2016
Mhuri Ndedze Kusingaperi
Nyamavhuvhu 2016


Vana

Mhuri Ndedze Kusingaperi

Nokuda kweRudzikinuro rwaJesu Kristu nekudzorerwa kwekiyi dzehupirisita, tinokwanisa kugara nemhuri dzedu nariinhi! Chii chaunoda pamusoro pemhuri yako? Tevera mirairo iyi kuitira kuti ugadzire cheni yemapepa iyi kuti ukudze norufaro mhuri yako.

  1. Peta bepa nepakati kaviri kuti uve nebepa dete rakareba rimwechete.

  2. Tara munhu ane maoko anosvika kumicheto yakapetwa.

  3. Cheka uchitevedzera pawatara munhu. Usacheka apo panobata maoko kumicheto yakapetwa

  4. Penengura bepa iri Nyora kana kuti tara chimwe chinhu chaunoda nezve nhengo yemhuri yoga yoga.

  5. Batanidza cheni dzakawanda pamwechete kana uine mhuri yakakura!