2016
Tariro yeRudo rweMhuri yoKusingaperi
Nyamavhuvhu 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Nyamavhuvhu 2016

Tariro yeRudo rweMhuri yoKusingaperi

Pazvipo zvose izvo Baba vedu Vokudenga vanorudo zvavakapa kuvana Vavo, chikurusa ndeicho cheupenyu hwokusingaperi (ona D&Z, 14:7). Chipo ichocho ndechokugara pamberi paMwari Baba neMwanakomana Wavo Anodikanwa nariinhi mumhuri. Chete mune hwepamusoro-soro hweumambo hwaMwari, hweseresitiyaro, ndimo muchaenderera mberi kubatana kunorudo kweupenyu hwemhuri

Tose tinotarisira rufaro rwekugara mumhuri dzinorudo. Kune vamwe vedu, aya manzwiro atisina kumbova nawo - manzwiro atinoziva kuti anokwanisika asi atisati tatambira. Tingangove takaaona muupenyu hwevamwe. Kune vamwe vedu, rudo rwemhuri rwakataridzika kuva rwechokwadi uye runokosha chaizvo apo rufu parwakatiparadzanisa kubva kumwana, mai, baba, hanzvadzi, mukoma, munin’ina, kana sekuru kana mbuya vanorudo uye vanodikanwa.

Tose takanzwa tariro yokuti nerimwe zuva tinozokwanisa kunzwa zvakare rudo rune tsitsi rwenhengo yemhuri iyoyo yataida zvikuru uye iyo yatinodisisa chaizvo iyezvino kumbundirana nayo zvakare.

Baba vedu Vokudenga vanerudo vanoziva pfungwa dzedu dzepamoyo. Chinangwa Chavo ndechokutipa rufaro (ona 2 Nifai 2:25). Uye naizvozvo Vakapa chipo cheMwanakomana Wavo kuitira kuti zvikwanisike kuva nerufaro rwekubatana kwemhuri runoenderera mberi nariinhi. Nokuda kwekuti Muponesi akadimbura majoko erufu tichazomutswa kuvakafa. Nokuda kwekuti akadzikinura zvivi zvedu, tinokwanisa, nerutendo nerutendeuko rwedu, kuva vakakodzera umambo hweseresitiyaro, umo mhuri madzinosunganidzwa pamwechete murudo nariinhi.

Muponesi Akatuma Muporofita Erija kuna Joseph Smith kunodzorera kiyi dzehupirisita (ona D&Z, 110). Nekiyi idzodzo kwakauya simba rekusunganidza, iro rinopa chipo chikurusa chaMwari kuvana Vavo-hupenyu hwekusingaperi mumhuri dzakasunganidzwa pamwechete nariinhi.

Ichi chipo chokuti mwana wese waMwari anouya munyika anokwanisa kukumbira. Chikamu chimwechete muzvitatu chevana vemweya Vavo chakaramba chipo Chavo ichi munyika yemweya. Nokuda kwekushaya rutendo rwakakwana uye nekuzopanduka kuri pachena, vakasarudza kusambofa vakaziva rufaro rwechipo chaBaba Vokudenga chemhuri dzokusingaperi.

Kwatiri isu takakunda pakuedzwa kwakakoshesesa munyika yemweya tisati tauya pano pasi uye nokudaro tikakodzera kutambira chipo chemiviri inofa, tichiri kukwanisa kuita sarudzo inokosha yokutambira upenyu hwekusingaperi. Kana takaropafadzwa zvokuwana vhangeri rakadzorerwa, tinokwanisa kusarudza kuita nokuchengeta zvibvumirano naMwari izvo zvinotikodzeresa upenyu hwekusingaperi. Apo patinoshingirira nokuramba takatendeka, mweya Mutsvene unozosimbisa tariro neruvimbo rwedu kuti tiri munzira yokuupenyu hwekusingaperi, yekunogara mumhuri nariinhi muumambo hweseresitiyaro.

Vamwe vanhu vangangotadza kunzwa zvikuru tariro yokutambira rufaro rwekusingaperi irworo. Vabereki, vana, hanzvadzi, madzikoma nevanin’ina vanogona kunge vakaita sarudzo dzinotaridzika sedzinovatadzisa kukodzera upenyu hwekusingaperi. Ungangoshama kuti wati wakodzereswa here kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Muporofita waMwari pane imwe nguva akandipa rairo iyo inondipa runyararo. Ndainetsekana kuti sarudzo dzevamwe dzingangoita kuti zvitadzike kuti mhuri yedu ive pamwechete nariinhi. Akati, “Uri kunetsekana pamusoro pedambudziko risiriiro. Kana ukangorarama zvinokodzera umambo hweseresitiyaro, mamiriro emhuri anozova akanakisisa kupfuura zvaungafungidzira.”

Kuna avo vose vane zviitiko zvemuupenyu zvavo pachavo kana vane muchato nevana - kana vasina muchato kana vana - zviri zvinhu zvinoderedza tariro dzavo dzeupenyu hwekusingaperi, ndinopa uchapupu hwangu kuti: Baba Vokudenga Vanokuziva uye Vanokuda semwana Wavo wemweya. Apo pawaiva navo neMwanakomana Wavo Anodikanwa upenyu huno husati hwavapo, Vakaisa mumoyo mako tariro yaunayo yeupenyu hwekusingaperi. Nesimba reRudzikinuro rwaJesu Kristu richishanda uye neMweya Mutsvene uchikutungamirira, unokwanisa kunzwa iyezvino uye uchanzwa munyika ichauya rudo rwemhuri urwo Baba vako neMwanakomana Anodikanwa Wavo rwavanodisisa kuti utambire.

Ndinopupura kuti apo paunorarama zvakakodzera umambo hweseresitiyaro, vimbiso yehuporofita yekuti “mamiriro emhuri achava akanakisisa kupfuura zvaungafungidzira” ichava yako.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Funga kutanga nekutaurira avo vaunodzidzisa nezve nguva apo pawakatenda netariro yemhuri dzekusingaperi. Vakoke kufungisisa nguva idzo dzavakanzwa kutenda nemhuri dzekusingaperi. Vabvunze kana vangada kugovera pfungwa dzavo pachavo nezve musoro wenyaya uno. Unokwanisa zvino kuvakoka kuti vafunge nenzve nzira dzavangava varinani nadzo uye vagorarama zvinokodzera umambo hweseresitiyaro kuitira kuti vimbiso yehuporofita “yemamiriro emhuri … akanakisisa kupfuura zvaungafungidzira” igokwanisa kuva yavo.