2014
Basa Dzvene raJesu Kristu: Chiedza cheNyika
Kurume 2014


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kurume 2014

Basa Dzvene raJesu Kristu: Chiedza cheNyika

Nemunamato dzidza shoko rino uye tsvaga kuziva zvekugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi kunozowedzera sei rutendo rwako maAri nokuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Ruvimbo • Mhuri • Rubatsiro

Apo patinosvika pakunzwisisa kuti Jesu Kristu ndiye Chiedza cheNyika, tinozowedzera rutendo rwedu maAri uye tova chiedza kune vamwe. Kristu akapupura nezve basa Rake “sechiedza chechokwadi chinojekesera murume wese [nemukadzi] anouya munyika” (D&Z 93:2) uye akakumbira kuti “tisimudze mwenje [Wake] kuti uvhenekere nyika yose” (3 Nifai 18:24).

Vaporofita vedu vakapupurawo nezve Chiedza chaKristu. Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri Wekutanga muHutungamiti Hwekutanga, vakati: “Nguva yega yega yaunosarudza kuedza kurarama seMuponesi, uchapupu hwako hunozosimbiswa. Pakupedzisira unozosvika pakuzvizivira kuti Ndiye Chiedza cheNyika. … Unozoratidza kunevamwe Chiedza chaKristu muupenyu hwako.”1

Gosa Quentin L. Cook veChikwata chevaApositora Gumi neVaviri vachitaura nezve chiedza kunyika vakati: “ Tinofanira kudzivirira mhuri dzedu uye tova pamberi-mberi pamwechete nevanhu vese vane chido chakanaka mukuita zvose zvatinokwanisa kuchengetedza chiedza, tariro, nehunhu hwakanaka munzvimbo dzedu dzatigere.”2

Kubva muMagwaro Matsvene

Johane 8:12; Dzidziso neZvibvumirano 50:24; 115:5

Kubva muNhoroondo Yedu

Madzimai eVatendi vaMazuva Ekupedzisira nhasi vanoenderera mberi kusimudzira chiedza chavo.

Muchivako chakavakwa chichikwira mudenga muHong Kong, China, muchikamu chedzimba chechimakumi masere, mumwe sisita aiva asina murume uye arichirema—uyo aiva iye chete Mutendi waMazuva Ekupedzisira mumhuri yake—akazvigadzirira imba yaiva dziviriro umo iye nevaenzi vake mavaikwanisa kunzwa kurudziro yeMweya. Aichengeta magwaro ake matsvene, mabhuku ake eChita cheRubatsiro, nebhuku rake renziyo dzesvondo padyo. Aienda kutemberi kunoita zvisungo zvemadzitateguru ake.3

MuBrazil amai vakarurama vakakudza vana vavo muchiedza chevhangeri. Nziyo dzePuraimari dzaizadza mhepo muimba yavo yezvidhina zvitsvuku, uye mifananidzo kubva muLiahona yematemberi, vaporofita vaMwari, neMuponesi yakazadza madziro. Iye nemurume wake vakazvipira kuti vasunganidzwe mutemberi kuitira kuti vana vavo vagokwanisa kuzvarwa muchibvumirano. Munamato wake nguva dzose wakanga uri wekuti Ishe vagomubatsira kukudza vana vake muchiedza, chokwadi, nesimba revhangeri.4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Henry B. Eyring, “A Living Testimony,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2011, 128.

  2. Quentin L. Cook, “Let There Be Light!” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2010, 30.

  3. Ona Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 51.

  4. Ona Daughters in My Kingdom, 36–37.