipo zvikuru zvemari nemushando nechido chikuru chekuti hakuna mumwe kunze kwaMwari uye nevana vavo vaizoziva nezvazvo. Mwari vakacherechedza mushando wavo nekuvaropafadza muupenyu huno, uye Vachavaropafadza muupenyu husingaperi huchauya (ona Mateo 6:1–4; 3 Nifai 13:1–4).

Apo pawakachengeta murairo wekushandira vamwe (ona Mateo 22:39), wakanzwa shanduko mumanzwiro ako erudado. Muponesi akatsiura vaApositora Vake apo pavaiitirana makakatanwa pamusoro pekuti ndiani aizova mukuru-kuru pakati pavo. Akati:

“Musaidzwawo vatenzi: nokuti mumwechete ndiTenzi wenyu, iye Kristu

“ Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu” (Mateo 23:10–11).

Muponesi anotidzidzisa makwanisiro atingaita kudzidza kushandira vamwe. Akashanda zvakarurama, uye tinofanira kudzidza kushandira sekudzidza kwaAkaita—mutsetse nemutsetse (ona D&Z 93:12–13). Kuburikidza nemushando watinopa, tinokwanisa kuva saIye zvakawedzerwa. Tinozonamata nesimba rose remwoyo yedu kuti tide vavengi vedu sekuda kwaAnovaita (ona Mateo 5:43–44; Moronai 7:48). Zvino pokupedzisira tingangozova vakakodzera upenyu husingaperi naIye naBaba Vekudenga.

Ndinovimbisa kuti tinokwanisa kusvika pakushandira zvakanyanyorurama apo patinotevera dzidziso nemuenzaniso zveMuponesi.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Gosa M. Russell Ballard veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri vakatikurudzira kuti tinamatire mikana yekushandira: “Mumunamato wako wemangwanani zuva idzva rega rega, kumbira Baba Vekudenga kuti vakutungamirire kuona mukana wekubatsira mumwe wevana Vavo vanokosha. Zvino woswera zuva rose … uchitsvaga mumwe munhu wekubatsira” (“Be Anxiously Engaged,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2012, 31). Funga kukoka avo vaunodzidzisa kuti vamise chinangwa chekunamatira mangwanani ega ega mikana yekushandira uyezve nekuitsvaga muzuva rose.